< Ndu Manzaniba 8 >

1 Shawulu a nyme ngame ni kwu ma, nitu ki nivi baki, kikle watu ni ya a vu Ekklisiya wa a he ni Urishilima, u biwa ba kpatre Rji nda nyme niwu, ba vra ga ni gbungblu wu Judea mba Samaria, nda don manzaniba meyen.
Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yepaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria, kukasara vapostori chete.
2 Ndhi bi hu ngyengre me ba ban Istifanus ka rhu nda son ndayi kpukpeme.
Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru.
3 Ama Shawulu a kri gbangban nda ni so kpa Ikklisiya meme. Ata ri ni ko niko nda gbi lilon baba mmba, nda tru ba sru niko u tro.
Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo.
4 Na kima me biwa ba kpa nyeme nda vera hi kankan ba zren zita bla lan trea.
Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda.
5 Filibus a grjhi hi ni kikle gbu wu Samaria ndaka d'bu bla nibawu nitu kristi.
Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko.
6 Kpaandhi ba ki si sren ton ni tre wa Filibus a si bla'a, ni yo sron ni bubu riri, ba wowu nda toh kpi bi tsro-ya wa'a ti'a.
Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura.
7 Meme brji ba rhurhi ni mi ndhi gbugbuu wa ana hon son ni mimba, nda ni yi ni kri gro nikle lan, ndhi bi lilo chon gble, ndana zrenna ba kpa si kpamba.
Nokuti mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa.
8 Nituki ndhi bi gbuu'a ba ngri kpukpome.
Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro.
9 Ni gbukima, ndhiri a he wandi ba yo ndema ndiSiman, wa ata tsro ka, nda ni kandhi tsi shishi nda gyur. Bi Samaria du ba baniwu ti ndriori ninkon.
Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita unʼanga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru,
10 Wawu ndhi bi Samaria, rhini bi tsitsa hi ni bi ninkon mba, bata sren ton niwu ndatre ndi “Gu yi a gbengblen irjhi wa ba yo Azangbengble”
uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba guru raMwari.”
11 Ba yo ton ni trema nitu wa rhi ni dedewa azi tsibashishi nidu ka'a wa a ta tsro ba.
Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake.
12 Ama niwa ba kpa tre wa Filibus a sia d'bu lha nitu tre ndindi wu Irji mba nde Yesu. Kristi, ba vu ba ti baptisma, lilon baba mmba wawumbawu.
Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi.
13 Siman ngame a kpanyme. Hu gon baptisma ma, a kha ta son zuni Filibus mu. Niwa a toh kpi bi tsro-ya baba kikle ndu wa a si'ahe, a bwu nguyo ni w'ho.
Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona.
14 Niwa manzani ba ni Urishilima ba wo ndi Samaria ba kpa lantre Irji, ba ton Bitrus mba Yonana hi ni ba.
Vapostori vaiva muJerusarema vakati vanzwa kuti vaSamaria vagamuchira shoko raMwari, vakatumira Petro naJohani kwavari.
15 Niwa ba grjhiye, ba bre Rji ni bawu, ndi du ba kpa Ruhu Tsatsra.
Vakati vasvika, vakavanyengeterera kuti vagamuchire Mweya Mutsvene,
16 Nitu, ye niton kima, Ruhu tsatsra na ri he wu grjhiri ni ba, bana kpa baptisma ni nde Bachi Yesu megen.
nokuti Mweya Mutsvene akanga asati auya pamusoro paani zvake wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
17 Mle Bitrus mba Yohana ba sa wo nitumba, U ba kpa ruhu tsatsra'a.
Ipapo Petro naJohani vakaisa maoko pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene.
18 Niwa Siman a to ndi ba nu Ruhu Tsatsra niwa ba manzani ba ba sawo nitumba, a chu nkle ni nuba.
Simoni akati aona kuti Mweya Mutsvene waipiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akavapa mari
19 A tre ndi “Ne gbengle kima ngame, wandi mita sawo nitu ko nha, wa ka kpa Ruhu Tsatsra”
akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.”
20 Ama Bitrus a lha niwu ndi “Du nkle silva me qu timeme ni wu, nitu wu ya ndi wu iya kpa Kyauta Irji ni nklen.
Petro akapindura akati, “Mari yako ngaiparare pamwe chete newe, nokuti wafunga kuti ungatenga chipo chaMwari nemari!
21 Wuna he ni rabo ni kpeyina, don suron me na he bi ni irji na.
Iwe hauna chikamu kana mugove muushumiri uhu, nokuti mwoyo wako hauna kunaka pamberi paMwari.
22 Nitu kima, U ka don meme dri me ndi bre Baci, nidu anita kpayeme ani wrulhe, meme kpe wa wuna yo suron ni wu'a.
Tendeuka ubve pakuipa uku uye unyengetere kuna She. Zvimwe achakukanganwira pakuva nepfungwa yakadai mumwoyo mako.
