< Ndu Manzaniba 5 >

1 Ndhiri bayo ndi Ananias mba wama safira ba ban bubumba ri le.
Asi umwe murume wainzi Ananiasi, naSafira mukadzi wake, wakatengesa nhumbi dzake,
2 Nda zi mbru nkle wa ba kpa`a (uwama ngame a to), nda nji mbru nkle ka zi ni za manzaniba.
akazvisiira pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nechimwe chikamu, ndokuisa patsoka dzevaapositori.
3 Bitrus a tre ndi, “Ananias wu ti he ni du brij shusron me nda du, u tiche ni Ruhi Tsatsra ni kma mbru nkle bubua'a zi ni tume?
Asi Petro wakati: Ananiasi, Satani wazadzirei moyo wako kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nekuzvisiira pamutengo wemunda?
4 Niwa wuna rhihe u banle'a ana wumena, u niwa wu banle ana rhihe ni wome na? A nha yo kpeyi ni suron me? wuna tiche ni ndhi na, ama ni irjhi”.
Uchiripo hauna kuramba uri wako here, watengeswa wakange usi musimba rako here? Sei waisa mumoyo mako chiito ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.
5 Niwo tre`a Ananias a ku rhoku u veri ma ka klekle, u biwa ba wo kpe yi ba ti sisiri kpukopme.
Zvino Ananiasi achinzwa mashoko awa, wakawira pasi, akapera; kutya kukuru ndokuwira pamusoro pevese vakanzwa zvinhu izvi.
6 Mri rize ba balu banwu cibi nda lo u nda ba u rhu ka rhu.
Nemajaya akasimuka akamuputira ndokutakurira kunze vakamuviga.
7 Niwa nton tra ati, uwama a riye, ana to ka ngye si grensi zren na.
Zvino zvakaitika maawa anenge matatu apfuura, kuti mukadzi wake asingazivi zvaitika wakapinda.
8 Bitrus a tre niwu ndi, “Hla nitawu bi le ni bubumbi mba nitu kpe to yi?” A tre ndi “Ehh, nitu toki.”
Petro ndokumupindura akati: Ndiudze kana matengesa munda nezvakadai? Ndokuti: Hongu, nezvakadai.
9 Mle Bitrus alha niwu ndi, “Ahi ngyeti du yi zontu ni kpambi ndi tsra Ruhu Baci?, ya, za ndhi wa baka rhu lon me ba he ni kontra, ba banwu hi rhu.”
Petro ndokuti kwaari: Sei matenderana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzevaviga murume wako pamukova, newe vachakutakurira kunze.
10 A kri ku rhoku ni za ma nda gbron vri ma wu kle. Niwa mir nzeba ba ri ye nimi ba to a que nda banwu rhu ka rhu ni kosan bei lonma.
Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akapera; majaya akapinda akamuwana afa, akamutakurira kunze ndokuviga nechepamurume wake.
11 sisir rigra ma a ti eklisiya wawu ni biwa bawo kpi biyi”a.
Kutya kukuru ndokuwira pamusoro pekereke yese nepamusoro pevese vakanzwa zvinhu izvi.
12 ikpi gbugbuwu wa bana taba to ni son ba na ni chu tro nkankan ba kiya faru ni cikin ndi tawuri mazani ba. Ba ki wawumba ni trankon solomon.
Uye nemaoko evaapositori kwakaitwa zviratidzo nezvishamiso zvizhinji pakati pevanhu; uye vese vaiva nemoyo umwe muberere raSoromoni.
13 Mbru ndhi ba bana hini gbengble suron u huba hikina ama ndhiba ba to ba ni nfutu.
Asi pavamwe kwakange kusina munhu wakashinga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza.
14 Nikima, ndhi ba ta ye nda ni kpa Bau; ndi lilon baba mba gbugbuwu.
Uye vatendi vakanyanya kuwedzerwa kuna Ishe, zvaunga zvinoti zvevarume zvikati zvevakadzi.
15 Nda duba vu bi lilo thuka zi nitu nkon tu bubu kru ko ni bla krumba, ndi i dan Bitrus si zren zu, iwhi ma ni ku nitu bari mba.
