< Ndu Manzaniba 27 >
1 Niwa ba ban zi ndi duta zren hi ni Itali, ba vu ba Bulus baba bi son nitro bari yo ni wo soja wani nji deri ri, wa ndema hi Julius, wu ngbran soja u kikle chu.
Kwakati kwarongwa kuti tiende nechikepe kuItari, Pauro navamwe vasungwa vakaiswa mumaoko omukuru wezana ainzi Juriasi akanga ari wehondo yaAgasito.
2 Ki ri nimi Jirgima rjini Adramyttium wa a ta dran zu ni nyu meme wu Asiya. Niki ki ka hon tuma. Aristarkus wa a rjini Tesalonika wu Macedonia a zren huta.
Takakwira chikepe chaibva kuAdhiramitiami chakanga chava kuenda nomunzvimbo dzaiva kumahombekombe enyika yeEzhia, ndokubva taenda kugungwa. Takanga tiina Aristakusi, muMasedhonia aibva kuTesaronika, pamwe chete nesu.
3 Ni vi wu huki, ki kukri ni kikle gbu u Sidon, niwa Julius a mla Bulus nji nda duu hi ka to kpukpan ma nda kpa zo ni wo mba.
Zuva rakatevera takasvika paSidhoni; uye Juriasi akanzwira Pauro tsitsi akamutendera kuti aende kushamwari dzake kuti zvimwe vangamupa zvaaishayiwa.
4 Rji niki, ki hon tu ma ndi zren ni suka wu Cyprus, whewhire ni nklan memea, nitu kikle ngyungyu ata gbita.
Tichibva ipapo takaendazve kugungwa tikapfuura nezasi kweSaipurasi, nokuti mhepo yakanga ichitidzivisa.
5 Niwa ki zren ka rugran kpatema'a, ki vu Silisia mba Pamphylia yba, ndi ka kukri ni Myra, kikle gbu u Lycia.
Takati tayambuka gungwa reSirisia nePamufiria, takandomira paMira muRisia.
6 Niki, soja wu yaba, a to jirgi wa a rji ni Alexandria nda ni dran hini Itali. A vuta sru nimi.
Mukuru wezana akawana chikepe cheArekizandiria ipapo chaienda kuItari akatikwidzamo.
7 Niwa sren me wu vi gbugbuwu ndi ka ri ni ya ni klekle whewhire ni Cnidus, mba wa ngyungyu'a ana nuba nkon zu niki ngana ki dran zu ni suuka u Crete, wa ata ya Salmone.
Takafamba zvishoma zvishoma mazuva mazhinji uye zvakanga zvakatiomera kusvikira paNidhasi. Sezvo mhepo yakanga ichitidzivisa kuti tifambe mugwara redu, takabva taenda nezasi kweKirete, kwakatarisana neSarimone.
8 Ki dran zu ni nyu kpatre ma'a nimi ya, rhini ka ye tra ni buburi wa ba yo ndi Fair Havens (bubu u kurhi) wandi a he hwehwire ni kikle gbu u Lasea.
Takafamba nokumahombekombe tichitambudzika tikasvika panzvimbo yainzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea.
9 Kina ban nton wa a fon bran ye, nton wu ka rhikpe Yahudawa aka hiye wa a he ni di duta si dran hi. Niki, Bulus a gbiton ni bawu,
Takarasikirwa nenguva yakawanda kwazvo, uye kufambisa chikepe kwakanga kwava nenjodzi nokuti zvino Nguva Yokutsanya yakanga yatopfuura. Saka Pauro akavayambira akati,
10 nda tre ndi, “Indji, Mi si to ndi zren dran wa ki son luku zizan anihe ni yra tu mba-kurjoku gbugbuwu ni tawu, ana ni kpi bi mi jirgi mba jirgi'a megen na, i mba vri son kpambu ngame.”
“Varume, ndinoona kuti rwendo rwedu ruchava nenjodzi uye ruchauyisa kurasikirwa kukuru kuchikepe nokunhumbi, uyewo nokuupenyu hwedu chaihwo.”
