< Ndu Manzaniba 18 >
1 Hu gon kpi biyi, Bulus a rju rji ni Athens nda hi ni Corinth.
Shure kwaizvozvo, Pauro akabva paAtene akaenda kuKorinde.
2 Niki a ka zontu ni ndji Yahudawa ri wa ba yo ndi Akwila, ndi wu ngrji Pontus, wa la ren mayi a ye rhini Itali mba wama Pricila, nitu Claudius a yo doka du Yahudawa du ba rju ni Rome. Bulus a hi niba,
Ikoko akandosangana nomuJudha ainzi Akwira chizvarwa chePondasi, akanga achangobva kuItari nomukadzi wake Pirisira, nokuti Kiraudhiyo akanga arayira kuti vaJudha vose vabve muRoma. Pauro akaenda kundomuona,
3 nitu wa bata ti bibi ndu son ni gbungblu riri niwu, a son niba nda sia ti ndu'a, bana bi tsro bru ni tent.
uye sezvo akanga ari mugadziri wamatende saivo, akagara navo achishanda pamwe chete navo.
4 Niki Bulus a son zi shle bla ni sinagog chachu ni vi Sati (Sabbath), nda ni gbron mren Yahudawa baba Greek ba.
Sabata rimwe nerimwe akanga achitaurirana navo musinagoge, achiedza kugombedzera vaJudha navaGiriki.
5 Zizan niwa Sila mba Timoti ba grji ye ni Macedonia, Bulus a ka yo sron ma yo ngbangban ni lan tre'a, nda ni bwu hla ni Yahudawa ba ndi Yesu yi hi Kristi.
Sirasi naTimoti vakati vasvika vachibva kuMasedhonia, Pauro akazvipira kuti aparidze chete, achipupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.
6 Niki wa Yahudawa ba ba lu hon wu nda mren u, Bulus a kpon nklon kpama ni bawu nda hla bawu ndi, “Du iyi mbi he ni tu mbi, mi ngla wo mu rju, rji zizan mi hini bi kora'a.”
Asi vaJudha vakati vapikisana naPauro uye vachimutuka, akazunza nguo dzake asingafari akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu! Ini ndakachena pabasa rangu. Kubva zvino ndichaenda kune veDzimwe Ndudzi.”
7 Mle arju don bubuki nda hi ni ko Titiyus Justus, ndi wa a ta hu nkon bre Irji. Ikoma a na he hu nha ni sinagog.
Ipapo Pauro akabuda musinagoge akaenda kumba kwaTitiasi Jastasi munhu ainamata Mwari.
8 Crispus, ninkon Sinagog a, kpanyime ni Bachi, ni bi koma wawu mba, baba gbugbu ndji bi Korintiya wa ba wo nda kpanyime, ba ti batisma ni bawu.
Krispasi mukuru wesinagoge, neimba yake yose vakatenda kuna She; uye vazhinji vavaKorinde vakamunzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.
9 Bachi a hla ni Bulus ni chu nimi ra, “Na ti sissri na, si tre rju nina son gbangbi na.
Humwe usiku Ishe akataura naPauro muchiratidzo akati, “Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara.
10 Nitu mi he ni wu, ndrori na wa ti kpe meme ni wu na. mi he ni gbugbuwu ndji ni mi kikle gbu yi.”
Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.”
11 Bulus a son niki ti ise ri ni wha tanne, nda ni tsro lan tre Irji ni mimba.
Saka Pauro akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu, achivadzidzisa shoko raMwari.
12 Niki wa Gallio a hon son ni ruron gomna wu Achaya, Yahudawa ba ba lu ni mren sron ri wu kiamba ni Bulus, nda vuu ye shishi bi gaa tre;
Panguva iyo Gario akanga ari mubati weAkaya, vaJudha vakabatana mukurwisa Pauro uye vakauya naye kudare redzimhosva.
13 ba tre ndi, “Igu yi kma sron ndji ba duba hu nkon bre Irji nkan ni wa doka hla.”
Vakati, “Munhu uyu, ari kugombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira inopesana nomurayiro.”
14 Kima me, niwa Bulus a taa bwu tre ma, Gallio a tre ni Yahudawa ba ndi, “Biyi Yahudawa, a nita nitu meme ko gbirjerje la tre, ani he nitu nkon mi wo yi.
