< Ndu Manzaniba 2 >

1 Niwa ivi pentacos a ye, bana ki ni bubu riri wawumbawu.
Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete.
2 Mle, kikle gyungyu ri, rhi ni shulu, a lu fu grji ye ka ko wa bana ki nima'a.
Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere.
3 Elem to ilu kri ku gason nitu mba ni yiyri.
Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo.
4 Ruhu Tsatsra a ri shu ku ni ko aha mba, e ba lu kri ku tre ni leme kankan, wa ruhu a tsro ba.
Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.
5 Ni kima, Yahudawa bi hu nkon Irjhi, rhi ni gbu gbungblu kankan ni meme, bana he ni Urishilima.
Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga.
6 Niwa baa wo langyungyua, akpa ba rhikice u ba ye bubu riri ikpea a kpa ba tsi shishi, nitu ko nha asi wo ba ni lan tre gbumma
Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo.
7 Kpe a k'ma nuba sisiri ni mre; i ba tre ndi, “E biyi wawumba, bi si trea, bana ndhi bi Galilee na?
Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura?
8 A ngye ti du ta niwo ba ni lan tre gbunbu, lan wa ba grjita niwa a?
Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?
9 Parthians mba medes mba Elamites mba biwa ba ki ni mesopotamia, ni Judea mba Cappodia, wu Pontus mba Asia.
VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara kuMesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,
10 Phrygia mba Pamphylia, ni Egypt mba mbru bubu bi Libya hi ni Cyrene, mba Bitsri wa ba rhi ni Rome.
Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma
11 Yahudawa baba biwa ba kpa hu irjhi wu Yaudawa ba, Cretans baba larabawa, ki wo ba si tre ni lan mbu nitu kikle ndu Irjhi.
(zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”
12 A nuba rhimre ni sisiri i ba tre ni kpa mba ndi, “A hi ngye to yi?”
Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”
13 Bari banza ba nda tre ndi, “Basi huwa hi sa.”
Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”
14 E bitrus a lu kri nimi wlon donri mba, nda nzu lan nda tre gbangban me niba ndi, ndhi lilon be gbu Judea, baba ndhi wawu'u biwa, bi ki ni Urishilima, sren to ni lan tre mu nidu yi mlaa toh.
Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.
15 Ndhi biyi bana si hwu na wa bi ban na, zizan ni ton wu tra wu hwumble genri.
Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai!
16 Kpe yi a tsra ni tre anabi Joel;
Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,
17 Ani he vi bi kle kle, Irjhi a tre, “Mi vra ruhumu nitu rima ndhi wawu. Mri mbi lilon baba mrimba ba rira ikpi bi ye ni ko shishi mri nzembi ba to ko waayi e bi chiche mbi hra ra nitu ra.
“‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope.
18 Jaji bi ndu mu, lilon baba mba, mi buwa ba ni ruhu mu u ba nra kpi biye ni ko shishi.
Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita.
19 Mi tsro kikle ndu mu ni shu shulu, mba ni alamu mu ni meme (gbugblu), iyi ilu mba ntse Ikpan irjhi ni k'ma ti bwu,
Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa nomoto uye nemhute youtsi.
20 Kpan iwha ni k'ma ti iyi, ri du kikle vi wu Baci ni ye, vi wa ko nha ni to nda rhimre nitu ma.
Zuva richashanduka rikava rima, uye mwedzi uchashanduka ukava ropa, zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.
21 Ani to ki, ndhi wa a yo nde Bacia ani nawo
Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’
22 Ndhi bi Israila, wo lan tre biyi, Yeshu wu Nazarat ana ndhi wa Irjhi a nzu hon ni shishi mbi, ni kikle ndu ni kpi bi du ndhi bwunyu yo hyo ni wuo Irjhi ati ni woma ni mimbi, me wa biyi me bito.
“Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.
23 Ndi yi wa ba vuu nu tsra ni kpe wa Irjhi ana mla zi nda to; ni wo meme; ndhi wa bana zren ni tu nkon na ba wuu ni kpan u ni kunkro (kros).
Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.
24 Ama Irjhi a nzu lu, nda chuchuwo ni ya wu qu, nitu iqu na he ni gbengble wu vu u nji na
Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.
