< Ndu Manzaniba 23 >

1 Bulus sru shishi ya bi ninkon wa ba kia nda tre ndi, “Mri vayi, mi son ni shishi Irji ni sron ndindi ye ni vi wu luwa.”
Pauro akatarisisa kuDare Guru ravaJudha akati kwavari, “Hama dzangu, ini ndakaita basa rangu kuna Mwari nehana yakanaka kusvikira zuva ranhasi.”
2 Kikle Prist Ananiyas a yo tre gbangban ni biwa ba kri whi niwu du ba wru ni nyu.
Ipapo muprista mukuru ainzi Ananiasi akarayira vaya vakanga vamire pedyo naye kuti vamurove pamuromo.
3 Niki, Bulus a hla wu ndi, “Irji ni yowru, iwu wa wu kpagonkan wa ba ngal ni kinklan penti. Wu son nitu ruron gaatre nimu nitu du, i wuuyi wu du ba yome wru, nkan ni tre du a?”
Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro chakacheneswa nependi! Ugere ipapo kuti unditonge maererano nomurayiro, asi iwe pachako unodarika murayiro nokurayira kuti ndirohwe!”
4 Biwa ba ki whi niwu ba tre ndi, “A hi toki mba wu mre ninkon Prist wu Rji?”
Vaya vakanga vamire pedyo naPauro vakati, “Iwe uri kutotuka muprista mukuru waMwari nhai?”
5 Bulus hla ndi, “Ime mina toh na, mri vayi, ndi ahi kikle Prist. U ba nha kazi, Wu ka na tre meme tre nitu bi ninkon ba ndji mbi.”
Pauro akapindura akati, “Hama dzangu, ndanga ndisingazivi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’”
6 Niwa Bulus a to ndi ngbala ri bana Sadusii i bari ba Farasii, a tre gbangban me ni son ba'a, a he ni tu mi he ni yo sron tashme ni kwu nikima yi basi tsra lome.”
Ipapo Pauro, achiziva kuti vamwe vavo vakanga vari vaSadhusi uye kuti vamwe vakanga vari vaFarisi, akadanidzira kuDare Guru akati, “Hama dzangu, ini ndiri muFarisi, mwanakomana womuFarisi. Ndimire pano ndichitongwa nokuda kwetariro yangu yokumuka kwavakafa.”
7 Niwa a tre toyi, sen nyu a lu nimi Farasii mba Sadusii, i jbu indi ba ba gaatu.
Akati ataura izvozvo, nharo dzakamuka pakati pavaFarisi navaSadhusi, nokudaro ungano yakapesana.
8 Bi Sadusii ba tre ndi tashme na hena, Maleku bana hena, mba ibrji bana hena; i Farisii ba kpanyme ndi wawu mba ba he.
VaSadhusi vanoti hakuna kumuka kwavakafa, uye kuti hakuna mutumwa kana mweya, asi vaFarisi vanotenda izvozvo zvose.
9 Niki ti gro wu nzu sron a lu, i bi nha bari wa ba he ni ngbala bi Farisii ba ba lu kri nda sen nyu ni tre ndi, 'Kina to kpe meme ni indji yi na. Anita ibrji koka Maleka mba a tre niwu na?”
Pakava nebope guru, uye vamwe vadzidzisi vomurayiro vainge vari vaFarisi vakasimuka vakaita nharo zvikuru. Vakati, “Hatina chakaipa chatinoona pamunhu uyu. Ko, kana ari mweya kana mutumwa akataura kwaari?”
10 Niwa kikle sen nyu a lu, kikle kaptin a ti sissri ndi ba yba Bulus ti gbanjan, niki a yo tre gbangban ni bi lokpa ba du ba grji hi banw ni gbengblen rhini mi son bi ninkon, nda nji wu ye ni bubu mla zi gbangban.
Kupesana kwakava nemhirizhonga zvokuti mukuru wamauto akatya kuti Pauro angangobvamburwa-bvamburwa navo. Akarayira varwi kuti vaburuke vandomutora vamubvise kwavari nechisimba vagomuendesa kudzimba dzavarwi.
11 Ni chu wa a ka hua kima, Bachi a kri nha niwu nda tre ndi, “Vu sron ni kri gbangban, too wa wu bwu bla nitu mu ni Urushelima, kima me wu bwu bla ni Roma ngame.
