< Ndu Manzaniba 13 >

1 Zizan ni Ekklisiya wu Antioch, Anabawa baba bi tsro bari bana he. Bana ba BArnabas, Siman (wa ba yondi Niger), Lucius wu Cyrene, Manaen (vayi Herod wu retrarch wa bana kpa'u nji toh wu ngrji hi mba), mba Shawulu.
Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro.
2 Niwa basia bre ni kaa rhi kpe nda ni nzu Bachi hon, Ruhu Tsatsra a tre ndi, “Chuu ba Barnabas mba Shawulu zi tinkan nimu, ni duba ti ndu wa mi yoba duba ti.”
Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.”
3 Hu bre ni kaarhibiri, mba yo woh ni tumba, ba tru ba yo ni duba hi.
Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.
4 Kima, Barnaba mba Shawulu, niwa Ruhu Tsatsra a ton ba rjuhi'a, ba grji hi Seleucia; rhiniki ba wu jrigi mma hini Cyprus.
Ava vaviri vakati vatumwa naMweya Mutsvene parwendo rwavo, vakaburuka vakaenda kuSerusia, vakazobvako vakakwira chikepe ndokuenda kuSaipurasi.
5 Niwa ba he ni gbu Salamis, ba d'bu bla lantre Irji nimi ko Synagogues wu Yahudawa. Yohana ngame a he niba toh wu zoba.
Vakati vasvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari musinagoge ravaJudha. Johani akanga achivabatsira.
6 Niwa ba zren kaagon nclan meme gbungblu kima hi ni Paphos, ba ka tsra ni ndji wu katibrji ri ndi Yahudi wa ana anabi wu che, wa ndema ana Bar Yesu.
Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe nʼanga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu,
7 Ndji wu katibrji ana ta zren zontu ni kikle ndji wu gaatre, Sergius Paulus, wa aheni mre toh kpe kpukpome. Igu yi a yoye ni kpama, ba Barnabas mba Shawulu, nitu a nison wo lantre Irji.
akanga ari muchengeti womubati wenyika ainzi Segio Paurusi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari.
8 Ama Elymas “Wu katibrji” (toki ba k'ma ndema sran) a lu kri sen nyu wu ka kpanyme niba; a ta son k'ma kikle Iguwu gaatre rju ni nkon kpanyme'a.
Asi Erimasi nʼanga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda.
9 Niki Shawulu, wandi bata yondi Bulus ngame, shuni Ruhu Tsatsra, a yo shishi yau gbahme
Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati,
10 nda tre ndi, Iwu vren brji, wu shuni kpi kankan wu gyru mba meme dri. Wu kame ni ko ngye wa a he ni nkon tsatsra'a. Wuna don me ni k'ma sran nkon triime wu Bachi, ka ana naki na?
“Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe?
11 Zizan ya, Iwoh Bachi a he ni tume, wu k'mati ndji wu mfyen. Wuna toh kpanrhi wu nton bari na.” Hihari niki, ikpe too iwru mba bwu a ku nitu Elymas; wa dusi zren ni kaagon siwa nji duba vu ni wo tsro nkon.
Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.” Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira.
12 Huwa kikle wu gaatre a toh kpewa a zren'a, a kpanyme, nitu tre wu Bachi wa a wo'a, a nuu rhimre ni sissri.
Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe.
13 Zizan Bulus baba kpukpan ma ba ba wru zren hu ni nokn maa rjini Paphos nda ka rini Perga wu Pamphylia. Ama Yohana a kaba don nda k'ma hi ni Urushelima.
Vachibva paPafosi, Pauro navanhu vaaifamba navo vakakwira chikepe vakaenda kuPega muPamufiria, uye vava ikoko Johani akavasiya akadzokera kuJerusarema.
14 Bulus baba kpukpan ma ba zren rhi ni Perga nda ka rini Antioch wu Pisidia. Niki bahi ka rini Synagogue chachu Sati nda ka kuson.
Vachibva kuPega vakapfuurira kuAndioki yePisidhia. Nomusi weSabata vakapinda musinagoge vakasvikogara pasi.
15 Hu, vu bla nha wu doka mba wu ba anabawa ba, bi ninkon wu Synagogue ba ton ba ni tre ndi, “Mri vayi, bita he ni tre wu nron ni ndji biyi, bika hla.”