Zvekuti vatakurira kunze varwere munzira dzemuguta, uye vakaradzika pamibhedha nepanhovo, kuti kana Petro achiuya, kunyange mumvuri udzikatire umwe wavo.
16 Kpandhi ngame ba ye rhi ni gbu biwa ba ne we were ni urishilima, ni bi lilo baba biwa meme brjhi loba, ba kpa si kpa mba
Zvino kwakaunganawo chaunga chemaguta akapoteredza kuJerusarema, vachitakura varwere, nevaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vese.
17 Nikima, niko firist alu kri, ni wawu biwa ba heniwu'a (biwa ba he ni derika sadukiawa); ba shuni ngu,
Zvino mupristi mukuru akasimuka, nevese vaiva naye vari sangano reVaSadhusi, vakazara negodo,
18 nda yo wo vu manzani ba ka tro ni buba tro. “
vakaisa maoko avo pavaapositori vakavaisa mutirongo revanhu vese.
19 Nikimame, niwa chu ati malaika u Baci a bwunko wu bubu tro'a nda njiba rhu ra, nda tha bawu ndi
Asi mutumwa waIshe neusiku wakazarura mikova yetirongo akavabudisa akati:
20 “Hi, kri nimi Haikali ni tre ndi ndhiba wawu nitu lantre wu nu vriji”.
Endai, mugomira muchitaura mutembere kuvanhu ese mashoko eupenyu uhu.
21 Niwa ba wo tre yi a, ba ri hi ni haikalia tsra ni bwunble nda tsroba. I a ninkon firt a ye baba biwa baheni wu'a nda yo son shubi bi ninkon gbu baba datibai ndhi bi Israila wawumba, nda tonba hi ni ko tre duba hi nii manzani ba ye.
Zvino vakati vanzwa, vakapinda mutembere mangwanani-ngwanani vakadzidzisa. Asi mupristi mukuru wakasvika nevaiva naye, vakakokera dare remakurukota pamwe neungano yese yedare revakuru revana vaIsraeri, vakatumira mapurisa kutirongo kuti vauiswe.
22 Ofisa wa ba tonbarba hi ka waba hamani ko tro'a nda kima ye lha bawu.
Asi mapurisa akati achisvika, akasavawana mutirongo; akadzoka akapira shoko,
23 “Kika to nkotraba baki ni tro vrenme, ni bi ki gben ba ni kontra. Ama niwa ki bwu ni ri, kina to ndior nimi na.
achiti: Tirongo zvirokwazvo takawana rakavharwa nekuchengetedzwa kwese, nevarindi vamire panze pamberi pemikova; asi tati tazarura, mukati hatina kuwana munhu.
24 Ni wo tre yi, captin wu haikalia mba ninko first wawu, ba ku sisiri nitu mba, don kpe wa ni wu gon ma.
Zvino mupristi nemutungamiriri wetembere nevapristi vakuru vakati vanzwa mashoko iwayo, vakasava nechokwadi pamusoro pavo, kuti izvi zvichazovei.
25 Mle ndhiri a ye nda ye lha bawu ndi, “Ndhi wa bi vu sru ni ko tro ba kri si tero ndhi ni mi haikali.”
Zvino kwakasvika umwe akavaudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo vamire mutembere vachidzidzisa vanhu.
26 Kaptin babamir binduma ba wru hi nda ka vu ba ye, hama ni gbiba ni gbeneblen, nitu ba ti sisiri ko ndhi ba ta ba ni tita.
Zvino mutungamiriri nemapurisa vakaenda vakauya navo kwete nesimba, nokuti vaitya vanhu kuti vasatakwa nemabwe.
27 Niwa ba njiba ye'a ba zi ba shishi bi ninkon'a,
Vakati vavauisa vakavamisa pamberi pedare remakurukota. Mupristi mukuru ndokuvabvunza,
28 Nikon first a tsra ba ni mye ndi, “we mha yi ndife yi ton du yi na tsro ni nde yi na, ama bi ka gbu urishilima ni tsro mbi ndi nison nji yi guyi ye sa nitumbu.”
achiti: Hatina kukurairisai kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu, uye muchishuva kuuisa ropa remunhu uyu pamusoro pedu.
29 Bitrus baba manzaniba ba sa ndi, kita ki hu tre irjhi zan tre ndhi.
Zvino Petro nevaapositori vakapindura vakati: Zvakafanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.
