< Ndu Manzaniba 16 >

1 Bulus ngame aye ni Derbe mba ni Lystra, niki vrenko wu huuri wa ndema hi Timotia he, vren wa Yahudawa ri, wa a kpanyime niwu, ama tima ana ndji Greek.
Akasvika kuDhebhe ndokuzoenda kuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, uye mai vake vakanga vari muJudha, vari mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki.
2 Mri vayi wa bana he ni Lystra mba Iconium bata tre ndindi ni tuma.
Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka.
3 Bulus ata son du zren huu ni tuki, a bau njinda gen-mbru niwu, ni du Yahudawa wa ba he ni bubu baki du ba toh, nitu bana toh ndi tima ana Greek.
Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki.
4 Niwa ba hu nkon si hi zu nimi gba ba, basia zren nihu nkon tsatsra wa manzani ba mba bi ninkon biwa ba he ni Urushelima ba m'ha yo duba hu.
Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere.
5 Niki ekklisiya ba ba kpa ti ngbengblen ni kri gbangban nitu hu nkon'a nda du kri mbru mba a si hon chachu.
Nokudaro kereke dzakasimbiswa mukutenda uye dzakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu.
6 Bulus mba bi zren niwu ba zren zu ni ngbran Phrygia mba Galatia, nitu Ruhu Tsatsra ana ti gbuchu ndi du ba na d'bu lan tre'a ni ngbran Asia na.
Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia.
7 Niwa ba zren ye ti weiweire ni Mysia, ba yo sron zuni Bithynia, ama Ruhu Yesu a zuba.
Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira.
8 Niki ba vu Mysia y'ba nda grjiye ni gbu Troas.
Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi.
9 Bulus a toh ni mira ni chu; ndji ri wu Macedonia a kri ki nda si bre'u nda ni tre ndi, “Ye nita ni Macedonia ni ye zota.”
Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.”
10 Niwa wa Bulus a hrara toki, ki krilu si wa nkon wuhi ni Macedonia, nitu ki ban ndi Irji mba yo ta du ta ki hi bla tre ndindi ni bawu.
Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri.
11 Ki kuu zren hu ni nkon ma rhini Troas, ki hu trime nkon wa ani njita zu ni Samothrace, nda duta ka rhini Neapolis ni mbewa aka wu vi kima.
Tichibva paTroasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi.
12 Rhiniki, ki hi ni Philippi, wandi ana kikle gbu wu Macedonia, gbu wa a zan bi ni ndu wu ngbran kima mba wa aheni wo bi tuchu wu Romawa; ki ki niki wu vi wa a fon bran.
Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo.
13 Ni vi Sabbath (Chachu Sati), ki zren rhu ni kikle nkontra gbu'a wa a he ni kosan ba'a, bubu wa ki ban ndi ani bi wu bre. Ki kukhi ni tre ni mmba wa ba ye zontu ki'a.
Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengeterera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo.
14 Iwari wu nde Lydia, wa a ta le ni ikpi nklon sru, rhi ni gbu Thyatira, wa ata hu nkon Irji, a yo ton si wota. Bachi a bwu sron ma ni du mla wo kpe wa Bulus asia tre'a.
Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.
15 Niwawu mba bi koma, ba kpa batisma, nda bre ta ndi, “Bita kpanyme ni me ndi mi kri gbangban ni hu nkon Bachi, bi ka ye ni komu.” Nikima a weireta du ta kpanyme.
Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Akatikumbirisa tikatenda.
16 Niwa ki sia hi bubu bre, vrenwa ri wa ana gran, nda he ni brji wu toh kpe nda nran, a ye zontu nita. A ta nji nklen gbugbuwu ye ni ti ko ma nitu ndu nran wa ata ti'a.
Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.
17 Iwa yi a zren si huba Bulus nda d'bu si hla ndi, “Biyi bi mri koh wu Irji wa a zan nzu hon. Ba ki bla nkon wu kpachuwo ni yiwu.”
Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.”
18 Asi ti toyi wu vi gbugbuwu. Ama Bulus, nitu vrenwa a yo nfu branbran, a k'ma nda hla ni brji'a ndi, “Mi mmha'u ni nde Yesu Kristi, rju ni kpa ma.” Mle a rju ni nton kima.
Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.
