< Yohana 13 >

1 Igan idin tsatsra rigyen u ye, u Yesu to andi inton tsra wa a lu ni gbungblu hi ni Ti'a. Niwa ani son bi ma wa ba he ni gbungblu, a son ba ye ni kekle.
Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake.
2 Ibrji yo ni sron Yahuda Iskariyoti ivren Saminu, aka Yesu le.
Kudya kwamadekwana kwakanga kwava kugoverwa, uye dhiabhori akanga aisa mumwoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, pfungwa yokuti apandukire Jesu.
3 Ato ndi Iti a ka kongeri no ni woma, na rji ni Rji, ani la kma hi ni Rji.
Jesu akanga achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari uye kuti aidzokerazve kuna Mwari,
4 A lunde ni bubu ri biri, na ju kpima, na ban inklon u se ma kpa na ka kpa ma niwu.
saka akasimuka pakudya, akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiuno chake.
5 Wa sur ima ni konko na si ngla za ni almajere ma ba na se za ba wu ni inklon u se kpa wa a ka kpama niwu'a.
Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.
6 Na ye ni Siman Bitrus, u Bitrus tre niwu, “Bachi, u ngla za mu me?”
Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, “Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?”
7 Yesu sa niwu na tre, “Ikpe wa mi si ti'a una to na zizan? U to ni ton u ye (ajima).
Jesu akapindura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.”
8 Bitrus hla niwu, una ti bre ngla za mu.” Yesu hla niwu, “Mita ngla niwu na, una he ni san me ni me na.” (aiōn g165)
Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.” (aiōn g165)
9 Siman Bitrus hla niwu, “Bachi, na ngla zamu migyen na, ngla womu ni tu mu.”
Ipapo Simoni Petro akati, “Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi asi maoko angu nomusoro wanguwo!”
10 Yesu hla niwu, “Indji wa a sukpa'a ana wa sukpa na, se ka ngla za, wa ahi tsatsra ndji wawu bi tsatsra, ama ani wawu mbi na.
Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.”
11 (Yesu a to indji wa ani kawu le, kima sa wa tre naki, ana wawu mbi bi tsatsra na).
Nokuti aiziva kuti ndiani aizomupandukira, ndokusaka akati, havasi vose vakanga vakachena.
12 Ni kokon wa Yesu ngla za bawu, a ban konlon ma na kuson ngari, na hlabawu, “Bito kpe wa mi ti ni yiwu'a?
Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, “Munonzwisisa here zvandaita kwamuri?
13 Bi yo me ni 'Mala' ni 'Bachi,' u bi yo me tsra, a naki mi he.
Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri.
14 U to Me wa mi Bachi ni Mala, u mi ngla za mbi, biyi ngame bika ngla za ni kpambi.
Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
15 U mi tsro yi misali, ni ndu ti na wa mi tie ni yiwu.
Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi.
16 Gbigbi njanji mi si hla ni yiwu, igran na zan tiko ma ni ninkon na, ivren u ton ndu ana zan indji wa ton'u ndu ninkon na.
Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma.
17 Bita to kpi biyi, bi-bi lulu ni nde bi ti ba.
Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.
18 Mi na si tre yi wawu na; Mi to biwa mi chu ba'a - nitu ndi nassi tsra indji wa a tan bredi a tayar nimu.
“Handirevi izvi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuti azorwa neni.’
19 Mi si hla wa yi ni yiwu zizan ri ni ndu ka ti naki ni ndu yi ka kpa-nyeme ni me ni nton wa ani ti naki'a.
“Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuitira kuti pazvinoitika mugozotenda kuti ndini Iye.
20 Njanji, njanji, mi si hla ni yiwu, indji wa a kpa ndi wa mi ton'wu, ahi Me a kpa, indji wa a kpa Me, a kpa Indji wa a ton Me.
Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.”
21 Ni kogon wa Yesu tre naki, na lo sron ni (Ruhu), na ti gban (shada) andi, gbigbi njanji, mi si hla ni yieu ndi iri ni mibi ani le ni me.”
Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.”
22 Almajire ba ba kma ya kpa mba, na ni tamre, ka ahi nha ni mi mba a si tre ni tu ma.
Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo.
