< Ephesians 4 >

1 Ime wa mina he nitro nitu Baci, mibreyi duyi zren ndindi me nitu kon uyostron mbi'a.
Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira.
2 Me breyi duyi zren ni katu grji nitie sensren, vusron, nikpa kpa'mbi ny'me.
Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo.
3 Nghonyu ndi ndu katu kabrumbi u brji tsratsra wa'a loyi nji ni si maa
Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare.
4 Ikpa riri, ni brji tsratsra riri, nawa bana yoyi ni yosron riri'a.
Pano muviri mumwe chete noMweya mumwe chete, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa,
5 Baci riri kpa ny'me riri ni Batisma riri.
Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe;
6 Ni Brji tsratsra riri, ni tiembu wawuu; wawuuyi he nimi wawuu.
Mwari mumwe naBaba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose.
7 Ko nha kpa zizima ni gon u nu Kristi nu ta.
Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu.
8 Nasi'a tre ndi wa hon he ni mi shu'a a ji bi ya nimiya, da nu inu (gifts) ni ndi ba.
Ndokusaka zvichinzi: “Paakakwira kudenga, akatungamirira dungwe renhapwa uye akapa zvipo kuvanhu vake.”
9 Ange he nji, “A ho?” ba si tre ndi a ghji he ni juju meme?
(Zvinorevei kuti “akakwira” asi kuti akaburukawo kumativi ari pasi penyika?
10 Wawu wa'a ghji wawuyi a hon he ni shu.
Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.)
11 Baci anu inu (baye baye) na wa; manzani, anabawa bi bla tre rhji, bi khba nibi tsro.
Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi,
12 A nu ndu yi du bi hu Rhji tie mgbe mgble da me kpa Kristi.
kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe
13 A tie nawa dadu bi hu ma khi mgbamgban ni tre ma da na ka tie mrye wa ba kaba rji'a na, bana ka tre Baci cuwo na, itre Rrhji ni shu bawo ni sron ni minde Kristi
kudzamara isu tose tasvika pahumwe mukutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu.
14 A he nawa ndi du ndjiori na katatie mhri ko nghu nghu wa nifu ta, ko tro memema ni tsro uche na.
Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo.
15 Hla tre jaji ni son, ki sen ni gon gbugbuu ni mi ma wa a hi tu'a kristi.
Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu.
16 Kristi a me kpa'a biwa ba kpa y'me. Ikpa kabi ni nghma nghma ma, da du kpa me kpama ni mi son.
Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo.
17 Mi nuyi mrye ni mi nde Baci, nala son bibi son wu bitsri wa ba son meme son wadi a hama ni kpe ndi ndia.
Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo.
18 Ba son ni bwu hama ni mrye ndi ndi don ban to kon rji na nitu gbe hrihri sron.
Vakasvibiswa mukunzwisisa kwavo uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mavari nokuda kwoukukutu hwemwoyo yavo.
19 Bana klu shon na, ba yo tumba nitie kpe bi memema.
Vasisina hanya, vakasvika kuutera kuitira kuti vagoita mabasa ose etsvina, nokuchiva zvakawanda.
20 Ana toki ba tsro ba ndu ndindi u Baci'a na.
Kunyange zvakadaro, imi hamuna kuziva Kristu saizvozvo.
21 Mi ban ndi biwo ni tumaye, ndi ba tsroyi ni tuma, ura jaji tre he nimi Yesu.
Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu.
22 Ba troyi ndi duyi kakon meme ma u sen cuwa ndi ka meme kpi u cice nrji taga, ahi cice ndi'a tie meme nitu meme bran shishi ma.
Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera;
23 Ka meme ndi taga ni duba kayi tie sa nimi brji u sron mbi.
kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu;
24 ndi sru ndi sa wa ba tie wu na bibi kpa Baci wa w haina ni latre ni son ndi ndi.
uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene.
25 Kace cuwo no hla tre ndindima nitu vayime don ki rji ni kpa riri.
Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe.
26 Tierafu ndi na latre na.
“Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchakangotsamwa,
27 Na nu shetan kon na.
uye musapa dhiabhori mukana.
28 Indi wa ni ybi'a na ybi gana. ka ybi cuwo nitiendu ndi ndi ma ni fe kpe wa ani zobi wa bana heri mgbe mgble na.
Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa.
29 Du tre memema rhju ni nyu bina, du tre ndindi ma rhju wa ari zo biwa bawo'a.
Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa.
30 Na kpa sron brhji tsra tsra urhji tie meme na, ni tumayi ba hrayi gbyen vi u gbu j'bu.
Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa.
31 Ka gbe rjirji dri, itse, infu, ivi, kpa tsri (imren) ni kpi bi meme ma wawuu.
Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose.
32 To tie ni kpambi, ni heni losron, wruhle nni kpambi nawa Rhji ni mi krisiti wruhle nitawu'a.
Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.

< Ephesians 4 >