< James 2 >

1 be yi mrivayi be ta ji kponji u tibu yesu Almasihu irji u gbirasan be kan tsoro kanka ni bru idi na
Hama dzangu, kwete nerusarura muve nerutendo rwaIshe wedu Jesu Kristu wekubwinya.
2 u idiri nita ye ni yi ni mi shubi u bi nda suru zobban zinariya ni ikulon dedema udiri a ye nda suru gbajan kolon
Nokuti kana muungano yenyu mukapinda murume ane mhete yegoridhe nenguvo inopenya, mukapindawo murombo ane nguvo yakasviba,
3 u be ta kpa idi ukulon dedema nde no bubu u
imwi ndokutarira uyo wakapfeka nguvo inopenya; ndokuti kwaari: Iwe gara pano zvakanaka; ndokuti kumurombo: Iwe mira ipapo; kana: Gara pano pasi pechitsiko chetsoka dzangu;
4 kuson dedema u idi uya anita ye u be hla du kukri ghugbamu n yi ko juma be kahla wu du kuson ni meme ni koshishi u be na toh ade be si yo latre ni kpabina u be hi be turon ni meme sonron na?
hamunawo kusarura mukati menyu pachenyu mukavawo vatongi vendangariro dzakaipa here?
5 wori imrivayi mubeyi be na toh ade irji a chu be ya ni mi gbuugblu du mba he be wo ni mi njaaji nda he be wa mba kpa nkon wa yonyu ni be wa mba son wu
Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa. Mwari haana here kusarudza varombo venyika ino, vakafuma parutendo, nevadyi venhaka yeushe hwaakavimbisa kune vanomuda?
6 u be kpa be ya tsiri be na toh a nde be wo yi mba o yi ya na?
Asi imwi makazvidza murombo. Vafumi havakutsikiririi here, uye ndivo vanokukweverai kumatare?
7 mba mbayi mba mri yi ni idedede ma be yoa
Ivo havanyombi zita rakanaka rakadanwa pamuri here?
8 ko ni he u tta cika ituron be chu na wa vuvu a tre a u ka sonvayime na wa u sontume u ti dede ma
Kana zvirokwazvo muchizadzisa murairo weushe, zvinoenderana nerugwaro rwunoti: Ida wekwako sezvaunozvidaiwe, munoita zvakanaka;
9 amma u be ta tsoro kankan ni mi bi be kpaturon tsiri
asi kana mune rusarura, munoita chivi, munopwiswa nemurairo sevadariki.
10 u wa a hu turon wawu da kwubza ni riri a sontuma ni turon a wawu
Nokuti ani nani anochengeta murairo wese, asi akagumburwa pane umwe, anova nemhosva kune yese.
11 udiri ni ta tre na ti ta na nde la tre na wu na u ta na ti fa na u ta wu u he idi u kpa turon tsiri
Nokuti iye wakati: Usaita upombwe; wakatiwo: Usauraya; zvino kana usingaiti upombwe, asi uchiuraya, wava mudariki wemurairo.
12 nakima be ka tre de ti na be wa mba bla ni mi turon u son tu
Taurai saizvozvo uye itai saizvozvo, sevachazotongwa nemurairo werusununguko.
13 u hukunci a ni ye ba lonsoron mba ni idi wa ana consonrona. consonron ni ijur ni mi hukunci
Nokuti kutonga kusina tsitsi ndekweasina kuita tsitsi; uye tsitsi dzinozvirumbidza pakukutonga.
14 dedema a hi ge imrivayimu idan idiri ni ta tre de wa wu he ni njaaji da na ti idu ba na? u njaaji kima ana kpchuwona ko ani ya?
Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ane rutendo, asi asina mabasa? Rutendo urwu rwunogona kumuponesa here?
15 misali idan vayime lilo ko vayi me vrewa ana suru ikolo meme ma da wa ila hama u cha chuki
Zvino kana hamarume kana hamakadzi yakashama uye achishaiwa kudya kwezuva rimwe nerimwe,
16 misali du irirbi du hla ni mba hi ni si sonron son ni hruhu ni hwt u tana no mba kpi wa ikpamba ni sona na u demema a hige?
umwe wenyu ndokuti kwavari: Ibvai murugare, mudziyirwe uye mugute; asi musingavapi zvinhu zvinodikanwa nemuviri, izvo zvinobatsirei?
17 ni kon kima njaaji ni tuma idan ana tiduna a hi kuboma
Saizvozvowo rutendo, kana rwusina mabasa, rwakafa pacharwo.
18 e idri ani tre u he ni kpouji ti du na tsoro me kpohji me wa ana he ni iduana u me mi tsoro ikpohji mu ni idum
Asi umwe achati: Iwe une rutendo, neni ndine mabasa; ndiratidze rutendo rwako kunze kwemabasa, neni pamabasa angu ndichakuratidza rutendo rwangu.
19 u ka kpakyeme ande irji a hi riri u ti bi u ko ibrji me mba kpakyemi ni mi sisiri
Iwe unotenda kuti kuna Mwari umwe; unoita zvakanaka; nemadhimoni anotenda uye anodedera.
20 u son toh u na he idi u mre na de njaaji wa ana he ni iduna a hi mege
Asi unoda kuziva here, haiwa dununu, kuti rutendo rwusina mabasa rwakafa?
21 ana hi itibu Ibrahim wa mba giri ni duma wa a ban ivrema Ishaku no ni bagadi irji na?
Abhurahama baba vedu havana kunzi vakarurama kubva pamabasa here, vabaira mwanakomana wavo Isaka pamusoro pearitari?
22 u ka tohde njaji a ni tidu ni duma mba nidu u njaaji ani kpau gboru
Unoona kuti rutendo rwakabata pamwe nemabasa ake, uye kubva pamabasa rutendo rwakaperedzerwa here?
23 u vuvu a kle tre de Ibrahim a kpakyeme ni irji u a bla yo ni be tsatsara u mba ka yo de ikpa irji
Nerugwaro rukazadzisika rwunoti: NaAbhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengerwawo kwaari kuti ndiko kururama, akanziwo shamwari yaMwari.
24 be toh ade a he ni tu idu mba gbiradisa ana ni kpakyeme na
Naizvozvo munoona kuti munhu anonzi wakarurama kubva pamabasa, uye kwete kubva parutendo chete.
25 ni ko kma me Rahab ghughu wa mba gbirasa ni tu du wa a kpa be tsiri da tsoro mba ikorikha na?
Saizvozvowo naRakabhi chifeve haana kunzi wakarurama kubva pamabasa here, agamuchira vatumwa, nekuvabudisa neimwe nzira?
26 na ikpa wa ana he ni ibrji na a hi ikobuma kpoji wa ana he ni du na a hi kobon ma.
Nokuti semuviri pasina mweya wakafa, saizvozvowo rutendo rwusina mabasa rwakafa.

< James 2 >