< Ndu Manzaniba 4 >

1 Niwa ba Bitrus mba Yohana ba kia tre ni ndhi ba, ba prist ni kaptin bi yatsro ni haikalia ni ba saducis ba wru sru niha.
Zvino vakati vachataura kuvanhu, vapristi nemutungamiriri wetembere neVaSadhusi vakavasvikira,
2 Sisiri ni nfu a vu ba nitu tsro wa ba Bitrus mba Yohana baa kia dibu ni bla nitu Yesu ni lundema rhi ni que.
vachishungurudzika nokuti vanodzidzisa vanhu, nekuparidza kumuka kubva kuvakafa munaJesu.
3 Ba vu ba nda njiba ka tro zi nrable ka tu yalu a tiye.
Zvino vakaisa maoko pavari ndokuisa muchitokisi kusvikira mangwana; nokuti akange atova madekwani.
4 Ndhi gbugbuwu nimi biwa bawo tu tre, ba kpanyme, ndhi lilon wa ba kpatre chachu ki bana mla dubu ton.
Asi vazhinji vevakanzwa shoko vakatenda; neuwandu hwevarume hwaiva zvuru zvinenge zvishanu.
5 Ni ble ma, bi ninkon wu gbu baba datibe ni kikle bi nha ba yo kpambe nde ye kuson ni Urishilima.
Zvino zvakaitika kuchiidza kuti kwakaungana vatungamiriri nevakuru nevanyori vavo paJerusarema,
6 Annas nkon prist wawu a he niki, mba Caiaphas u Yohana ni Alexandar niba mla nikon prist'a.
naAnasi mupristi mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nevese vaiva vehama dzemupristi mukuru.
7 Ba yo Bitrus mba Yohana ye zini tsutsumba nda mye ba ndi, “Ni gbengble koka ni nde nhamba bi ti kpeyi?”
Zvino vakati vavamisa pakati, vakabvunza vachiti: Izvi imwi mazviita nesimba ripi kana nezita ripi?
8 Peter a lu kri, shuni Ruhu tsatsra nda tre ni ndi ba. “Biyi bininko ya gbu baba datibe,
Ipapo Petro azedzwe neMweya Mutsvene wakati kwavari: Vatongi vevanhu, nevakuru VaIsraeri;
9 idan ki si bla tre ndi ni han tre ni tu kpe ndi ndi wa w ti ni ndhi wu lilo, mba kawa igua tinche ri nda kpa si kpama?
kana isu tichibvunzurudzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka kumunhu asina simba, kuti iye waponeswa nei,
10 Be ka mla to, wawu bi, ni ndi Israila wawu idu yi wa kri ni shishinbe risi kpa a nitu nde Yesu Kristi ba Nazarat, wandi bi gran wu har wowu ama Irjhi a nzu lunde baya wa a qu.
ngazvizikanwe kwamuri mese, nekuvanhu vese veIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu muNazareta, wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, Mwari waakamutsa kubva kuvakafa, naye munhu uyu amire pano pamberi penyu apora.
11 Yesu Kristi wa wuyi a bi tita wa bi kambi ni wu wa k'ma ti tita wu zontu mme'a.
Uyu ndiye ibwe rakazvidzwa nemwi vavaki, razova musoro wekona.
12 Kpachuwo na la he ni nde ndiori nga nitu nde ri na la he ni gbugdu ko ni shulu wa ba no ndhi ri wandi a ni kpa ndi chuwo'a na.
Uye hakuna ruponeso kune umwezve; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratinofanira kuponeswa naro.
13 Niwa ba to tre u gbengblem suron Bitrus mba Yohana, mba nda mla to ndi bana bla tsro yi gbagban mu na kpe a nuba mamki, nitu ndi Bitrus mba Yohana ba mirko Yesu.
Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohwani, uye vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza uye vasina ruzivo, vakashamisika; ndokuvaziva kuti vaiva naJesu.
14 Nitu ba to igu wa a kpa si kpama a kri ni mimba, bana la he ni kpewa ba tre ba tre ngana.
Asi vachiona munhu wakange aporeswa amire navo, vakashaiwa chavangapikisa.
15 Ba zu manzaniba du ba rhu dinko bawu ni meetiy nda k'ma ki tre ni kpamba.
Zvino vakati vavaraira kuti vabude kunze kwedare remakurukota, vakarangana pakati pavo,
16 Ba tre ndi “Khi ti ndi biyi ne he?” ni kikle kpe yi wa ba ti, a kri ndendeme ni ko nha wa ani son ni Urishilima du to, kina kpatron na.
vachiti: Tichaitei kuvanhu ava? Nokuti zviri pachena kune vese vagere Jerusarema kuti chiratidzo chinozikanwa chaitwa navo, uye hatigoni kuzviramba.
17 Ama don du tre a na hi gbagbanmu du ndhi wo na, ki feba ton ni du bana la tre nda tsro ndhi ni ndeyi ngana.”
Asi kuti zvirege kunyanya kuparadzirwa pakati pevanhu, ngativayambirei zvikuru kuti varege kuchizotaura nemunhu upi neupi muzita iri.
18 Mle ba yo ba ri nda mam ba ndu ba na tre ko tsro ndi memlemu ni nde Yesu na.
Vakabva vavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa muzita raJesu.
19 U ba Bitrus mba Yohana ba sa bawu ndi, “ka ani bi ni shishi Irjhi du ta hu tre mbi ko ka ko hu wu ma.
Asi Petro naJohwani vakapindura vakati kwavari: Gurai, kana zvakarurama pamberi paMwari kuteerera imwi kupfuura Mwari.
20 biyi kimbi, ga trea. “Kita kina donme ni bla kpe wa ki to ni shishi mbu, ni wo ni ton mbu na.”
