< Hebrews 10 >
1 bla tre hi wyu mu nitu dindi kpi biwandi basiyea ana hi buburi nikpa kpi bina biwandi ba chi bi ye hwehwe nirji bana iyati wyere wyere ni tunyu iwandi bitudu trarji batanji ye ise niseana
Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungagoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe.
2 in ana he tokima na base kika kasruyi chuwo ba? nitu irli bikima da bani na ti tsratsran nkpu rime megye da bitretrerji bani na to ahingye hilatre na
Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here?
3 ama sriyi yi ba shle latre ise ni se
Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga,
4 tuuda a he tokima ana bi nindu iyi kikle tando imba intbaa ndu ba wru latre hlega na
nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
5 ni yanda kpewandi aye ni n gblungbu atrendi ana hi ni kpi megye mba bi tintama na in ani he toki ma mla kpa tini mu mi sru yia
Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati: “Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira, asi muviri wamakandigadzirira;
6 una ngyri nitu nu megye ni sruyi ugotua nitu latrenbu
zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi hamuna kufadzwa nazvo.
7 umilatre ndi yamba lugye miye tikpe iwandi isro me soa yauda kpe wandi batre nitu mua
Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’”
8 ni mumla atrendi sruyi na hana ni nu megye ni sruyi iwandi ba gonlua nitu latre mba ukpanyeme na una siji kinkla sro mba na bii abayi bahu sruyi iwandi banuni blatre
Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).”
9 intoh kima a latrendi ingye miyeni bubu tikpewa ndi usoah aka tin ka umumla kasranason tin kah uharha
Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri.
10 ni tinkah uharli ba kbata zi nirji nitu nkoh ma ninkoh usniyi ukpa yesu Almasihu iwruri ni mbruma
Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.
11 tokima firistoci ba mpempebawu bakutakrli kowanivi dona tinkahn nirji kowani ani nu sruyi irli ri ko da ahetokima bana taba wru latre hlega na
Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi.
12 ni nko ringarli Almasihu a sru yi inkpu riri megye nitu latre ukase akusohn ni wo korli urji
Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari.
13 asigbeh nindu buwandi bayo ni ko shishi nduba ka ti mirlin ze iwandi ba he ni sawayema
Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake,
14 ni bubu u sruyi iri akpanyu har kase ni biwadi ba kma tunba nurji
nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.
15 ngarli ibzi tsratra trota ikpe u mumlua na trendi
Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti:
16 iwayi hi youyu iwandi mi tinibawu ni vibii inji bachinbu misru tre bisekpama ni myi sronba mungyabanimyi imrenba
“Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.”
17 minala rli mre latrenba ni jokwumbana
Ipapo anotizve: “Zvivi zvavo nokudarika kwavo handizozvirangarirezve.”
18 zizaa iwirji iwandi ba fe wruhlega nitu ikpi bii suryi kperi nitu latre nala hen gana
Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.
19 mikima imrli vayi isronbu na jokwun niwandi ki hi ri ni bubu tsratsra dindima nitu iyi vrerjiana
Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu,
20 i waii hinkohn saamah dindima iwandi abwu nitarou ni wrji labule iwandi ahini bubu kpama
nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake,
21 do kihem kikle idji utindu ntrarji ahe ni trarji
uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari,
22 ki chbiye ni sronbu dindi ni bagadi dindima ni myin njanji ni sronbu iwandi ahi tsratsram nimyi meme mre nikuma ki glakpanbu ni ma dindima
ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena.
23 kinji ngbanagba nitu njaji tre uyo sroubu nindu nglen bu na kwuna nitu kima irji wandi ayonyu ahirji ukpan yeme
Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.
24 ki ma ya zrii me ni nyeme nikpanbu nitu tikpe dindima
Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka.
25 kina ka chbi te hwyere ni kpambu chuwona yaudakpe wandi yauda kpewa ndi bari bati nitu kima ki nwron kpanbu kwani vi yauda kpewandi bisi to chibiye irji hwehwre
Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.
26 tunda ahetokima kita ti klatre un nanyea idan ki rliga ka to njaji tre sru yi bikima latre na hena
Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi,
27 idan ani tokima kikle jokwu usron unu sisri hukuuchi ni wlu u hwu iwandi ana rli klenaa biwandi ba kamba nirjia
asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari.
28 indji iwandi akani wo tre musa ani kwu ba tausaye nitu higon ikpe harli kokwa itra
Munhu wose akaramba murayiro waMozisi akafa asinganzwirwi tsitsi pamberi pezvapupu zviviri kana zvitatu.
29 ahi iribi hukunchi rimemba ibi ni biwandi ba kpa irji tsri a ahi biwandi ba kba iyi uyonyu nanda auahi tsratsra na iwandi ninkoh yii ba hrau zi urji biwandi ti ibirzi dindia dia
Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?
30 kito indji iwandi atrendi nudih hi uma rjuhla nitu kima ngurli ubangiji ni blatre ni ndji ma
Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.”
31 ahi kpe usisriu udu kijokwo niwo irji iwandi aheni sisrea
Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
32 ama rlimre ni vi biwandi hini kogoa ni wandi ikpah niwandi bi gbre ni ya rligrama
Rangarirai mazuva okutanga mushure mokugamuchira chiedza, amakatsunga pakurwa kukuru mukutambudzika.
33 banu yi sha ni myindjimu ni myi nza ni mrliye bila si brewo irli bi iya iwandi bari bahemi myi ma
Pane dzimwe nguva makatukwa uye mukatambudzwa pachena; pane dzimwe nguva makagovana navo vakaitirwawo izvozvo.
34 do biwandi bahi ni kurkuku ba loyi srohu ni kinklan srohn bi nyeben ni sra kpa dukiya mbi iwandi batiu bi hrah nimyi kpi bin ndindi biwandi ba bi zah don mi loyi sro niwandi mina hem kurkuku
Makanzwira tsitsi avo vakanga vari mutorongo mukagamuchira nomufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, nokuti maiziva kuti imi pachenyu makanga mune pfuma yakapfuura nokunaka uye inogara.
35 tundi ahe tokima na ndu joku sron bi iwandi ahe ni dia
Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru.
36 don bi son lohsron don ni fe ikpe iwandi idji yonyu nita wu tunda biti ike iwandi anduyi tia
Munofanira kutsungirira kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari mugogamuchira zvaakavimbisa.
37 nitu vi fifi ntohu iwandi ani ye aua ti sisri na
Nokuti kanguva kaduku duku kasara, “Iye anouya, achauya, asinganonoki.
38 tin dindi mu ni sa idrji ri ni he ni njanji idan arju nugohu mina he ni kin klau sr ni wu na
Asi akarurama wangu achararama nokutenda. Uye kana akadzokera shure, handizofadzwi naye.”
39 kita kina he biwandi rju nigohn u hmanyu tunde ahetokima kihe ni myi biwandi ba he ni bau gaskiya nitu mla ya zren bu
Asi isu hatisi ivo vokudzokera shure, vanoparadzwa, asi tiri vokutenda vanoponeswa.