19 Niwa bi ti koma ba toh ndi nkon kubu mba a kle, ba vu Bulus mba Sila nda gbi ba hi ni tsutsu bubu wa ba le ni kpi, niwa bi ninkon gbu ba ki'a.
Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo.
20 Niwa ba nji ba ye nu bi blatre (Alkali), ba tre ndi ndji biyi ba nji iya rini kikle gbumbu. Ba Yahudawa.
Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bope muguta redu
21 Ba bla tre njo wa ana he nitu nkon wa Romawa ba kpanyme duta hu na.
vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.”
22 Niki kpaandji ba lu hon wawu mba, nitu Bulus mba Sila; Alkali ba ba y'ba ba nklon mba ju nda mmha duba hloba ni kunkron j'bo.
Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe.
23 Niwa ba hloba ni wo gbugbu nitu mba, ba tru ba sru ni ko wu tru nda mmha ndji wu tro'a du mla yo shishi nda na du ba gbuj'bu na.
Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo.
24 Hu gon kpa mmha yi, ndji wu tro'a, a tru ba sru ni tra wu komi nda vu ba za mba lo nha ni kunkron gbangban.
Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda.
25 Mla tsutsu chu, Bulus mba Sila ba sia bre Irji nda ni yo se wu nzu Irji hon, i mbru biwa ba tro ba ngame'a ba sia sren ton niba.
Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.
26 Niki, kikle grju meme a lu ti, nda du nchimeme wu ko tro a grju, mlee nkon ba wawu ba bwu yo hwo, mba ba sraka wa ba lo ba niwu'a ba si hle.
Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka.
27 Igu wu troba'a a lu sh'me ni nna nda toh nkontra kotro ba ba bwu kri ni hwo, a gbron guglo Inji wu nduma ndani wuutuma, nitu a ban ndi biwa ba troba ba rju nawo ye.
Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.
28 Bulus a yo gro ni kikle lan nda tre ndi, “Na ti kpame kpe na, nitu wawu mbu ki he ni wayi.”
Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!”
29 Igu wu troba a yo duba nji ilu kpan njiwu, nda tsutsu ri ni tsenza kpa mba sissri nda ka kukru ni shishi Bulus mba Sila.
Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera.
30 Nda nji ba rju nda tre ndi, “Mi nuyi ninkon, mi ti ngye ni dumi kpa tumu chuwo?”
Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”
31 Ba tre ndi, “kpanyme ni Bachi Yesu, niki wu kpa kpachuwo, ni wu baba biwa ba he ni ko me.”
Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”
32 Ba hla lan tre wu Bachi niwu, baba ni ko nha ni mi koma.
Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.
33 Niki, igu wu tro'a a vu ba ni nton kima wu chu'a, nda ka ngla mkpan mba, niki wawu mba bi koma wawu ba ti batisma ni bawu.
Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake.
34 Niwa a nji ba Bulus mba Sila hon hi ni koma nda ka nuba biri, a ta kpe kpukpome, ni ndji biwa ba he ni koma'a, nitu a kpanyme ni Irji.
Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, iye nemhuri yake.
35 Zizan, niwa mble a nhran, alkali ba ba ton du hi ni bi gben'a, ndi “Du ndji bi mba hi kpamba.”
Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.”
36 Igu wu tro a vu lan tre ba bla ni Bulus mba Sila andi, “Alkali baba ton lan tre ye ni me ndi du mi du yi hi. Zizan nikima, ye rju hi yi ni si sron.”
Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.”
37 Ama Bulus a hla bawu ndi, “Ba vuta hlo tsi ni shishi ndji, hamma ni tsra ta toh, niwa me ki mri son meme Roma, nda tru ta sru ni kotro, zizan ba son juta rju ni rhiri? A'a! Du ba ye kimba nda ye njita rju.”
Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”
38 Bi gben ba baka vu tre biyi bla ni ba alkali ba, niwa ba wo ndi Bulus mba Sila ba mri gbungblu Roma, ikpe'a anuba sissri.
Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo.
39 Alkali ba ba ye bre ba nda nji ba rju, nda bre du ba rju ni gbu'a hi kpamba.
Vakauya kuzovanyengetedza ndokuvabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta.
40 Niki, Bulus mba Sila ba rju ni ko tro'a nda ye ni ko Lydia. Niwa ba Bulus mba Sila ba to mri vayi ba, ba nhronba duba ki gbangban, nda mle, rju hi kpamba rji ni gbu'a.
Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo.

< Ndu Manzaniba 16 >