< Ndu Manzaniba 15 >

1 Indji bari ba grji rji ni Judiya ye ni Antioch nda ye bla tsro ni mri vayi ba ndi, “Bi tina duba han mbru ni yiwu hu njo tre Musa na, bina kpa chuchuwo na.
Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.”
2 Kpeyi a vu tu Bulus mba Barnaba zon ti nkan nda duba kri senyu ni ba. Niki, Bulus mba Barnaba, baba bari ni mi mba, ba chuba ndi duba hon hi ni Urushelima nda yi son ni ba manzani baba bi ninkon ba nitu duba tu tre'a.
Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana navo zvikuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri.
3 Nitu ki, niwa ekklisiya a ton ba'a, ba zren zu ni Phoenicia mba Samaria, nda si bwu bla sran sron wa bi kora'a ba kpa'a. Ba nji ngyiri kpukpome ye ni mri vayi ba.
Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti veDzimwe Ndudzi vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru.
4 Niwa ba ye rini Urushelima, ekklisiya mba manzaniba baba bi ninkon ba ba kpaba ni wo ha, i baka vu kpi wa Irji a ti bawu'a bla ni bawu.
Vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke navapostori uye navakuru, vakarondedzera kwavari zvinhu zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo.
5 Ama ndji bari, ni mi biwa ba kpanyeme'a, wa bahe ni mi grji bi Pharisee, ba lu kri nda tre ndi, “Ani kpe wuti ni duba vu ba han mbru nda yo tre gbangban ni bawu duba hu tre doka Musa.”
Ipapo vamwe vatendi vakanga vari vebato ravaFarisi vakasimuka vakati, “VeDzimwe Ndudzi ava vanofanira kudzingiswa uye vanosungirwa kuti vateerere murayiro waMozisi.”
6 Niki manzaniba baba bi ninkon ba ba zontu ki nitu duba mla kpeyi yato.
Vapostori navakuru vakasangana kuti vaongorore nyaya iyi.
7 Hu gon sen nyu ni kpamba, Bitrus a lu kri nda tre niba ndi, mri vayi, bito ndi, ni nton ndindi wa aka hi ye'a, Irji a chu ni mi mbi, nitu ni nyu mu, Bi kora ba duba wo lantre wu tre ndindi'a, nda kpanyeme.
Shure kwehurukuro huru, Petro akasimuka akati, “Hama dzangu, munoziva imi kuti nguva dzakare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti veDzimwe Ndudzi vanzwe shoko revhangeri rinobva pamiromo yangu vagotenda.
8 Irji, wa ato dri'a a mla bla ni bawu niwa a nuba Ruhu Tsatsra, toh waa ati nitawu;
Mwari, iye anoziva mwoyo yavanhu akaratidza kuti anovagamuchira nokuvapa Mweya Mutsvene, sezvaakangoitawo kwatiri.
9 ndana chuta ti nkan ni ba na, niwa a vu sron mba se ni toh kri gbangban.
Haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, nokuti akanatsa mwoyo yavo nokutenda.
10 Zizan nitu ki, ahi ngye duyi ni tsra Irji, niwa bi klo ilo wu ya nitu nkanto wu bi hu'a wa ba timbu, ni kita kina mla to ba nji na'a?
Naizvozvo zvino, munodireiko kuedza Mwari nokuisa pamitsipa yavadzidzi joko risina kugona kutakurwa nesu kana namadzibaba edu?
11 Ama ki kpanyeme ndi ki kpachuwo nitu ya ndindi wu Bachi Yesu, na baba me.”
Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.”
12 Kpaandji ba wawu ba ki ni gbangbi niwa ba si sren ton ni ndu wu bwu ya mba wu kanyu yo ni w'ho wa Barnaba mba Bulus ba vu si bla nitu wa Irji a ti ndu ni mi Bi kora'a, zuni wo mba.
Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati peveDzimwe Ndudzi kubudikidza navo.
13 Hu gon wa ba tre kle'a, Yakubu a saa nda ni tre ndi, “Mri vayi, yo ton ndi wome.
Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti, “Hama dzangu, nditeererei.