11 I Centurion a yo ton ni tiko mba indji wu jirgia zan kpi wa Bulus a hla a.
Asi mukuru wezana, pachinzvimbo chokuti ateerere kune zvakanga zvataurwa naPauro, akatevera zano romuchairi wechikepe uye neromuridzi wechikepe.
12 Nitu bubu mla kri jirgia ana he ni idi duba ki ti iga niki, gbugbu bi tru (tindu) jirgia ba nron ndi du ba dran rju niki, mba ndi nkon nita he duba hi ri ni gbu Phoenix, nda hi son kle ga niki. Phoenix hi hloma wu ri jirgia wa a he ni Crete, ndani ya kogbo ni yalu mba koshu ni yalu.
Sezvo panomira chikepe pakanga pasina kunaka kuti vanhu vagarepo munguva yechando, voruzhinji vakasarudza kuti tirambe tichifamba, vachitarisira kusvika kuFonisia tigogarako panguva yechando. Iyi ndiyo yaiva nzvimbo yomuKirete yaimirira chikepe, yakatarisa kwose zasi kwakadziva kumavirira nokumusoro kwakadziva kumavirira.
13 Niwa ngyungyu ri ni kogbo a lu si fu sesren, bi ndu jirgia ba ban ndi ba he wa ba waa. U baka si nkan u jirgia nda dran hi ni Crete hwehwire ni meme u nyu maa.
Mhepo yakadzikama yaibva zasi yakati yotanga kuvhuvhuta, vakafunga kuti vawana zvavaida; saka vakakanga chimiso mumvura tikafamba takatevedza mahombekombe eKirete.
14 Niwa nton fyi aka hi kikle ngyungyu wu gbengblen, wa ba yondi koshu kahi ni nzu Irji, a lu si tsi ni grji rjini nklan memea.
Kusati kwambopera nguva huru, mhepo huru ine simba, yainzi “Yurakuro,” yakavhuvhuta ichibva nokuchitsuwa.
15 Niwa jirgia a rini nkon ngyungyua, nda na la to nkon wu zuhi na, kitome ni nu ngyungyua nkon, wa a gbita si hi.
Chikepe chakabatwa nedutu chikatadza kupinda nomumhepo; saka takarega zvakadaro uye tikaramba tichingosairirwa.
16 Ki dran hu ni bubu ri wu vi nklan meme wa ba yondi Cauda, mba ni vi ya, ki vu ghwu wu kpachuwo mla lo zi.
Takati tapfuura nezasi kwechitsuwa chiduku chainzi Kaudha, takanga tisisagoni kuchengetedza igwa rokununura upenyu.
17 Niwa ba nzu ghwua hon, ba tindu ni rjirjima nda lo kikle jirgia. Ba ti sissri nitu bama hi dran hi vu nhan kmu wu Syrtis; niki ba fon gri ni l'pn (anchor) jirgia nda si hu zren maa.
Varume vakati varikwidza pamusoro pechikepe, vakapinza tambo napasi pechikepe kuti zvibate zvakasimba. Vachitya kuti vangasairirwa kujecha rokuSiritisi, vakaderedza zvimiso zvomugungwa ndokubva varega chikepe chichisairirwa.
18 Kikle ngyungyu a tsi ta tiya nda duta nivi huka hua, ki ri vuu kpi nimi jirgia ni sru nimi mma.
Takanga tava kuvhungwa-vhungwa nedutu raiva nesimba zvokuti mangwana acho vakatanga kubudisa nhumbi muchikepe vachidzikanda mugungwa.
19 Nivi u tra bi tindu mi jirgi ba vu kpi ndu mba vra hle nimi mma ni womba.
Pazuva retatu, vakakanda mimwe midziyo yaishandiswa muchikepe mugungwa namaoko avo.
20 Niwa Irji mba tsintse bana kpan nitawu wu vi gbugbuwu, mba wa kikle ngyungyu a ri si fu ta, yo sron ndi ki nawo a kado.