Nokuti isu hatigoni kusataura zvatakaona nekunzwa.
21 Niwwa ba mam ba Bitrus mba Yohana, ba chuba chuwo du ba hi kpamba. Ba wa kpewa ba vu ba lo han ma, domin ndhi ba wawu ba sita gbre Rji san nitu kpe, wa a ti'a.
Zvino vakati vawedzera kuvavhundudzira, vakavaregedza, vasingawani chinhu kuti vangavaranga sei nekuda kwevanhu; nokuti vese vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitika.
22 Igu wa a kpa si kpama ana zan ise arbain ni ngrhi.
Nokuti munhu wakange apfuura makore makumi mana wakange aitirwa chiratidzo ichi chekuporesa.
23 Niwa ba chuba chuwoa, Bitrus mba Yohana ba hi ndhi mba, nda ka bla kpe wa bi Ninkon prist baba datibe wawu ba lha ba wua.
Vakati varegedzwa vakaenda kune vekwavo, vakanopira zvese vapristi vakuru nevakuru zvavakange vataura kwavari.
24 Ba wo naki da nzu lan mba nitu kpe riri ni Irjhi nda tre ndi, Baci, wu ti gbungblu shulu mba meme, mba teju ni kpi wa ba he ni mimba.
Zvino ivo vakati vanzwa vakasimudzira inzwi kuna Mwari nemoyo umwe, vakati: Tenzi, imwi Mwari makaita denga nenyika negungwa nezvese zviri mazviri;
25 Wu tre ni Ruhu Tsatsra ni nyu vreko ndu me, timbu Dauda, 'A hi ngye du gbungblu bi ko ra ba gbra nfu u ndhi ba ba rhimre kpi wa bana he nituna?'
makareva nemuromo waDhavhidhi, muranda wenyu muchiti: Nemhaka yei vahedheni vachiita bope, nevanhu vachifunga zvisina maturo?
26 Wu tre ndi, “Bi chu wu gbungblu meme ba bitu mba ni buburiri, bi ninkon gbu agame ba zon tu mba nitu Baci, mba nitu kiristi ma
Madzimambo enyika akasimuka, nevatungamiriri vakaungana pamwe chete kumirisana naIshe nekumirisana naKristu wake.
27 Toki Hiridus mba Bilatus ba zontu baba ndhi bi kora ni ndhi bi Israila ni mi gbuyi, nitu tsatsra wunduma Yesu, wa wu sawo wu ni tuma.
Nokuti zvirokwazvo vakaungana vakamirisana neMwanakomana wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza, vese Herodhe naPondiyo Pirato pamwe nevahedheni, nevanhu vekwaIsraeri,
28 Ba zontu ni buburiri ni duba ti kpi wa a wume mba wa wu mla yo zi ndi du ka ye he toki ni shishi.
kuti vaite zvese ruoko rwenyu nezano renyu zvamakagara matema kuti zviitike.
29 Zizan, Baci, ya ni meme shirjhi mba ndi zo mirko ndume duba lha lantre me ni gbengble suron.
Uye ikozvino Ishe, tarirai kuvhundudzira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu nekusatya kwese,
30 Nina wo me du no si kpanda tsro kpi wa bana zi he na ni nde tsatsra wundu me Yesu.
pakuti mutandavadze ruoko rwenyu pakuporesa, nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita reMwanakomana wenyu mutsvene Jesu.
31 Niwa ba kle bre'a bubu wa ba ki wawumbawu a lu grjhu u. Ruhu Tsatsra a ri ni kowani rimba, mle ba lu si tre lan tre Irjhi ni gbengblen suron.
Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakange vakaungana pairi yakazununguswa; zvino vakazadzwa vese neMweya Mutsvene, ndokutaura shoko raMwari nekusatya.
32 Ikpa'a ndhi biwa ba kpanyme nda yo suron mba ni dri mba riri. ndio na tre ndi ikpe wa wu he niwu a hi wu ma ni nklemana, ba nji ko ngye ye bubu riri nda tindu niwu toki.
Zvino chaunga chevaitenda chaiva nemoyo nemweya umwe; uye kwakange kusina umwe waiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake, asi vakadyidzana zvinhu zvese.
33 Ni kikle gbengblen manzaniba ba ki d'bu nda bla ikpiwa ba to nitu tas'me Baci Yesu, ni kikle k'ma sran wu son nitu mba wawu.
Uye nesimba guru vaapositori vakapa uchapupu hwekumuka kwaIshe Jesu; nenyasha huru dzikava pamusoro pavo vese.
34 Ba ndhi ri nimimba wa a wakpe wandi a ni son'a hama, nitu biwa bana he ni ba Ithu ko ni ba ko ba vuba le nda nji nkle ye sru ni bubu riri,
Nokuti pakange pasina umwe pakati pavo waishaiwa, nokuti vese vaiva vene veminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauisa mutengo wezvinhu zvakatengeswa,
35 ni za manzaniba ndi duba ga ni ko nha tsra ni kpe wa ani son'a.
vakaisa patsoka dzevaapositori; uye zvikagoverwa kune umwe neumwe zvichienderana nekushaiwa kwaaiva nako.
36 Yusufu wa manzaniba bata you ndi Barnabas wandi bati k'ma sran ani vren wu igrhi Levi, ndhi wu Cyprus.
NaJose, wakatumidzwa nevaapositori Bhanabhasi, ndokuti kana zvichishandurwa, mwanakomana wenyaradzo, muRevhi weSaipuresi parudzi,
37 a ban ngbran meme le nda nji nkle ye sa ni za manzaniba.
ane munda, wakatengesa, akauisa mari akaisa patsoka dzevaapositori.

< Ndu Manzaniba 4 >