25 Ni kima Dawuda a tre ni tuma ndi “me to Baci chachu ni shishi mu; ngye a he ni kosan worhimu di du mina c'bi rhuna.
Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi.
26 Nitu ki, mi ngri ni suron mu e line mu a takpe. N'makpa mu ngame ni son ni yo suron.
Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa; uyezve muviri wangu uchararama netariro,
27 Wu na kamedon ni meme ko iu na ni na du Tsatra me du gla na. (Hadēs g86)
nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. (Hadēs g86)
28 Wu bwu nkon wu rai ni mu du mi mla to, wu du me ngri kpukpo me ni shishi me
Makandizivisa nzira dzoupenyu; muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’
29 Mri vayi, ani bi numu dumi tre ni yi ni suron wu kpanyme, (hamma ni sisiri), nitu chiche baci. Dawuda, ndi a qu e ba rhuwu, e ibe ma he ni ta ya ni vi wu luwa.
“Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi.
30 Nitu kima ana anabi wa a toh ndi Irjhi a shirhi ni ban niwu ndi eh'pu wu nchinema ni hon son nitu tuchuma.
Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe.
31 A to kpe wa ani ye he ni shishia ndda tre ni tu lu tashme Kristi, ndi bana kawdon ni ko qu na; e n'mama na gla na. (Hadēs g86)
Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora. (Hadēs g86)
32 Yesu yiwa Irjhi a nzu lunde, e kita wawumbu, ki bla ikpe wa kito di wo nitu ma'a.
Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho.
33 Nitu ki, niwa ba nzu hon hi wo ko rhi wu Irjhi, nda kpa Ruhu Tsatsra wa titi baci a shirhi niwu, a vu vra grhi, ikpi wa bisi to nini wo'a.
Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino.
34 Dawuda ana hon hi ni shuluna, ama nda tre ndi “Baci a lha ni Bacimu,” ku son ni wo rhimu.
Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi
35 Di gben dumi k'ma bi kamba (yo shishi) niwu ti ruron wu sa za me.”
kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.”’
36 Niki ma, du ko Israila wawu mla toh ndi janji, Irjhi du he Baci mba Kristi, Yesu yi wa bi Kpanwu nitu kros'a.
“Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”
37 Niwa ba wo tre yi a yra ba suron, e ba lha ni Bitrus baba mbru manzani ba, ndi “Mri vayi, ki ti nihe?”
Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”
38 Bitrus lha bawu di k'ma gon nu latre, ni kpa baptisma, ko nha bi ni nde Yesu kristi, ni wru latre bi ni Irjhi hlega, ndi kpa Ruhu Tsatsra wa ani nu hamma ni du ui han kpe.
Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.
39 Shirhi'a ahi wumbi, baba mrimbi, niwa ba he gbagban me ngame; wawundhi wa Baci Irjhi mbu ni yo ba'a”
Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.”
40 Ni lan tre gbugbuwu, a tre ni tu kima'a nda nrooba ndi.” Nhawo rhu ni k'ba bi kawatre yi.
Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.”
41 Mle ba kpa tre ma e ba ti baptisma ni bawu, ndhi dubu tra ka ru nha ni ba.
Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.
42 Ba ye suron mba ni bubu riri ni kpa Isro manzani mba zumunta, nda ni ga bredi wu jibi, mba bre Irjhi.
Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.
43 Sisiri a vu ko nha e anabawa'a ba ti ndu gbugbu baba ekpi bi tsro (sisir) ya.
Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori.
44 Biwa ba kpanyme ba ki ni bubu rii nda ti ko ngye to u ndi riri, hamma ni chuti nkan,
Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose.
45 Ba vu ba kpimba le nda ga ni ko nba nmba tsra ni kpe wa ko nha ni son.
Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa.
46 Nivi hi nivi, ba yo tu mba ni suron riri ni ko Irjhi,
Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka,
47 Ba ga bredi niko rikomba, nda ga birhi ni nroo kpamba hamma ni nzutu, ndani gbre nde Irjhi ndi ba ba kpanyme ni ba e chachu, Baci a si gbron ndhi wa basi nhawo ni ye niba nda du gbrumba a si hon
vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.

< Ndu Manzaniba 2 >