< Yohana 11 >

1 U igun wa ba yo ni Lazaru, a lo'a hi indji u Baitanya, ni gbu ba Mariyamu ni vayi ma Marta.
Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake.
2 Mariyamu wa gban yen ni Bachi na se za ma ni futu ma, wa vayi Lazaru si lo'a.
Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuhwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake.
3 Imri vayi maba ton ba adu hi ni Yesu, andi, “Bachi, ya, indji wa'u son si to.”
Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, “Ishe, uya wamunoda ari kurwara.”
4 Wawo, na tre, “Lilo mba ni nji hi kwu na nitu gbere san rji ni ndu vren Rji ndu fe gbere san ni tu ma.”
Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, “Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nokukudzwa kwaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo.”
5 Yesu ni son Marta, ni vayi ma vren wa ni Lazaru.
Jesu aida Marita, nomununʼuna wake uye naRazaro.
6 Wa a wo ndi Lazaru silo'a, na kri ti ivi hari ni bubu wa ahe.
Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri.
7 Ni kogon ki, wa hla, ni almajere ma, “Biri ki hi ni Yahudiya ngari.”
Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Ngatidzokerei kuJudhea.”
8 U almajere ba hla niwu, “Mala, Yahudawa bari si wa ndi ba ta ni tita, u la ni son k'ma hi ni ki?
Vakati kwaari, “Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?”
9 Yesu tre niba, andi inton u kpan rji ana awa wulon don ha na? Indji wa a zren ni ri, ana kubu zana, ni wa asi to kpan u gbungbulu yi.
Jesu akapindura akati, “Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino.
10 Indji wa ni zren ni chu, ani kubu za nitu wa ikpan na he na.
Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza.”
11 A tre kpe biyi ni kogon biyi, a hla ni bawu, “Ikpan mbu Lazaru a si kru nna, mi si hi bubu shime lunde ni na.
Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, “Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.”
12 U almajere ba hla niwu, “Bachi, ani ta si kruna, e ani shime ni nna'a.”
Vadzidzi vake vakapindura vakati, “Ishe, kana akavata, achaita zviri nani.”
13 Yesu si tre ni tu kwu Lazaru u ba si nda asi tre nitu kruna u kusimu.
Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo.
14 U Yesu a mamla hla ni bawu ndi, “Lazaru kwu.
Saka ipapo akavataurira pachena akati, “Razaro afa,
15 Mi ngyiri ni tubi, niwa mina he na ni ndu kpanyeme. Biri ki hi niwu.”
uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari.”
16 Toma, wa ba yo ndi vren u hlen hen, a hla ni mburualmajere ba ndu baba hi ngame na hi kwu ni Yesu.”
Ipapo Tomasi Dhidhimo akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.”
17 Wa Yesu aye, u wa ye to Lazaru ati za'a ni be ye.
Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana.
18 Baitanya ahe whewhre ni Urushalima, avi zren fifie me ni tsutsu mba.
Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema,
19 Yahudawa gbugbuwu ba ye ni ye chiMaryamu mba Marta ni kwu Lazaru.
uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo.
20 Wa Marta wo andi Yesu ni ye, na luhi ni ndu wawu hi same wu'a u Maryamu a son zu ni miko.
Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba.
21 Marta hla ni Yesu, “Bachi, una he nita ni lalon mu, vayi mu ana kwu na.”
Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
22 Zizan me mi to ikpe wa u bre Rji ani no'u.”
Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.”
23 Yesu hla niwu, vayi me ni ta shime.
Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.”
24 U Marta hla niwu, “Mi to ani ta shime chachu klekle.”
Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.”
25 Yesu hla niwu, “Ime yi mi ta shime u klekle, Ime yi mi re (iviri), indji wa a kpanyeme ni me, ani ta kwu, ani ta shime;
Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;
26 ni indji wa ahe ni re (iviri), na kpanyeme ni me, ana kwu na; u kpanyeme ni wa?” (aiōn g165)
uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?” (aiōn g165)
27 U wa hla niwu, “E, Bachi, mi kpanyeme andi iwuyi u Almasihu, Vren Rji, iwa ani ye ni gbungbulu'a.
Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.”
28 Ni wa a hla naki, na kma hi ni vayi ma Maryamu, na yo ti gigran, na hla, “Mala ye ri ye, na ni yo.”
Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi mununʼuna wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.”
29 Wa a wo naki, wa lunde gbagbla hi niwu.
Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari.
30 Yesu na ri ni vi gbu'a rina, ahe ni bubu wa Iwa ka same ni wu'a.
Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita.
31 Ni Yahudawa wa ba he baba Maryamu biwa ba ye chi ba ni kwu'a, bato lu rju ni miko gbagbla me, u ba lu hu, ni ban andi a rju ni bubu yi ni nyu be.
VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko.
32 Wa a ka ri ni bubu wa Yesu he'a na ka Joku niwu ni za ma, na hla, “Bachi, una he nita, vayimuy ana kwu na.”
Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”
33 Wa Yesu ato'u si yi, ni Yahudawa biwa ba hu'a, i wa kpere ni Ruhu na lo ni suron;
Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika.
34 iwa tre, bika yo ni ntsen? “U ba hla niwu, “Bachi, ye to.”
Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?” Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.”
35 Yesu yi.
Jesu akachema.
36 U Yahudawa ba ba hla ndi, “toh yanda ani son Lazaru!”
Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!”
37 Ba mba ba tre, “Wawu igu yi wa a ya no indji u fyen to bubu'a, ani na ya u gu hi bubu kwu na?
Asi vamwe vavo vakati, “Ko, uyu akasvinudza bofu akanga asingagoni here kuita kuti munhu uyu arege kufa?”