23 Mi to ndi wu he ni mi ntson lo suron mba ni nkon meme.
Nokuti ndinoona kuti iwe uzere nduru inovava uye wakasungwa nechivi.”
24 Siman k'ma sawu ndi “bre Bachi nimu, du ko kpe riri wa wu tre na hon nitumuna.
Ipapo Simoni akapindura akati, “Ndinyengetererei kuna She kuti zvose zvamataura zvirege kuitika kwandiri.”
25 Niwa ba bla kpe wa ba to'a nda tre lantre Bacia, Bitrus mba Yohanna ba k'ma ni hi Urishilima, nda zi bla trendindi ni kauyuka gbu bi Samaria.
Vakati vapupura uye vakaparidza shoko raShe, Petro naJohani vakadzokera kuJerusarema, vachiparidza vhangeri mumisha yakawanda yomuSamaria.
26 Zizan, malaika Baci a tre ni Filibus ndi “Lunde ndi hu nkon wa grjhi hi kogbo, wa a kru grjhi rhini Urishilima hi ni Gaza (Nkon yi hi ni hammada).
Zvino mutumwa waShe akati kuna Firipi, “Buruka uende zasi kumugwagwa, wokugwenga, unoburuka uchibva kuJerusarema uchienda kuGaza.”
27 A lunde nda ku nko hi. Nikima aka zontu ni guri, wa a rhini Ethiopia, dandandu wa wu kikle ma'aji u Candace Samariya wu Ethiopia. Wawu yi kpi bi yo suron wa'a bana he ni woma. Ana ye ni Urishilima nda ni ye hi sujada.
Saka akasimuka akapinda munzira uye akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema,
28 A k'ma tahi nda son ni ng'ma wu hon ma nda sia karanta tre anabi Ishaya.
uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita.
29 Ruhu Rji a lha ni Filibus ndi “hi ni bubu wa a hea, ni hi kri nha ni ng'ma hu henma”.
Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.”
30 Niki filibus a tsutsu hi niwa, nda wo a sia bla tre anabi Ishaya, nda mye “ka U mla to kpewa u si bla'a?”.
Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murume uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?”
31 Wa a kri sa wu ndi, “Mi tihe hama ni du ndior ye tsro me?” A yo Filibus du hon hi ni wu niti ng'ma, nda hi kuson nha niwu.
Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro agare nayemo.
32 Zizan bubu vunvu wu lantre wa lgu Ethiopia a sia bla ana to yi, “Ba vu gbron si hi to nt'ma wa ba jiwu hi han, mba toh vivre nt'ma wa a kri ni gbamgbi ni mi biwa ba si le niwu'a niki ana bwu nyuma.
Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake.
33 Ni mi yama, gatre wu janji ama iba ban meme no nha ni to bla nitu biwa baka rhurhini wu, hpu ma. Ba ban vrima rhurini meme.
Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa. Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake? Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.”
34 Wame Dandaudu a mye Filibus ndi, “mi bre'u, hla mu, anabi si tre nitu nha? nitu kpamamu ka nitu ndiori kan?
Muyunaki uyu akabvunza Firipi akati, “Ndapota, ndiudze, muprofita ari kutaura pamusoro paaniko, anozvireva iye kana mumwe munhuwo?”
35 Filibus a lu si tre, rhi ni lantre yi wu vunvu tre Rji nda bla ndidi tre nitu Yesu niwu.
Ipapo Firipi akatanga nechitsauko ichocho choRugwaro akamuparidzira vhangeri raJesu.
36 Niwa ba kihi ni nkon, ba ye tsra ni bubu ma ri'u Dandaudu a tre ndi “Toh, imma he yi, naye ni zuudu ti baptisma nimu na?
Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?”
37 Chiche vunvu bi sen wu bi ma, bana he ni ndan na. Filibus a tre ndi, “wuta kpanyeme ni suron me ki ti baptisma niwu “Dandaudu a k'ma sawu ndi mi kpanyme ndi Yesu Kristi a hi vren irji.
Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.”
38 Niki, dandaudu a du ngma kukri. Ba grjhi hi ni mi mma. Filibus mba dandauda, U Filibus a ti baptisma niwu.
Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza.
39 Niwa ba hon wru rhi ni mi mma'a, ruhu Rji a nzu Filibis hi kado, u dandaudu ana la too ngana, ama a vu nkoma si hi nda ngiri.
Vakati vabuda mumvura, Mweya waShe wakatora Firipi pakarepo, uye muyunaki haana kuzomuonazve, asi akafamba munzira yake achifara kwazvo.
40 Filibus aka rhu kri ni azotus, nda zren zu ni gbungblu ki, nda ni d'bu bla tre ndidi ni gbu biki, har nda ka kri ni caesaria.
Zvakadaro hazvo, Firipi akazoonekwa paAzotasi uye akafamba achiparidza vhangeri mumaguta ose kusvikira asvika kuKesaria.

< Ndu Manzaniba 8 >