< Yohana 10 >

1 Njanji, njanji, mi hla yiwu, indji wa ana ri zu ni gontra hi ni gran tan ba ba na, na hon hu igon ri, indji mba a ndji u yibi na ni kri ni kon.
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo.
2 Indji wa ari zu ko gon tra ahi indji u krju tanba.
Zvino anopinda nepamukova mufudzi wemakwai.
3 Indji u gben a bu'u gon tra niwu. Itanba ba ba wo tre ma, ani yo tanba ba ni nde mba, na nji ba hi kora.
Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze.
4 Ani ta nji ba hi kora, ani guci u tanba ba ba hu nitu wa ba to tre ma.
Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.
5 Bana hu indji u tsri na, se ba kulu ni wa bana to itre ma na.”
Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi revaeni.
6 Yesu tre bawu ni misali yi, u ba na to tu tre wa asi hla ni bawu na.
Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari.
7 Yesu hla bawu ngari ndi, njanji, njanji, mi hla yiwu, ahi meyi mi inkon tra tanba ba.
Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;
8 Biwa ba ye guci ni mu'a wawu mba wu ba bi yibi ni bi kri ni nokn, u itanba ba bana wo bana.
vese vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
9 Ime yi mi gon tra, indji wa ari zu niki ni nkon mu, ani nawo, ani hi na rju na fe bubu u ri.
Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro.
10 Indji u yibi na ya yena nitu wa a yibi, a wu na su indji tu. Mi ye ni ndu ba fe re (iviri) na fe re (iviri) u babran.
Mbavha haiui asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira.
11 Ime yi mi indji u krju ndindima. Indji u krju ndindi ma ani ka re (iviri) ma no nitu tanba ma.
Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake.
12 Indji wa ahi vren u ton ndu'a, ana indji u krju na, wa na indji u tanba ba na, ani ta to ya niye, ani kaba chuwo na tsutsu, u iya ka vu ba na vraba ti nkankan.
Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai.
13 A tsutsu nitu wa ahi indji u tie ndu u kenle mba wana ri niwu ni sonron na.
Muricho anotiza nokuti muricho, uye haana hanya nemakwai.
14 A me hi me yi mi indji u krju ndindi ma, mi toh bimu, bimu ba toh me.
Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikanwa neangu.
15 Iti'a ato Me, Ime mi toh Iti'a, mi ka re (iviri) mu no nitu tanba ba.
Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu.
16 Me he ni tanba bari wa bana u gran yi na. Dole dun mi nji ba ye ngame, u ba wo lan mu u ntma ba ba he ni bubu rhirhi nda he ni ndji u krju ba rhirhi.
Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe.
17 Ni tu kima, Iti'a ni son me, mi no re mu (iviri) ni ndu mi la ffe ngari.
Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve.
18 Idiori na ya ban ni me na, ime mi no ni tumu, mi he ni gbengbenle u no, ni he ni gbengbenle u bawu ngari. Mi kpa umurni rji ni Timu.”
Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.
19 Ga kpa la lunde ni mi tsutsu Yahudawa nitu lan biyi.
Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati peVaJudha nekuda kwemashoko awa.
20 Gbugbu'u ni mi mba ba tre, aheni brji, ahi indji u siran ngari ani tunge bisi wowu?”
Vazhinji vavo vakati: Ane dhimoni uye anopenga; munomuteererei?
21 Bari ba tre, biyi bana lan tre biwa ba he ni brji na. Ka indji u brji ni ya bu'u shishi indji u fyen?
Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?
22 U ton igan Tsakakewa (Tsiratsira) ni Urushelima a ye tsira'a.
Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando;
23 Ana iton u ma lu, u Yesu zren si hi ni mi hekeli Suleimanu, wa ba me mu me ziye'a.
Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni.
24 U yahudawa ba lu hrawu kagon na miyen, “Ani tan mba u chuta chuwo ni mi mire.
Zvino VaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.
25 Yesu hla bawu, “Mi hla ni yiwu, u bina kpa yenmen na, indu wa mi si tie ni mi nde Bachi, ba tsoro igban mu.
Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu;
26 Naki bina kpayenme na nitu wa bina tamba mu na.
asi imwi hamutendi; nokuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri.
27 Itanba mu ba wo me, mi to ba, ba hu me.
Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;
28 Mi noba re (iviri) u tuntur, ba na to h ikwu na, idiori na ya kpa niwu mu na. (aiōn g165, aiōnios g166)
uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu. (aiōn g165, aiōnios g166)
29 Iti mu, iwa Ane ba, a zan ndji nikon wawu, idiori na ya u kpa ni wo Ti'a na.
Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vese; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu.
30 Ime ni Iti'a ki riri me.”
Ini naBaba tiri umwe.
31 U Yahudawa ba la vu tita ndi ba ta.
Naizvozvo VaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.
32 Yesu sa bawu, “Mi tsoro yi indu bi babran ma rji ni Ti'a. Nitu iri ni mi indu'a bi ki tame?”
Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira?
33 U Yahudawa ba sa niwu, “Ana nitu indu iri u ndindi ma mba ki si ta na. Ani tu kpande ti meme nitu. u indji ni kaban ni ban tume na Rji.
VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari.
34 Yesu sa ni bawu, bana nha nha zi ni du itron bina, mitre, “Bi rji bi ka viri?”
Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari?
35 Ani ta yo ba Irji biwa itre Rji ye ni ba (bana ya karya na si na, )
Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa;
36 Bi si hla ni indji wa Iti a zi na ton ndu ni gbungbulu'a, u se latre, (kpa nde tie meme) nitu wa mi tre, Ime mi Vren Rji'a?
imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?
37 Mi ta na si tie indu u Timu na, bi ka na kpayenme ni me na.
Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda.
38 Ide mi siti bika, u bi na kpa yenme me na, kpa yenme ni ndu ni to ni ndi Iti he ni me i mi he ni Ti.
Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari.
39 U ba tsi kpukpa ndi ba la vu ngari, iwa na bawo rju kado ni wo mba.
Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.
40 Wa hi kpama ni koshishi ni inne Urdun hi ni bubu wa Yahaya ta ti batisma ni sen'a. na ka son ni ki.
Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo.
41 Indji gbugbuwu ba ye niwu, “Njanji Yahaya na ti ba gban kperina (alamu) wawu ikpe wa Yahaya ta tre nitu gu yi'a ba njanji.
Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chese Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi.
42 Indji gbugbuwu ba kpanynme niwu ni ki.
Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.

< Yohana 10 >