38 Yesu he ni mi si lo suron ni tu ma, na hi ni be'a. Ibe'a a he ni ko fron tita u ba ka he ni tita.
Jesu, akabatwa neshungu kwazvo, akasvika paguva. Rakanga riri bako rine dombo rakanga rakaradzikwa rakachinjika mukova waro.
39 U Yesu tre, “Ban tita yi rju.” Marta vayi Lazaru wa a kwu a, a hla ni Yesu, “Bachi, zizan ikon kmo a gla ye niwa a ti ivi nzah ni kwu.
Akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, “Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuhwa, nokuti atova mazuva mana arimo.”
40 Yesu hla niwu, mina hla niwu ikpe wa u kpanyeme u to nikon u Rji'a na?
Ipapo Jesu akati, “Ko, handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?”
41 U ba ban tita rju, Yesu zun shishi na tre, “Iti, mi ngyiri niwu niwa u wo me.”
Saka vakabvisa ibwe. Ipapo Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa.
42 Mi to wa u wo me ni ton wawu, nitu son yi wa gyen klan kagon mu yi mi tre wa, ni ndu ba kpanyeme andi ahi wuyi u ton me.”
Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndareva izvi nokuda kwavanhu vamire pano, kuti vatende kuti imi makandituma.”
43 Ni wa a tre kle, na tre gbame, Lazaru rju”
Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!”
44 U ndji wa a kwu'a a lu rju, u za ma ni wo ma ba he ni lilo'o ni pri, shishima he ni kika ni gbanjan nklon. Yesu hla bawu, “Bika siwu, ndu hi.”
Murume akanga afa uya akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva mumurege aende.”
45 Gbugbuwu ni mi Yahudawa wa ba ye ni Maryamu ba to ikpe wa Yesu ti'a u ba kpanyeme niwu.
Naizvozvo vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuzoshanyira Maria, uye vaona zvakanga zvaitwa naJesu, vakatenda kwaari.
46 U bari ba kma hi naka hla ni Farisawa ikpe wa Yesu a ti'a.
Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi vakavaudza zvakanga zvaitwa naJesu.
47 U Firistoci bi nigon,'a ni Farisawa ba yo indji bi kpanchi'a shuti buburi, u ba tre, ageri kita?” igu yi ani ti gban bi babran.
Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakadana musangano weDare Guru ravaJudha. Vakati, “Tiri kuiteiko? Hounoka murume ari kuita zviratidzo zvesimba zvizhinji.
48 Ki ta kadon naki, indji ba kpa'u nyeme, Romawa ba ye kpa bubu mbu, ni ndji mbu.
Kana tikamurega achienderera mberi saizvozvi, munhu wose achatenda kwaari, uye vaRoma vachauya vakatitorera zvose nzvimbo yedu nenyika yedu.”
49 Naki, iri ni mi mba kayatas kena wa ndi ahi kikle Firist ni se kima, a hla bawu, “Bi na to kpe na.
Ipapo mumwe wavo ainzi Kayafasi, akanga ari muprista mukuru wegore iroro akataura achiti, “Hamuna zvamunoziva imi!
50 Bi na mla ya a bi zan ni ndu indji riri kwu ni tu indji, ni wa indji wawu ba sutuna.”
Hamuzivi here kuti zviri nani kwamuri kuti munhu mumwe afire vanhu pano kuti rudzi rwose ruparare.”
51 A hla ki, ana nitu ma kankrji ma na, ani tu iwa a hi kikle Firist, a to tsu ndi Yesu ni yi ni kwu ni tu ndji;
Haana kungotaura izvi pachake, asi sezvaakanga ari muprista mukuru wegore iroro, akaprofita kuti Jesu aizofira rudzi rwavaJudha,
52 ana nitu indji kankrji na, anitu ndu ba shi imri Irji ti ni buburi biwa ba lu vra kagon.
uye rusati rwuri rudzi irworwo bedzi asiwo vana vaMwari vakapararira, kuti avaunganidze agovaita vamwe.
53 Rji ni chachu ki na lu ni tsikpa bubu wa ndu ba wu Yesu.
Saka kubva pazuva iroro zvichienda mberi, vakarangana kumuuraya.
54 Rji ni ki Yesu na la ni zren ni rira ni mi Yahudawa na. Wa ala kma hi ni kalan ri whiwhre ni miji ni gburi wa ba yo Ifraimu. Ni mu a son ni almajere ma.
Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha. Asi akabva akaenda kudunhu raiva pedyo nerenje, kumusha wainzi Efuremu, kwaakandogara navadzidzi vake.
55 Igan u ru gran (indji ketarewa) u Yahudawa a tewhre, gbugbu ba hi Urushalima rji ni klan meme'a hi ri ndu ivi idiri ni ndu ba kati tsatsra.
Pasika yavaJudha yakati yoswedera, vazhinji vaibva munyika iyo vakakwidza kuJerusarema kuti vandozvinatsa Pasika isati yasvika.
56 U lu ri wa Yesu, na ni tre ni kpa mba niwa ba kri ni ni hekeli andi, “Angye bi ki rhimre? Ana ye ni idin na?
Vakaramba vachitsvaka Jesu, uye pavakanga vamire mutemberi, vakabvunzana vakati, “Munofungeiko? Haasi kuzouya kumutambo here?”
57 Kikle Firist ni Farisawa ba yo du andi ko ni zen wa ba to Yesu ba ka ye hla ni ndu ba vu.
Asi vaprista vakuru navaFarisi vakanga varayira kuti kana paine anenge aziva kuna Jesu, aifanira kuvazivisa kuitira kuti vagomusunga.

< Yohana 11 >