< Ndu Manzaniba 28 >
1 Niwa ba nji ta ye ri pian me, ki wo ndi ba yo nklan meme ki ndi Malta.
Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita.
2 Indji bi son niki ba kpata nisron ndindi nda mulu nitawu duta mbru kpa nitu ilu chachu mba isi wa a he niki.
Zvino vatorwa vakatiitira unyoro husina kujairika; nokuti vakavesa moto, vakatigamuchira tese, nekuda kwemvura yaitanga uye nekuda kwechando.
3 Niwa Bulus a vu fla kunkron zontu zi nda vu sa nitu lua, iwan a rju nitu gbaji lua nda ye nye wu ni wo.
Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva kubva murudziyira, chikakwinyira paruoko rwake.
4 Niwa indji bi bubuki ba to nma si klo ni woma, ba tre ni kpamba, “Indji yi, wu njanji, ani wuu ndji niwa a nawo rjini kpan trema, i gaatre na kpanyme ndi du son ni sisren na.”
Zvino vatorwa vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama.
5 I niki a kpon nma yo nimi lu'a hama ni du kpe tiwu.
Iye ndokuzuzira chikara mumoto, akasambokuvara.
6 Ba sia gben ndi ani hwukpa ni lilo ko ka lu kurjoku khwu. U niwa ba ki si yau wu gbron nton nda to ndi ikpe meme na ti'una, ba kma sron mba sran nda tre ndi a hi Irji.
Zvino vakatarisira kuti iye achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa; asi vakati vatarira nguva refu, vakaona pasina chinhu chisina kujairika chaitika kwaari, vakashandura fungwa dzavo voti iye ndimwari.
7 Zizan, whiniki, bubu meme bari a he wa bana bi chu wu nklan memeki, igu wa ba yondi Publius. A kpa ta bi ni wo ha, nda nuba kpi wa ba son wu vi tra.
Zvino panharaunda yenzvimbo iyo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.
8 A he niki, iti Publius a kru lilo lokpa mba atini. Niwa Bulus a hi niwu, a bre, yowo ma nitu ma, nda nuu si kpama.
Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vakange varere vakabatwa nefivhiri nemudumbu weropa; kwavari Pauro kwaakapinda, akanyengetera, akaisa maoko pamusoro pavo, akavaporesa.
9 Hu kpe yi wa a ye he a, mbru indji bi nklan meme ki ba wa basia lo, ba ngame nda ye kpa sikpa mba.
Naizvozvo izvi zvakati zvaitika, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakaswedera ndokuporeswa;
10 Indji ba ngame ba nzu hon gbugbuwu. Niwa kita mla ku nkon dran, ba nuta kpi wa ki son a.
ivo vakatikudzawo nerukudzo ruzhinji, uye toenda nechikepe, vakakwidza zvinhu zvaidikanwa.
11 Niwa wha tre a ka hi, ki dran ni jirgi mma wa a kru ga ni nklan meme ki, jirgi mma wu Alexandria, ni nha to “hlan-ha irji” ni kbu shishima.
Zvino shure kwemwedzi mitatu takabva nechikepe cheArekizandiria, chakange chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri.
12 Ka huki, ki ye grji ki ni gbu Sirakus, ki kii niki wu vi tra.
Zvino tasvika paSirakuse takagara mazuva matatu.
13 Rji niki ki dran ka ri ni mi gbu u Rhegium. Ivi rhi ka hi kikle ngyungyu a rju rji ni kosan, u ni mi vi hari ki ye rhi ni mi gbu u Puteoli.
Tabvapo tikatenderera tikasvika kuRegiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yechamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika muPuteori;
14 Niki, ki to mri vayi bari i ba yo ta duta ye son niba wu vi tangban. Ni nkon kii ki ye ri ni Roma.
matakawana hama, tikakumbirwa kugara nadzo mazuva manomwe; saizvozvowo takaenda kuRoma.
15 Rji niki, wa mri vayi ba ba wo tre nitu mbu, baye zontu nita gbagban mu to rhini cucu Abiyas mba iti tra bru tra. Niwa Bulus a to mri vayi ba, a ngyiri ni Irji nda ti gbengblen.
Zvino kubva ipapo hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzikabuda kuzotichingamidza kudzamara Apio Foramu nepaDzimba Dzevaeni Nhatu; ivo Pauro vaakati achiona, akavonga Mwari, akatsunga moyo.
16 Niwa ki rini mi Roma, ba kpanyme ni Bulus du son ni nklenma mba soja wa ata kri yau.
Zvino takati tasvika kuRoma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi; asi Pauro wakatenderwa kugara ari ega, nemuuto anomurinda.