Usiku hwakatevera, Ishe akamira pedyo naPauro akati kwaari, “Tsunga mwoyo! Sezvawapupura pamusoro pangu muJerusarema, saizvozvo unofanira kundopupurawo muRoma.”
12 Niwa mble a nhran, Yahudawa bari ba zontu wu ti meme, nda tan mbre, ndi bana rhi mba so kpe na se ba wuu Bulus ri.
Fume mangwana, vaJudha vakaita rangano vakazvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vauraya Pauro.
13 Bana zan indji Arbain (ise tra don nza) wa ba rini zontu meme'a.
Varume vaipfuura makumi mana ndivo vakaita rangano iyi.
14 Ba hi ni ninkon Prist mba nibi chiche ba nda katre ndi, ki ton ni kikle tan bre ndi kina rhi koka so kpena se ki wuu Bulus.
Vakaenda kuvaprista vakuru navakuru vakati, “Isu tazvisunga nemhiko kuti tirege kudya kana chinhu kusvikira tauraya Pauro.
15 Zizan, nitu kii, du son bi ninkon du banzi nda mye ninkon kaptin ndi du njiwu ye nu yi, ni du ya ndi bi son ban tre ma mla ya. Anita kita, ki son ni gben ni duta wuu ri du ye rhini wa.”
Zvino imi neDare Guru ravaJudha kumbirai mukuru wavarwi kuti amuuyise pamberi penyu muchiita somunoda kubvunzisisa pamusoro penyaya iyi. Isu takagadzirira kumuuraya asati asvika kuno.”
16 I vren wu vayi Bulus vrenwa a wo ndi ba ki kru gben ni nkon, niki, a hi ka ri ni bubu ngbangban wa ba mla Bulus zia nda ka hla wu.
Asi, mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akati anzwa rangano iyi, akapinda mudzimba dzavarwi akandoudza Pauro.
17 Bulus a yo ri nimi bi ya bi lokpa deria nda tre ndi, “Ban vren nze yi hi ni kikle kaptin, nitu a he ni kpe wa ani vu bla niwu'a.
Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana akati kwaari, “Tora jaya iri uende naro kumukuru wavarwi; ane zvaari kuda kumutaurira.”
18 Niki, indji wu lokpa a ban vrenze a nda njiwu ye ni kikle kaptin nda tre ndi, “Bulus indji wa a kri troa a yo me hi ni kpama, nda du me nji vrenze yi ye niwu. A he ni kpe wa ani hla niwu.”
Saka akaenda naye kumukuru wavarwi. Mukuru wezana akati, “Pauro, musungwa uya, andidaidza akandikumbira kuti ndiuye nejaya iri, kwamuri nokuti rine zvarinoda kukuudzai.”
19 Ninkon kaptin a ban u niwo hi ni kosan nda ka mye'u, “A ngye wa gbigbi se wu vu bla mu?”
Mukuru wavarwi akabata ruoko rwejaya, akaenda naye padivi akamubvunza akati, “Chii chauri kuda kundiudza?”
20 Vrenze a tre ndi, “Yahudawa ba kpanyime ndi duba mye u du nji Bulus grji ye ni bi son ninkon, rjuto ndi ba hi mla mye nitu tre ma.
Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukukumbirai kuti muuyise Pauro pamberi peDare Guru ravaJudha mangwana vachiita sevanoda kunyatsobvunzisisa pamusoro pake.
21 Na gle rini wo mba na, nitu indji zan arbain bari ba kru nkon si gben u. Ba tan bre wa bana rji ko nda so kpena se ba wuu ri. Zizan me, ba ki si gben yowo nyime me.”
Musavanzwa, nokuti pane vamwe vavo vanopfuura makumi mana vakamuvandira. Vakatozvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vamuuraya. Vakatogadzirira izvozvi, vakamirira kubvuma kwenyu chikumbiro chavo.”
22 Niki, kikle kaptin a a du vrenze a hi, hu gon yo tre niwu ndi, “Na hla ni ndrjo kpe wa wu vu bla nimu na.”
Mukuru wavarwi akaita kuti jaya iri riende uye akamuyambira achiti, “Usaudza munhu kuti wataura izvi kwandiri.”