14 Siman a hla yiwu niwa Irji ni ya ndindi ma ni mumla azo bi kora'a nitu du ban rhi ni ba, ndji wu ndema.
Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kune veDzimwe Ndudzi.
15 Lantre ba anabawa a kpanyme ni kii, na wa ba nha'a.
Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
16 Hu gon kpi biyi, mi k'ma ye, mba miye mme ngari, ko wu zontu ni Irji wu Dauda, wa a zilhe ye; Mi nzu sazi, ni du wron meme ma du k'ma ye to ana he,
“‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa. Ndichavakazve matongo ayo, uye ndichaivandudzazve,
17 ni du mbru ndji wa ba don'a, duba wato Bachi, baba wawu bi kora wa ba yo ba ni ndemu.'
kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe, uye neveDzimwe Ndudzi vose vanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’
18 Ikpe yi yi Bachi a tre ndi, A nhati kpi biyi wa bato rhi ni sen'a? / Nk'ma vunvu wu Greek bi sen wa ba he ni tu tre wandi a nkan / Ikpe yiyi wa Bachi a tre, ni tuma yi, ba toh wawu kpi wa ba ti nisen. (aiōn g165)
zvakangova zvazivikanwa kubva kare. (aiōn g165)
19 Nitu kima, mi ban zi ndi kina ti ba ya na, baba bi kora wa ba k'ma ye ni Irji.
“Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera veDzimwe Ndudzi ava vari kutendeukira kuna Mwari.
20 Ama ki nhahi ni bawu ndi a tre wa s tsra, duba chukpa mba ti nkan ni kpa ti meme gunki, wrhuni hu mba mba ni nn'ma wa ba wuu ba ndwuto, mba rhini iyi.
Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa.
21 Nitu Musa, ba d'buhla ni gbu nkankan, rhini k'ba bi sen, a ye ni zizan wa basi bla nimi Synagogue chachu ni vi Sabbath.”
Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”
22 Niki a bi ya ni manzaniba baba bi ninkon ba, mba ekklisiya wawu, duba chu Juda wa ba yo ndi Barsabbas, mba Sila, wa bana bi ninkon wu bi vayi ba, nda ton ba hi ni Antioch baba Bulus mba BArnaba.
Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.
23 Nha zuni wo mba, “Rhini manzani baba bi ninkon ba, mri vayi mbi, hini mri vayi bi kora nimi Antioch, Syria mba Cilicia ki chi yi!
Vakatumira tsamba yaiti: Vapostori navakuru, idzo hama dzenyu, kuvatendi nokune veDzimwe Ndudzi vari muAndioki, Siria nomuSirisia: Kwaziwai.
24 Nitu ki wo ndi ndji bari ba rhunita hama ni kpanyime mbu, nda ka si chonyi ni lan tre wa a kpa sron mbi ti meme'a.
Takanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vasina mvumo yedu vakakanganisa pfungwa dzenyu nezvavakataura.
25 A bi ya nitawu, wa ki k'ma sron mbu yo ni bubu riri, ndi chu ndji biyi wa ki tonba ye ni yi baba mri vayi bi mlason mbu, Barnaba mba Bulus,
Saka tose takatenderana kuti tisarudze varume pakati pedu tigovatuma kwamuri pamwe chete neshamwari dzedu dzinodikanwa ivo Bhanabhasi naPauro,
26 ndji biwa ba ban tu yo ni nkon qu nitu nde wu Bachi Yesu Kristi.
varume vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.
27 Nitu ki, ki ton Juda mba Sila, Wa ba vu bla ni yiwu, kpi biyi ngame ni lantre mba.
Naizvozvo tiri kutumira Judhasi naSirasi kuti vagotsigira namashoko omuromo wavo pane zvatanyora.
