< Yohana 14 >
1 Na ndu sron mbi tie meme na, bi kpa nyeme ni Rji, kpa nyeme ngame ni Me.
“Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri.
2 Ni ko ti mu ahe niko gbugbuwu ani na nakina, mi hla ni yiwu mi hi mla bubu'a tie ni yiwu.
Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo.
3 Mi ta hi ni mla bubu'a tie ni yiowu, mi kma ye ni ye ngari ni ye vu yi hi ni kpa mu, ni ndu iwurji wa mi he'a bi ka he niki me.
Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri.
4 Bi to gon uhi bubu wa me he'a.”
Imi munoziva nzira yokuenda nayo kunzvimbo yandiri kuenda.”
5 Toma hla ni Yesu, Bachi, kina to bubu wa u si hi'a na, kiti niheri ni to nkon'a?
Tomasi akati kwaari, “Ishe hatizivi kwamuri kuenda, saka nzira yacho tingaiziva seiko?”
6 Yesu hla niwu, Ime yi mi nkon ni njanji ni re (ivri), Indrjori na ya hi ni Timu'a na se ka hu ni me.
Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.
7 U na to me u na to Timu me, rjizizan hi u to ni shishi me ni to.”
Dai maindiziva chaizvo mungadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.”
8 Filibu tre ni Yesu ndi, “Bachi tsro ta Iti'a, ni ndu tsra tawu naki.”
Firipi akati, “Ishe, tiratidzei Baba kuti zvigotiringana.”
9 Yesu hla niwu, “Mi he ni yi rji lalon mu u bi na to me na Filibu? Indji wa a to me'a a to Iti'a. U tie ni he ri, ni hla ndi, mi tsro yi Iti'a?
Jesu akapindura akati, “Firipi, haundizivi iwe here, kunyange ndanga ndiri pakati penyu kwenguva refu yakadai? Ani naani aona ini aona Baba. Unoreva seiko zvaunoti, ‘Tiratidzei Baba’
10 U na kpa nyeme na ndi mi he ni Ti'a u Iti'a he ni me na? Ilan tre bi wa mi si tre ni yi'a mi na si tre ni gbengblen mu na, ahi Iti mu wa ahe ni mi mu'a si tie ndu yi.
Hamutendi here kuti ini ndiri muna Baba, uye Baba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri haasi angu ndoga. Asi, ndeaBaba, vanogara mandiri, avo vari kuita basa ravo.
11 Kpa nyenme ndi mi he ni Ti'a, u Iti'a ahe ni me, ko u ka kpanyeme ni indu bimba me.
Nditendei pandinenge ndichiti, ini ndiri muna Baba uye Baba vari mandiri; kana kuti mutende zviratidzo zvamunoona.
12 Njanji, njanji, Mi hla ni yiwu, indji wa a kpanyeme ni me ani tie ndu wa Mi tie'a na tie ndu bi rigrama zan bi yi niwa Mi si hi ni Ti Mu.
Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba.
13 Ko ngyeri wa minye ni mi nde mu, mi ti niwu ni ndu Ti'a ndu kpa ninkon ni Vren'a.
Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa.
14 U wu ta minye me ko san ngyeri ni mi nde Mu, Mi tie wu.
Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.
15 U wu ta ni son me, wu hu indu mu,
“Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.
16 u Mi bre ni Ti'a, mi la no yi si sron ri wa ani son niyi hi tuntru - (aiōn )
Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi, (aiōn )
17 u Ibrji Tsatsra (Ruhu) u njanji gbungblu'a ana ya kpa na nitu wa a to na, iwu u to, ani son niwu ani he niwu.
iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu.
18 Mi na ka yi don ni kankrji mbi na, Mi kma ye ni yi.
Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri.
19 A don tsa me yi, ni ndu gbungblu yi na la tie bre to mena, bi yi bi la to me don me mi he, biyi me bi son.
Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu.
20 Chachu ki bi to andi Mi he ni Timu, andi bi he ni me, u me mi he ni yi.
Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri.
21 Indji wa a wo du mu, na hu ba ahi indji wa ani son me, u indji wa ani son me, Iti mu ni son'u ngame, u Me Mi son'u ni tsro tu mu niwu.”
Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.”
22 Yahuda (ana Iskariyoti na) a tre Yesu, “Bachi, ahi ngyeri sa u tsro ta tu me, ana ni gbungblu'a na?”
Ipapo Judhasi, kwete Judhasi Iskarioti, akati, “Asi Ishe, seiko muchida kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?”
23 Yesu sa na hla niwu, indji wa ani son me'a ani hu lantre mu. Iti mu ni son u ki ye niwu ni son baba me.
Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye.
24 Indji wa ana son me na, ana hu tre mu na, itre wa bi wo bana rji-ni me na, ba rji ni Ti wa a ton me'a.
Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma.
25 Mi hla ikpi biyi ni yiwu ni wa Mi he ni gbungblu'a, niwa Mi he niyi.
“Zvose izvi ndazvitaura ndichinemi.
26 Se, u si sron ibrji tsatsra (Ruhu) wa Itimu ni ton ye ni mi nde Mu ani tsro yi ko ngyeri na tie ka ko ngyeri ni yiwu.
Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.
27 Mi bri yi ni si sron, ni no yi si sron, Mi na no nawa gbungblu'a ni no'a na, na kpa sron u bi tie meme na, nda na tie sissri na.
Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.
28 Bi wo Mi hla ni yiwu, Mi hi kpa Mu, ndi Mi la kma ye niyiwu. Inde bi son Me, bi ka ngyiri don Mi hi ni Ti'a, Iti'a a zan na wa Mi he'a.
“Makandinzwa ndichiti, ‘Ndiri kuenda uye ndichadzokazve.’ Dai maindida maifara kuti ndinoenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kupfuura ini.
29 Zizan Mi hla ni yiwu ri ni ndu ka ye he (ti) nda ana ye he (ti) u bi ka kpa nyeme.
Ndagara ndakuudzai zvichigere kuitika, kuitira kuti pazvinenge zvoitika mugozotenda.
30 Mi na la tre babran ni yi na, Ichu wa ani nji gbungblu'a ani ye ana he ni gbengblen ni tu mu na.
Handichazotauri nemi kwenguva refu, nokuti muchinda wenyika ino ari kuuya. Haana chinhu pandiri,
31 Ni ndu gbungblu'a ndu ba to andi Mi son Ti'a, Mi ti na wa Iti'a a yo Me, ki lunde bri bubu yi.
asi nyika inofanira kudzidza kuti ndinoda Baba uye kuti ndinoita chaizvo zvandinenge ndarayirwa naBaba vangu. “Uyai zvino; ngatibvei pano.