30 Irjhi ba timbu a nzu Yesu hi, wandi bi klo wuu ni kunkro.
Mwari wemadzibaba edu wakamutsa Jesu, iye wamakauraya imwi, mukaremberedza pamuti.
31 Irjhi a nzu u hon hi ni woko ko rhima na uren u tuchu mba wu kpachuwo, don du buw kon tuba ni mir Israila, nda wru latre mba lhe.
Iye uyu Mwari wakamusimudza neruoko rwake rwerudyi, ave Muvambi neMuponesi, kupa Israeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi.
32 kita ki biwa ki to kpibiyi, ni ruhu tsatsra ngame, wandi Irjhi a nu bi wa ba hu tre ma'a.
Uye isu tiri zvapupu zvake zvezvinhu izvi, neMweya Mutsvenewo, Mwari waakapa avo vanomuteerera.
33 Niwa, bi ninko wa ba son'a da trea nfu a toba, u bata son wuu manzani ba.
Zvino vakati vanzwa vakashatirwa kwazvo, vakarangana kuvauraya.
34 Ama igu pharisawa ri wu nde ma hi Gamalial ndhi wu tsro doka, wandi ndhi wawu ba kpanyme ni wu'a, a lu kri ni minba nda ti gbuchu du manzani ba rhu dinko ni bawu wu ton fime ri.
Ipapo kukasimuka umwe padare remakurukota, muFarisi wainzi Gamarieri, mudzidzisi wemurairo, waikudzwa nevanhu vese, akaraira kuti vaapositori vabudiswe chinguva chidiki.
35 Wa alu kri lha ni son ndi, “ndhi Israila, mal ya kpe wa bi tre bi ti ni ndhi biyi.
Ndokuti kwavari: Varume VaIsraeri, zvichenjererei maererano nevanhu ava, zvamoda kuita.
36 Kafi du vi biyi ye, Theudus a lu wru nda gbresan ndi wawu hi ndior, u ndhi bari, ba derinzia ba zontu hu. Ba wuu, duka biwa bata hu'a ba vra hi kankan ni zremba ngame a na ti tu na.
Nokuti mazuva ano asati asvika kwakamuka Tudhasi, achiti iye pachake wakange ari munhu, uwandu hwevanhu hunenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye wakaurawa, nevese vaimuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa, vakava pasina.
37 Bay ki ma u, Juda wu Galile a lu kri ni vi wa ba bla ndhi nda gbron bari baka hu. wawu ngame a que kado u biwa bata hu'a ba vera hi kan kan.
Shure kweuyu kukamuka Judhasi muGarirea, pamazuva ekuverengwa, akakwevera vanhu vazhinji shure kwake; iyewo wakaparara, nevese vakamuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa.
38 Zizan mi lhayiwu, rhu ni nkon ndhi biyi di don ba toome, idan shiri yo ko ndu yi, hi wundi ana kri gban me na nda vralhe.
Zvino ikozvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvarege, nokuti kana zano iri kana basa iri riri revanhu, richaparadzwa.
39 Anita ndu Irjhi, bina iya yi nasara ni ba na bi klna to bisi tsi ni Irjhimu.” Toki ba kpanyme ni tre ma.
Asi kana zviri zvaMwari, hamugoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwariwo.
40 Mle ba yo manzaniba ri ni son nda lhobatsi nda hla ndi du ba na tre ni nde Yesu na, nda du ba hi kpamba.
Vakamuteerera; uye vakati vadanira vaapositori kwavari vakavarova, vakavaraira kusataura muzita raJesu, vakavaregedza.
41 Ba rhu rhi ni son bi ninko'a ni takpe don ba he ni mi biwa ba mla duba ti ba ya nitu ndema.
Naizvozvo vakabva pazviso zvedare remakurukota, vachifara kuti vakafanirwa nekuzvidzwa nekuda kwezita rake.
42 Hu kima, chachu, ni mi haikali mba ni ko hi ni ko, ba zi tsro ndani d'bu ni lha njo ndi Yesu wawuyi hi Kristi.
Uye mazuva ese mutembere nepaimba imwe neimwe havana kumira kudzidzisa nekuparidza Jesu Kristu.

< Ndu Manzaniba 5 >