17 Niki a ye he wa ivi tra aka hi, Bulus a yo indji wa bana bi ninkon Yahudawa zi. Niwa ba ye zontu ki, a tre niba ndi “Mri vayi, hama ndi mina ti kpe meme nitu indji ko ka nkon son ba titimbu, ba vu me lo nu ba tro rjini Urushelima ye ri ni wo bi Roma.
Zvino zvikaitika shure kwemazuva matatu, kuti Pauro wakadanira vaiva vakuru veVaJudha pamwe; zvino vakati vaungana, akati kwavari: Varume hama, ini ndisina kuita chinhu chinopesana nerudzi kana tsika dzemadzibaba, ndiri musungwa ndabva kuJerusarema ndakumikidzwa pamaoko eVaRoma;
18 Hugon myeme tre, ba ta son chume chuwo, nitu bana to kpe wa ba han hukunchi kwu ni tu tre mu.
ivo vakati vandiongorora vakada kundisunungura, nokuti pakange pasina chikonzero cherufu kwandiri.
19 I niwa Yahudawa ba tre hu nkon wa bana ta son na, a du me bre to Kaisar, ana nitu mi sia nji nhakpe nitu bi meme mu na.
Asi VaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuikwidza kuna Kesari, kwete kuti ndaiva nechinhu chekumhan'arira rudzi rwangu.
20 Nitu kima yi, mi wa tou ni tre niwu, nitu yo sron wa Israila ba he niwu'a du me he nimi lo sarka hi.”
Naizvozvo nekuda kwechikonzero ichi ndakudanai kuti ndikuonei, nditaure nemwi; nokuti ndakamoneredzwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri.
21 Mle, ba tre niwu ndi, 'Kina kpa vunvu nha rjini Judiya nitume na, i vayi ri mena ye njitre, koka trekpe meme nitume na.
Zvino vakati kwaari: Isu hatina kugamuchira tsamba kubva kuJudhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama, wakati asvika, akatipira kana kutaura chinhu chakaipa pamusoro pako.
22 Ama kison wo rjini wu mren me nitu igrji yi, nitu ki to ndi ba tre meme kaagon nitu ma.”
Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nokuti maererano nebato iri tinoziva kuti rinopikiswa kwese-kwese.
23 Niwa ba yo vi niwu, indji gbugbuwu bari ba ye niwu, ni bubu son ma. A bhwu hla tu trea ni bawu, nda ni vubla nitu ikoson Irji. A ta son gbron sron mba yo rjini du Musa mba rjini anabawa ba, rjini mble kari ni yalu.
Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi; akavadudzira achivapupurira ushe hwaMwari, akavagombedzera zviri maererano naJesu, zvese kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwani.
24 Bari ba kpanyme ni kpiwa ki tre ni tumba, i bari bana kpanyme na.
Zvino vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda.
25 Niwa bana kpany'me ni kpamba na, ba hi kpamba hu wa Bulus a tre lan tre riri yi. “Ibrji Tsatsra a tre bi, zuni nyu anabawa baba manzani ba hi ni ba titimbi.
Zvino zvavakange vasingawirirani pachavo, vakaenda, Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu,
26 A tre ndi, hi ni indji biyi ndi hi hla ndi, “Ni si wo, bi wo, i bina to tuma na; mba nisi to bi to, i bina to nkon ma na.
achiti: Enda kurudzi urwu ugoti: Nekunzwa muchanzwa, uye hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, uye hamungatongoonesesi.
27 Nitu dri indji biyi a ti bwu, mba ni iton mba, bana mla wo na, mba ba kaa shishi mba hama ki ba ma to ni shishi mba, nda wo ni iton mba, nda to tuma ni dri mba nda kma sran ngari, i mi nuba sikpa.'”
Nokuti moyo wevanhu ava wakasindimadzwa, uye nenzeve vanonzwa nemutsutsururu, nemeso avo vakavhara; kuti zvimwe vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, nekunzwisisa nemoyo, zvino vatendeuke, ndigovaporesa.
28 Nitu kima, bika to ndi kpachuwo Irji yi, ba truu hini bikora ba, i ba wo'u.”
Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni, ivo vachanzwawo.
29 Ndu Manzani, 28:29 - tre vunvu bari wu sen ba heni nklan 29: / Niwa a tre kpi biyi, Yahudawa ba ba hi kpamba. Ba sia he ni kikle sen nyu ni kpamba. /
Zvino wakati ataura zvinhu izvi, VaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo.
30 Bulus a son wu se ha wawu ni kowa a han nklen ki kima, nda ta kpa ni wo ha, biwa ba ye niwu'a.
Pauro akagara makore maviri agere muimba yake pachake yaairipira mari, uye akagamuchira vese vaipinda kwaari,
31 A sia dbu bla nitu ikoson Irji nda ta tsro ikpi nitu Bachi Yesu Kristi ni gbengblen sron hama ni ndrjo ata zuu.
achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zviri maererano naIshe Jesu Kristu, neushingi hwese, pasina kudziviswa.