< Ndu Manzaniba 19 >
1 Aye he niwa Apollos a he ni Corith, Bulus a zren zu ni kotu gbungblu'a nda ye ri ni kikle gbuwu Ephesus, nda ye toh ba mri ko bari niki.
Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo
2 Bulus a hla bawu ndi, “Bi kpa Ruhu tsatsra niwa bi kpanyime a?” Ba sa niwu ndi, “aan, kina wo nitu Ruhu Tsatsra mena.
akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?” Vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”
3 Bulus a tre ndi, “Nimi ngye wa ba ti batisma ni yiwu?” Ba tre ndi, “Ni baptisma wu Yohana.”
Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?” Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”
4 Niki Bulus a sa ndi, “Yohana a ti batisma wu k'ma sron sran. A hla ni ndji ba ndi du ba kpanyime ni wa ani ye ka huu, wa a hi Yesu.”
Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.”
5 Niwa ndji ba ba wo toki, ba kpa batisma ni nde Bachi Yesu.
Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
6 Niki, wa Bulus a sawo nitu mba, Ruhu Tsatsra a ku nitu mba, nda duba tre ni lan bari nda bwu tre wu ko shishi si bla.
Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita.
7 Wawu mba bana mla tsra ndji wlon don ha (tso).
Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose.
8 Bulus a ri hi ni sinagog nda ka tre ni gbengblen sron, wu wha tra, shle vu si ya nda nhron ba nitu ngbran ko Irji.
Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari.
9 E niwa Yahudawa bari ba lo sron zi gbangban nda kamba ni shishi kpaa ndji ba. Niki Bulus a kaa ba don nda chu mriko bari hu nji ni kpama, nda ka vu bla siya ba baa ni ba ni tra wu zontu bi u Tyrannus.
Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatora vadzidzi akaenda navo akandoita hurukuro navo zuva nezuva pachikoro chaTirano.
10 A si he toki ka tsra se ha, nitu ki wawu mba wa ba kii ni Asia, ba wo lan tre Bachi, ni Yahudawa baba Greek ba.
Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe.
11 Irji a sia ti kikle kpi wa bana ri he wu toh ni son mba, ni wo Bulus.
Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro,
12 Nitu kii, ngbanjan nklon wu wo mba nklon wu kaa nne wa ana sa wo ni wu ba ban ba ka nubi lilo, i lilo mba a bwa hi don ba e brji ba ba rju don kpamba.
zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari.
13 E Yahudawa bi zu brji rju ni kpa ndji bari ba sia zren zu ni ngbran kima. Ba yo nde BAchi Yesu ni du nuba gbengblen nitu meme brji niwa ba tre ndi, “Ni nde Yesu wa Bulus a dbu hla, mi mha yiyo, rju yi.”
Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”
14 Ninkon Prist wu Yahudawa, wa ndema ana Sceva, a he ni mri tangban wa basia ti toyi.
Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo.
15 Meme brji a sa bawu ndi, “Yesu mi to, mba Bulus mi to, i wu hi nha?”
Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”
16 Meme brji ni mi igu; a a doo lu hon nitu bi zu brji rju'a nda zan ba ni gbengble, nda hloba tsi. Mle ba yotsu rju ni ko'a ni ngbre mba ni nkpan kpa.
Ipapo murume akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa.
17 Ikpe yi a ri ton ndji wawu, Yahudawa baba Greeks, wa ba ki ni Ephesus. Sissri a vu ba, u nde Bachi Yesu a nzu hon.
Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha navaGiriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru.
18 Niki ngame, gbugbu biwa ba kpanyime'a, ba rju ye nran nda vu bla meme kpi wa bana ti yea.
Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa.
19 Gbugbu biwa bata ti gbugblu ba ni vunvu mba rju ye sru ni buburi nda goon ba ni shishi ko nha. Niwa ba bla nklen kpi ba, ana dubu se ton wu whlo azurfa.
Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu.
20 Niki lan tre wu Bachi a zren kagon gbagban ni gbengblen.
Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura musimba.
21 Zizan, hu gon wa Bulus a kle ndu ma ni Ephesus, a yo sron, hu ni gbron Ruhu, nda zren zu ni Macedonia mba Achaia ni nkon ma wu hi ni Urushelima; a tre nde, “Mita ka ri niki, mi hi to Rome ngame.”
Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.”
22 Bulus a ton hi ni Macedonia, ha nimi biwa ba ti ndu niwu, Timoti mba Erastus. E wawu kima a son zu wu ton fii ni Asia.
Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva.
23 Mla tsra ni ton kima, iya wa ana fiime na a lu ni Ephesus nitu nko'a.
Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi.
24 Ndji wu la azurfa ri ni nde Demetius, wa ata la gunki u Artemis ni azurfa, nda ta nji ndu nklen gbugbu ye ni bi laaba.
Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo.
25 Niki a yo bi ndu kima zi nda tre ndi, “Indji mbu, bito ndi ninkon du mbuyi, nklen ni ri bran.
Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri.
26 Bi to ndi ni wo ndi, ana ni Ephesus megen na, hu mla ngban gbungblu Asia wawu, Bulus yi, a kma sron ndji gbugbu sran. Ani bla ndi mri irji wa iwo ndji ba laa ba na Irji na.
Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akadzidzisa uye akatsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havasi vamwari chaivo.
27 Ana nitu andi kikle iya wa a ni du ndu mbu kle na, iko kikle irji wu artemis me ni rjoku ni nzohonma ngame. Niki, gbengblen Artemis ani grji, wawu wa Asia mba gbungblu meme wawu ba kukru ni nzuhon.”
Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.”
28 Niwa ba wo toki, ndu a shu sron mba, eba kpa gro ndani tre ndi, “Kikle Artemis wu Ephesus.”
Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
29 Kikle gbu'a wawu a tsi shishi, e ndji ba wawu ba vra tsu ni sron ri hi ni ko wu son mba (theatre). Bana vu kpukpan bi zren Bulus ye, Gaius mba Aristarchus, wa ba ye rhini Macedonia.
Pakarepo guta rose rakanyonganiswa. Vanhu vakabata Gayo naAristakusi, shamwari dzaPauro dzaaifamba nadzo dzaibva kuMasedhonia, vakamhanya navo nomwoyo mumwe vakapinda navo munhandare.
30 Bulus a ta son ri nimi kpaa ndji ba, e mri ko ba ba zuu.
Pauro akanga achida kuzviratidza pamberi pemhomho, asi vadzidzi vakamudzivisa.
31 Ngame, bari wa bana bi ninkon du ni ngrji Asia, wa bana kpanma, ba tondu hi wu ni bre ni duna ri ni tra son (theatre) na.
Kunyange vamwe vakuru veEzhia, shamwari dzaPauro, vakamutumira shoko vachimukumbirisa kuti arege kuedza kupinda munhandare.
32 Ndji bari ba sia ti gro kperi, e bari ikpe nkan, nitu tsi shishi a vu kpaa ndji ba. Gbugbu mba bana to ka a hi ngye si zren nda duba ye zontu ki na.
Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo.
33 Bari ni kpaa mba ba nron Alexanda, wa Yahudawa ba ba tru yo ni shishi, niki Alexanda a ti ba niwo, nitu a ta son yo tre wu ya ni soon mba.
VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu.
34 Niwa ba mla to ndi a hi ndji Yahudawa, ba lu yra gro wu ton mla bla ha ni lan riri, ndani hla ndi, “KikleArtemis wu Ephesus.”
Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
35 Niwa ndji wu nha (town clerk) wu gbu'a a du kpaa ndji ba kma ti gbangbi, a tre ndji, “Biyi ndji bi Ephesus, ahi ndji nha wa ana to ndi kikle gbu wu Ephesus yi hi bubu ko wu son wu kikle Artemis, mba iwhiwa grji ku rji ni shulu na?
Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga?
36 Bita to ndi kpi biyi bana wu kpa tron na, bika ti wiime ni na kpati vravra mena.
Naizvozvo, sezvo izvi zvisingagoni kurambika, munofanira kuti munyarare murege kumhanyira kuita chinhu.
37 Nitu bi nji ndji biyi ye ni shishi ko gaa tre, ana ndji ba bi y'bi iko bre mbi ka bi kpa nde mri Irji mbi ti meme na.
Mauya navarume ava pano, kunyange zvavo vasina kuba temberi dzedu kana kumhura mwarikadzi wedu.
38 Nitu ki, Dimetrius baba bi ndu la wa ba he niwu'a ba he ni tre wu lo nitu ndrjo, tra wu gaa tre a he ni who mba bi wa bawoba nda gaatre'a. Du ba tsra kpa mba.
Zvino, kana Dhemetiri nedzimwe mhizha dzaanadzo vakange vane mhosva naani zvake, matare edzimhosva akazarurwa uye vatongi varimo. Vanogona kuvakwirira havo.
39 Bita ni wato kpe nkan, kima ki vu ya ni son yi ni mla ti.
Kana pane chimwe chinhuzve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.
40 A hi njanji ki he ni ya wu lo bata vuta nitu kma gbu srantu wu vi luwa. Kina he ni kpe wu kaatu nitu kpa gbu tsi wu luwa na, e kina to nkon wu chutu rju na.”
Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.”
41 Niwa a kle tre toyi, a kaa son a nda du ndji ba shan hi.
Akati ataura izvi, akarayira kuti ungano iparare.