Zuva kana nyeredzi pazvisina kuonekwa kwamazuva mazhinji, uye dutu parakaramba richipenga, takagumisira tarasikirwa netariro yose yokuponeswa kwedu.
21 Niwa ba hi hama ni biri wu nton bran, niki Bulus a lu kri nimi bi tindu ba nda tre ndi, “Indji, binina wo me, nina kuu dran rjini Crete na, nitu du yi na kpa nkpan mba kahle yina.
Shure kwokunge vanhu vagara nguva refu vasina zvokudya, Pauro akamira pamberi pavo akati, “Varume, maifanira kunge makateerera zano rangu rokuti murege kubva paKirete; ipapo mungadai makazviponesa pakuparadza nokurasikirwa uku.
22 Zizan mi nron yi nitu du yi he ni gbengblen sron, ndrjo na ka he ni vri mana, i jirgia megen ki hon u.
Asi zvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge, nokuti hakuna mumwe wenyu acharasikirwa noupenyu hwake; asi chikepe ichi bedzi ndicho chichaparadzwa.
23 Ni chu la rhen Maleka u Irji wa me mi u ma, wa mi nzu hon ni bre - Maleka ma a whi nime
Madeko mutumwa waMwari uyo wandiri wake uye wandinoshumira akamira neni
24 nda tre ndi, “Na ti sissri na, Bulus. Wu hi kri ni shishi Caesar, ni to indji ni lo sron ma a nu wawu indji wa ba si dran ni wu.”
akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye nenyasha Mwari akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’
25 Nitu ki, vu sron, indji, nitu mi nyme ni Irji ndi a niye he to wa ba hla mua.
Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza.
26 I ki zi hle ni nklan meme ri.”
Kunyange zvakadaro tichandokandwa hedu pane chimwe chitsuwa.”
27 Ni chu wu vi wu wlon don nza a yea, niwa a sia gbita hi ni wa mba nia mu ni kpatrema wu Adriatic, ni tsutsu chu bi ndu jirgima ba ban ya ndi ba sia ye hwehwire ni meme.
Nousiku hwegumi nechina, takanga tichiri kungosundwa nemhepo tichiyambuka Gungwa reAdhiria, panenge pakati pousiku vafambisi vechikepe vakaona kuti vakanga voswedera kunyika.
28 Ba ban ya ni ikpi ndu mba nda to ndi a don tsra za tso don tandra, i hu nton fii ba la tsra nda to ndi a hi za wlon don ton.
Vakashandisa zvokuyera kudzika kwemvura vakaona kuti pakanga pakadzika mamita makumi mana. Shure kwenguva pfupi, vakayerazve vakawana kuti pakanga padzika namamita makumi matatu.
29 Ba tie sissri ndi ki ye kurjoku nzi kpa ni tita, niki ba si nkan nzia wu jirgi rjini tu ma nda bre ndi du mble kpan gbagbla.
Vachitya kuti vangabondera pamatombo, vakadzikisa zvimiso zvina shure, ndokunyengetera kuti dai kwaedza.
30 Bi tindu nimi jirgi ba sia ya nkon u ka jirgia don nda si vi tsitsa irgi'a chuwo grji ri nimi kpan tren maa nda ta gyru ndi basi ta nkan ghu'a ri ni ko shishi ma (ghu'a).
Vachida kuedza kutiza kubva muchikepe, vafambisi vechikepe vakaburutsa igwa rokununura upenyu ndokurikanda mugungwa, vachiita sokunge vaizodzikisa zvimiso mberi kwechikepe.
31 I Bulus a tre ni chubiku baba sojoji ba, “Indji biyi batina kinimi jirgia na, ba na nawo na.”
Ipapo Pauro akati kumukuru wezana nokuvarwi, “Kana vanhu ava vakasagara muchikepe, hamungararami.”
32 Niki sojoji ba ba sren rjiri wu tsitsa jirgia nda duu zren hi.
Saka varwi vakadambura tambo dzakanga dzakabata igwa rokununura upenyu vakarirega richiwira mumvura.