Pauro akati oda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Kana imi vaJudha manga muchinyunyuta pamusoro pemhosva yezvisakarurama kana kutadza kwakaipisisa, zvainge zviri nyore kwandiri kuti ndikuteererei.
15 Nitu wa a he nitu lan tre baba ba nde ni doka mbi, hi ki ni mla kpa mbi ti kimbi. Mina son ri ni gaa tre ikpi biyii na.”
Asi sezvo ichingova mibvunzo pamusoro pamashoko namazita uye nezvomurayiro wenyu, gadzirisanai pachenyu. Ini handidi kutonga nyaya dzakadai.”
16 Gallio a duba rju dinkon ni ruron gaatre'a.
Saka akaita kuti vadzingwe kubva mudare remhosva.
17 Niki ba lu vu sosthenes, ninkon sinagog nda hlo tsi ni shishi ruron wu gaatre'a. E Gallio ana yo sron ni kpe wa ba tia na.
Ipapo vose vakatendeukira kuna Sosteni mukuru wesinagoge vakamurova pamberi pedare. Asi Gario haana kumbova nehanya nazvo.
18 Bulus, hu gon son niki wu vi gbugbu bari, a lu don mri vayi ba nda dran hi ni Syria baba Priscilla mba Akwila. Niwa a rhihe kunkon rhini bubu ri ni jirgi ma wu Cenchrea, a duba kron nfutu ma rju mpempen nitu shirji wa a baan.
Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita.
19 Niwa ba ye ri ni Ephesus, Bulus a kaaba Priscilla mba Aquila don niki, e wawu kima a ri hi ni mi sinagog nda ka si shleniya baba Yahudawa ba.
Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha.
20 Niwa ba mye Bulus du son gbaa nha, a kama.
Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba.
21 Ni lu bre nda ni donba, a tre ndi, “Mila kma ye ngari, Irji nita kpanyime.” A dran nitu jirgi mma rhiki hi ni Ephesus.
Asi paakabva, akavimbisa achiti, “Ndichadzokazve kana Mwari achida.” Ipapo akakwira chikepe kubva kuEfeso.
22 Niwa Bulus a ye grji ni Caesarea, a hon hi ka chi ekklisiya wu Urushelima nda grji hi ni Antioch.
Akati aburuka paKesaria, akakwidza akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki.
23 Hu gon fon son niki, Bulus rju kuunkon zren zu ni gbungblu Galatia mba Phrygia, nda ni nhron mri ko ba du ba kri gbangban.
Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose.
24 Niki, Yahudawa ri ni nde Apollos, wa ba ngrjiwu ni Alexandria, a ye ni Ehpesus. A he ni lantre ndindi wu tre nda ni mla toh vunvu tre Irji.
Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo.
25 Apollos ana kpa tsro ndindi ni tsro tre Bachi, nitu wa a ta kri gbangban ni dri, a tre nda tsro ni nkon tsatsra kpi nitu Yesu, e nda to nitu batisma wu Yohana megen.
Akanga akadzidziswa nzira yaShe, uye aitaura nesimba guru achinyatsodzidzisa nezvaJesu, kunyange zvake aingoziva nezvorubhabhatidzo rwaJohani.
26 Apollos a lu kri si tre ni gbengblen sron ni mi sinagog. Niwa Priscilla mba Aquila ba woowu, ba yo ye ni kosan nda mla bla niwu, nkon wu Irji.
Akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamukoka kumba kwavo vakamutsanangurira nzira yaMwari zvizere.
27 Niwa a ta son vu yba hi ni Achaia, mri vayi ba ba nhron nda nha vunvu ni mriko bi Achaia ndi du ba kpaa ni wo ha. Niwa a ka riki, a zo ni nkon gbugbuwu biwa ba kpanyime, nita a kpaba hamma ni duba ti kpe.
Aporosi akati oda kuenda kuAkaya, hama dzakamukurudzira ndokumunyorera tsamba yokuti vadzidzi vaikoko vamugamuchire. Paakasvika akabatsira kwazvo avo vakanga vatenda nenyasha.
28 Apollos a kri gbangban ni sen nyu ni Yahudawa ba nda tsro ba rhi ni vunvu Irji ndi Yesu yi hi Kristi.
Nokuti pakutaurirana, akapikisa vaJudha zvine simba pamberi pavanhu, achiratidza kubva muMagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.