< James 5 >
1 ye ziza be yi bi wo bi ka ta yi ni sa wonyu niyu ine shiji wa ani ye ni u gbugbuu
Uyai ikozvino imwi vafumi, rirai muridze mhere nekuda kwematambudziko enyu anokuwirai.
2 iwo bi a gla ikulon bi immaran ni lri ba
Fuma yenyu yakaora, uye nguvo dzenyu dzakava dzakafusiwa.
3 zinariya ba azurfar bi ba kuklu kuklu a ani no shaida ni tu bi ani gon nmama kpabi na illu be vu ikpi u son bi kari nde ni gbe i vi u kaikle
Goridhe renyu nesirivheri zvava nengura; uye urari hwazvo huchava chapupu kwamuri, uye huchadya nyama yenyu semoto. Makazvichengetera fuma pamazuva ekupedzisira.
4 yga ie bi ti ndu aniyi ide wa be kayu be wa ba ka chah ikpi ni irju ni yiwu u yi be chah ikpi a hi ito u irji ruduna
Tarira, mubairo wevaranda vakacheka minda yenyu, yakanyimwa nemwi nekunyengera, unodanidzira; nekuchema kwevacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo.
5 bi son ni mi son ikpi u gbuuglu de yo tubi ni mi be yo isonron bi du wuloga ni gbi ivi u hha
Makagara muumbozha panyika, uye makakarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sepazuva rekubaya.
6 bi hukunta de wo idid dede u ana san nyu ni yi na
Makapa mhosva, makauraya wakarurama; haakupikisii.
7 ni tu naki be ka vu sonran mrivayi khi gbie ye yesu na wa be ron ba gbie iga da cha ikpi mba ye niko ni vu sonron nda kpailu u mumla ni ilu u kaikle
Naizvozvo ivai nemoyo murefu, hama, kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarira, murimi anomirira chibereko chinokosha chevhu, anochiitira moyo murefu, kusvikira chagamuchira mvura yekutanga neyekupedzisira.
8 beyi me bi ka vu sonro be ka no gbegbele isonro bi i ye irji a ti hwiehwire
Imwiwo ivai nemoyo murefu; simbisai moyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwaswedera.
9 na chaba gbugburu na mrivayimu ni kpa bu nde ndu mba na la yina ya ba u turon a khiri kutara.
Musanyunyutirana, hama, kuti murege kupiwa mhosva; tarira, mutongi amire pamukova.
10 ban na ki mrivayi ni sha ya ni vu sonron annabawa be wa mba tre mba ni mi ide irji
Torai vaporofita semuenzaniso wekutambudzika, hama dzangu, newemoyo murefu, vakataura nezita raIshe.
11 ya khi yo be wa mba vu sonrona ba be ti lulu be wo be be vu sonron wa Ayuba a tia be ka toh nde a hi idu irji na wa a he ni lo sonro ni jikai
Tarira, tinoti vakaropafadzwa vanotsungirira; makanzwa zvekutsungirira kwaJobho, uye makaona kuguma kwaIshe, kuti Ishe ane moyo munyoro kwazvo uye ane tsitsi.
12 nituwawu mrivayimu na shidi ni me me mba ni shu ko ni meme ko ni ikpiri u shidi nitu naki e a hi e u be ta tre nde a du hi a a du yi na joku ni mi hukunci na?
Asi pamberi pezvese, hama dzangu, musapika, kana nedenga, kana nenyika, kana nekumwe kupika kupi; asi hongu yenyu ngaive hongu, uye kwete, kwete; kuti murege kuwira mukutongwa.
13 u irbi a si shaya kpukpome? du herai irji u idri a ni giri? wa ka yosai u gberesa
Kune umwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Pane anofara here? Ngaaimbe mapisarema.
14 iri ni lo ni mi bi? wa a ka yo be nikon u tra irji du mba bere irji ni a u da gbah iyee ni wu ni mi nde irji
Pane anorwara pakati penyu here? Ngaadane vatariri vekereke; uye ngavanyengetere pamusoro pake, vachimuzodza namafuta muzita raIshe;
15 ibere u kponji ani den idi u liloirji ni zu lude wa ani ta latre irji a ni wuru kalle wu
uye munyengetero werutendo uchaponesa anorwara, uye Ishe achamumutsa; zvino kana akaita zvivi, achazvikanganwirwa.
16 ni tu naki be kahla latre bi ni kpabi nde ta bere irji du no yi gbegble wawa bi ibere idi u dede a he ni gbegbele du u njaaji
Reururiranai zvivi, uye nyengetereranai, kuti muporeswe. Munyengetero wakasimba wewakarurama une simba zvikuru.
17 iliya a hi idime na khi ta a bere ni kpohji an de illu na juna i illuwa na ku ni gbula na ti isai tra ni hwatahne
Eria wakange ari munhu wemanzwiro akafanana nesu, akanyengetera nemoyo wese kuti kusanaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu;
18 u illiya ka labere irji na ki u shulu ka du illu ku u meme ka no ikolo kugrua
zvino wakanyengeterazve; denga ndokupa mvura, nyika ikabereka chibereko chayo.
19 mrivayimu u iribi ni ta baude ni mi njaaji u idior ji u kwmaye
Hama, kana umwe pakati penyu achitsauka kubva pachokwadi, umwewo akamudzora,
20 indi ki ka toh ande idi wa a kwhandi sanra ni latre ma ani kpa a chuwo ni ohu nda ka gbu gbu latre ma
ngaazive kuti uyo anodzora mutadzi pakutsauka kwenzira yake, achaponesa mweya parufu nekufukidza zvivi zvizhinji.