23 Niki a yo ye ni kpama, bi lokpa Roma ha, nda tre, “Vu Soja deri ha nda du ba mla ki wu hi gban tsra ni Kasariya, baba bi hon nkma Sabain (Seventy) ngame mba indji deri ha bi ta wyen. Bi lu ku nkon ni nton wu tra ni chu luwa.”
Ipapo akadana vakuru vezana vaviri akavarayira achiti, “Gadzirirai mazana maviri avarwi, navanotasva mabhiza makumi manomwe uye mazana maviri avarume vane mapfumo kuti vaende kuKesaria nenguva dzepfumbamwe manheru.
24 A yo tre bawu ngame duba nu nma wu zren wa Bulus ni hon nda njiwu hama ni ya hi nu Gona Felix.
Mutsvakirewo Pauro bhiza rokutasva kuitira kuti andosvika zvakanaka kuMubati Ferikisi.”
25 Niki a nha ni vunvu to yi:
Akanyora tsamba yaiti:
26 Claudius Lysias hi ni wa azan Gomna Felix, mi chiwu.
Kiraudhiyo Risiasi, kuna Changamire, Mubati Ferikisi: Kwaziwai.
27 Yahudawa bana vu iguyi lo nda ta wuu kimba ri mi wru sru ni sojoji ndi ka kpaachuwo, nitu mi wo ndi a hi indjui wu meme Roma.
Murume uyu akabatwa navaJudha uye vakanga voda kumuuraya, asi ini ndakabva ndasvika navarwi vangu ndikamununura, nokuti ndakanga ndanzwa kuti muRoma.
28 Mita son to kaa a hi ngye ba heni wu nituma, niki mi banw grji ka nu bison bi ninkon.
Ndakada kuziva kuti sei vakanga vachimupomera mhosva, saka ndikamuendesa kuDare ravo Guru.
29 Mi ye wo ndi basi tsrau nitu du mba, i ndana he ni kpe wa ba vuu nu bi lo, duba wuu ko ka yoo ni kotro na.
Ndakaona kuti aipomerwa mhosva pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi pakanga pasina mhosva ingafanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.
30 Niki ba ye bwu bla nimu ndi ba zontu wu ti meme nitu igu'a, niki hari mi tru ye niwu ndi yo tre ni biwa ba heni kpe nituma duba nji kpe wu lo a ye ni shishi me. Son pian me.”
Pandakanyeverwa pamusoro perangano yaakanga arongerwa, ndakabva ndamutumira kwamuri pakarepo. Ndakazivisawo vapomeri vake kuti vazosvitsa kwamuri mhosva yavanomupomera.
31 Sojoji ba ba ba hu tre gbangban wa ba yo bawua. Ba ban Bulus nda niwu ni chua hi ni Anti patris.
Saka varwi vakaita sezvavakanga varayirwa, vakatora Pauro vakaenda naye usiku vakandosvika naye kuAndipatirisi.
32 Ni vi waaka hua, gbugbu sojoji babadon bi hon nkma ba duba niwu hi, i baba ba kma hi ni bubu mla bi son gbangban.
Zuva rakatevera, vakarega vamabhiza vachienda naye, ivo vachibva vadzokera kudzimba dzavarwi.
33 Niwa bi hon nkma baka ri ni Kasariya nda ka nu vunvua ni gomn, ba ka Bulus nuu ngame.
Vatasvi vamabhiza vakati vasvika kuKesaria, vakapa tsamba kumubati ndokubva vaisa Pauro mumaoko ake.
34 Niwa Gomna a bla vunvua, a mye ka Bulus rhini grji rime. Niwa a wo ndi a rhi ni Cilicia,
Mubati akaverenga tsamba akamubvunza kuti akanga achibva kudunhu ripi. Akati aziva kuti akanga achibva kuSirisia,
35 a tre ndi, “Bi tsro wo nitu me bata ye niwa, mi mla wowu, “Niki a yo tre zi gbangban ndi du ba hi ziu ni ko gomnati wu Herod.
akati kwaari, “Ndichazonzwa nyaya yako kana vanokupomera vasvika.” Ipapo akarayira kuti Pauro achengetwe navarindi vomumuzinda waHerodhi.

< Ndu Manzaniba 23 >