23 Iri nimi almajire ma, wa Yesu ni son, ahe ni tebru, na kunyre ni san Yesu.
Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari.
24 Siman Bitrus hla ni almajire bika minye, “Ndu hla tawu a hi nha a si tre ni tu ma.”
Simoni Petro akaninira kumudzidzi uyu akati, “Vabvunzei kuti vanoreva ani.”
25 Wa hla bru kunyre ni san Yesu, na tre niwu, Bachi, ahi nha?
Akasendamirazve pana Jesu, akamubvunza akati, “Ishe, ndianiko?”
26 U Yesu hla niwu, a wawu yi wa mi ka cichon bredi sun ni kano. Naki ri na ka bredi sun, na ka no Yahuda ivren Siman Iskariyoti.
Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni.
27 Ni kogon bredi'a u ibrji a ri ni wu, u Yesu hla niwu, “Ikpe wa u son ti'a, uka ti gbagbla.”
Judhasi achangodya chingwa ichi, Satani akabva apinda maari. Jesu akati kuna Judhasi, “Zvaunoda kuita, ita nokukurumidza,”
28 Indrjori na la he ni tebru na, wa ani to ikpe wa yo'a hla niwu naki'a.
asi hapana munhu akanga ari pakudya akanzwisisa kuti sei Jesu akanga ataura izvozvo kwaari.
29 Bari mba ba ya ndi, a Yahuda yi ni nji imbu nklen Yesu hla niwa, “Le ikpe wa ki son ti ndu niwu ni idin,” ko ka no ikpe ni bi wa ba kunyre'a.
Sezvo Judhasi aiva mubati wemari, vamwe vakafunga kuti Jesu aimuudza kuti andotenga zvimwe zvaidikanwa pamutambo, kana kupa varombo chimwe chinhu.
30 Ni kogon wa Yahuda a kpa bredi'a, wa rju gbagbla gbagbla me ni chu me.
Judhasi akati achangodya chingwa, akabuda panze. Uye hwaiva usiku.
31 Ni kogon wa Yahuda hi'a, Yesu tre, zizan ba no Vren Indji ni kon, ngari ba no Irji ninkon ni mi ma.
Akati aenda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana woMunhu akudzwa uye Mwari akudzwa maari.
32 Irji ni no ninkon ni mi ma, ani no ninkon zizan zizan.
Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achakudza Mwanakomana maari uye achamukudza pakarepo.
33 Imri bi tsitsa mi he ni yi ni vi ton tsa me, biwa me na wa mi hla Yahudawa, bubu wa me mi hi bi na ya hi na. Zizan mi hla wa yi ni yiwu.
“Vana vangu, ndichava nemi kwechinguva chiduku chete. Muchanditsvaka, uye sezvandaudza vaJudha, saizvozvo ndinokuudzai zvino kuti: Kwandinoenda, imi hamugoni kuuyako.
34 Mi si no yi indu ri sama, son kpa mbi, na wa mi son yi, na bi ka son kpambi.
“Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana.
35 Na ko nha ni to yi ndi bi almajire mu, inde bi son kpambi.”
Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.”
36 Siman Bitrus tre niwu, Bachi, u hi ni ntsen?” Yesu hla ni wu, bubu wa mi si hi'a, una ya hina me zizan hi na, u wuka ye hu me ni kogon.”
Simoni Petro akamubvunza akati, “Ishe, muri kuendepiko?” Jesu akapindura akati, “Kwandinoenda, imi hamugoni kutevera, asi muchazotevera pashure.”
37 Bitrus hla niwu, “Bachi, a ngyeri mba sa mi na hu zizan na? Mi no re (ivri) mu ni tu me.”
Petro akati, “Ishe seiko ndisingakwanisi kukuteverai iye zvino? Ndichakufirai ini.”
38 Yesu hla niwu, u ka re (ivri) me no ni tu mu? Gbigbi njanji, mi si hla niwu, u kame ni me ni kpatron ingyu tra ri ndu mble ndu kpan
Ipapo Jesu akapindura akati, “Uchandifira here? Ndinokuudza chokwadi kuti, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu!”

< Yohana 13 >