28 Nitu a ya bi ni Ruhu Tsatsra mba ni tawu, du kina la ban ndu ya sa nha nitu mbi zan wa a he toki ye:
Zvinenge zvakanaka kuMweya Mutsvene nesu kuti tirege kukuremedzai nomutoro upi zvawo unopfuura zvinodikanwa izvi:
29 ndi du yi chuwo rjuni kpi wa ba ton ni brji, ni iyi, kpi wa ba wuu ni ndwu to, mba rhini latre wamba ko lilon. Bita chu kpambi wru ni kpi biyi, zren ni bi yiwu. gbuchu.
Munofanira kurega zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, neropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye noupombwe. Muchaita zvakanaka kuti murege izvi. Chisarai.
30 Niki, niwa ba kle nda yo ba ninkon, ba zren grji hi ni Antioch, hu gon wa ba vu gbu ndji ba zontu zi bubu riri, ba ka vunvu wa ba nha bawu nuba.
Varume ava vakaenda ndokubva vaburuka vakaenda kuAndioki, kwavakandounganidza kereke pamwe chete ndokubva vavapa tsamba.
31 Niwa ba bwu bla, ba ta kpe nitu nron tre wa ba kpa'a.
Vanhu vakaiverenga vakafara kwazvo nokuda kweshoko rayo rokukurudzira.
32 Juda mba Sila, wa bana anabawa ngame, nronba mri vayi ba ni lan tre gbugbuwu nda zoba kri gbangban.
Judhasi naSirasi avo vakanga vari vaprofita, vakataura zvakawanda zvokukurudzira nokusimbisa hama.
33 Hu gon wa ba fon ki niki, ba tru ba hi ni si sran rhini mri vayi ba hi ni biwa bana ton ba'a.
Shure kwokunge vambogara kwechinguva ikoko, vakaperekedzwa nehama namaropafadzo orugare kuti vachidzokera havo kuna avo vakanga vavatuma.
34 Vunvu wu bi zan, bi son bana he ni nklan 34 na (Ya Ndu Man.15:40). Ama a toh bi du Sila du k'ma son niki.
Kunyange zvakadaro, Sirasi akasarudza kusarapo.
35 Ama Bulus mba Barnaba ba kii ni Antioch ndani tsro nda ni bla (baba gbugbu bari) lan tre wu Bachi.
Asi Pauro naBhanabhasi vakasara muAndioki, uko ivo navamwe vazhinji vakadzidzisa uye vakaparidza shoko raShe.
36 Hu gon vi bari, Bulus a hla ni Barnaba, “Ki k'ma hi zizan ni ki hi tsri ni mri vayi bi gbu wa kina ka d'bu hla lantre Bachi, niki toh ka ba heni ha.”
Mushure mechinguva Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatimbodzokera timbondoshanyira hama kuna mamwe maguta atakaparidza shoko raShe tinoona kuti vakadii zvavo.”
37 Barnaba a son ban Yohana wa ba yondi Markus, nji nha.
Bhanabhasi akanga achida kutora Johani, ainziwo Mako, kuti vaende pamwe chete naye,
38 Ama Bulus a rhimren ndi ana bi du ba ban Markus na, waa ana kaa ba don ni Pamphylia nda na la huba ni ndu'a na.
asi Pauro haana kuona zvakanaka kuti vaende naye, nokuti akanga ambovasiya paPamufiria uye haana kuramba ainavo pabasa.
39 Niki, kikle sen nyu a gaaba nda du ba hu nkon nkankan ni kpamba, i Barnaba a ban Markus hu ni kpama, nda dran rju hi ni Cyprus.
Vakava nokupesana kukuru zvokuti vakaparadzana. Bhanabhasi akatora Mako akakwira chikepe vakaenda kuSaipurasi,
40 Ama Bulus a chu Sila nda rju kunkon hi, hu wa mri vayi ba ba vu ba sru ni nji ndindi wu Bachi.
asi Pauro akasarudza Sirasi akaenda akakumikidzwa kunyasha dzaShe nehama.
41 Mle a zren zu ni Syria mba Cilicia ndani gbre kri gbangban ni ekklisiya ba.
Akapinda nomuSiria nokuSirisia, achisimbisa kereke.

< Ndu Manzaniba 15 >