33 Niwa mble asi kpan niye, Bulus a nronba wawumba ndi duba rhi biri. A tre ndi, luwa hi vi wu wlon don nza wa bi zi kri gben hama ni rhi biri - bina rhi kpe na.
Kwava kuda kuedza, Pauro akavakurudzira kuti vadye achiti, “Mazuva gumi namana apfuura, manga makangogara musingadyi, hamuna kutongodya kana chinhu.
34 Niki mi yoyi ni du yi ga vi biri, kima yi ni kpayi chuwo. Nitu indji ri me nimimbi na wa wlo nfutu ma ri hama nituma na.”
Zvino ndinokukurudzirai kuti mudye. Munofanira kudya kuti murarame. Hakuna mumwe pakati penyu acharasikirwa nebvudzi romusoro wake.”
35 Niwa a tre toyi kle, a ban bredi nda ngyiri ni Irji ni shishi mba. Niki a nzi bredia nda lu si tan (rhi).
Shure kwokutaura kwake izvozvo, akatora chingwa akavonga kuna Mwari pamberi pavo vose. Ipapo akachimedura akatanga kudya.
36 Niki wawumba ba kri ti gbengblen sron nda ban biri rhi ngame.
Vose vakakurudzirwa uye vakadya zvokudya.
37 Kina vri indji 276 (deri ha ni sabain don tanne) ni mi jirgia.
Tose takanga tiri mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu.
38 Niwa ba rhi wrji, ba ju alkama vra hle ni kpan trema nitu du jirgi na ron bran na.
Vakati vadya pavaida napo, vakarerutsa chikepe nokukanda gorosi mugungwa.
39 Niwa mble a nhra, bana mla to memea na, i ba to kofron ri ni meme nyu ma, nda sronmu ndi koka duba tru jirgia hi niki.
Kunze kwakati kwaedza, havana kuziva nyika iyo, asi vakaona nzvimbo yaiva nejecha, apo pavakasarudza kuti vamise chikepe kana zvaigona.
40 Niki ba han rjirji nkan ba rju nda kaba don ni kpantre ma'a. Ni nton kima ngame ba si rjirji wa ba kma jirgia niwu, nda nzu nkanwu ko shishi jirgia hon his shu, niki ba yo tu hi ni bubu zontu kpantre maa.
Vakadambura zvimiso, vakazvisiya mugungwa uye nenguva yakare iyoyo vakadamburawo tambo dzakanga dzakasunga zvokudzoresa chikepe. Ipapo vakasimudza sairi rechikepe kumhepo kuti risairirwe panodira makungwa maviri.
41 I jirgia a ka son chi ni meme nda kukri nkpan jirgia a vu meme kri nda na chu zren na i kurar jirgi a nzi nitu gbengblen ngyungyu wa a hea.
Asi chikepe chakarovera pajecha. Muromo wacho wakabatirira kwazvo uye ukasagona kubvapo, nokudaro shure kwacho kwakapwanyika kukaita zvimedu zvimedu nokuda kwokurova kwamasaisai.
42 Sojoi ba ba wa nkon wu wuu bi mitro ba nitu du rimba na dran hi nda nawo na.
Varwi vakaronga kuuraya vasungwa kuti vatadzise kana mumwe chete wavo kushambira kuti apunyuke.
43 I Chu bi kua ata son kpa Bulus chuwo, niki a zuba ni nkon kima, nda du biwa ba to dran du ba za guchi nda hi ni bubu meme.
Asi mukuru wezana akanga achida kuponesa Pauro, akavadzivisa kuita zvavakanga varonga. Akarayira vaya vaigona kushambira kuti vashambire havo vatange kubuda muchikepe vaende kumahombekombe.
44 I imbru indji ba baka hugon, bari nitu ngma bla kunkron, i bari nitu kpi bari rjini jirgia. Ni nkon yi a he ndi wawu mbu kika ri ni tu meme piame.
Vakasara vavo vainge vachizoyambutswa vari pamapuranga kana pazvidimbu zvechikepe. Nenzira iyi, mumwe nomumwe akasvika pavhu rakaoma zvakanaka.