Mushure mokuverengwa kwoMurayiro naVaprofita, vabati vomusinagoge vakatuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana mune shoko rokukuridzira vanhu, tapota taurai henyu.”
16 Niki Bulus a lu kri nda nzuwo tibawu nda tre ndi, “Ndji bi Israila baba biyi wa bi klu Irji, woo yi.
Ipapo Pauro akasimuka, akaninira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vedzimwe ndudzi vanonamata Mwari, nditeererei!
17 Irji wu ndji bi Israila yi a chu ba bachimbu nda du ndji ba bran ti gbu, niwa bana ki meme Egypt, mba ni woma waa nzu hon, a nji ba rju nikima.
Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru,
18 Ni nton mla ise tso-tra-don-nza a tiya nji ba nimi gbungblu tsutsu miji. / Vunvu nha bi sen bari ba yo ndi / Wu ise mla tso-tra-don-nza asi mlabaya nji ni gbungblu tsutsu miji. /
akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga,
19 Hu gon wa a yra gbungblu ndji tangban wa bana he ni meme Canaan'a, a ban meme mba nu ndji mbu ni du k'ma ti umba.
akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo.
20 Ikpe biyi ba rhuhe toki zan se 450 wa baka hi ye. Hu gon kpi biyi, Irji a nuba bi gaatre ka tsra ni nton anabi Samuel.
Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu. “Shure kwaizvozvi, Mwari akavapa vatongi kusvikira panguva yaSamueri muprofita.
21 Mle ndji ba ba mye ndi du nuba chu, u Irji a nuba Shawulu vren Kish, ndji wu grijhi Benjamin, ni du hon ti chu nitumba wu se tso-tra-don-nza.
Ipapo vanhu vakakumbira mambo, akavapa Sauro mwanakomana waKishi, worudzi rwaBhenjamini, uyo akatonga kwamakore makumi mana.
22 Hu kima, Irji a churhu ni tuchu'a, nda nzu Dauda hon ni du k'ma he chumba. Ana Dauda yi wa Irji a hla tre ni tuma ndi, “Ngye mi ye toh Dauda vren Jesse a hi ndji wa ani hu sron mu, wa ani ti wawu kpiwa Mison ni du ti.
Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’
23 Rhini h'pu iguhi Irji njiye ni Israila ndji wu kpachuwo, Yesu wa ana shirji ni tu a ni ti toki.
“Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbisa.
24 Niwa Yesu a rhihe ye, Yohana a d'bu batisma wu k'ma sron sran ni ndji bi Israila wawu.
Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri.
25 Niwa a ta kle ndu ma, a tre ndi 'Bi rhimre ndi me mi nha?' Me, Mina wawuyi na. Ama srenton, iri ni ye hu gon mu, lagban za ma me mina mlakri wa mi siwuna.
Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’
26 Mri vayi, mri wu iyi Ibrahim, baba biwa ba he nimi mbi wa ba klu Irji, ahi ni tawuyi mba ba ton tre wu kpachuwu yi ye.
“Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vedzimwe ndudzi vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri.
27 Ni ndji biwa ba ki ni Urushelima, baba bi tuchu mba, bana mla too na nda du lantre ba anabawa wa ba ta bla chachu ni vi wu Sati'a, a hon tumba niwa ba kaamba niwu.
Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe.
28 Niwa ba wa ndana toh kpe wu lowu wu qu na, ba yo Pilate ndi du wuu.
Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye.
29 Niwa ba kle wawu kpi wa bana nha nituma'a, ba banwu grji rhini kunkron'a nda kawu yo kru nimi ibe.
Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva.
30 Ama Irji a nzuulu rjini qu.
Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa,
31 Wu vi gbugbuwu ndji waba hu rji ni Galili ye Urushelima basi too. Ahi ndji biyi yi basi bla kpi wa bato nituma ni ndji ba.
uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.
32 Niki ki hla yiwu tre ndindi, shirji wa a ye niba bachimbu
“Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari,
33 a du ba ye he toki nitawu, mri mba, nitu wa a nzu Yesu lu. Na wa ba nha ni Zabura wu ha: “Wu hi wu vren mu, luwa mi k'ma ti time, /
akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kubva kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi: “‘Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.’
34 Nituwa a nzuu lu rji ni qu nitu du na la ka k'ma ye na, Irji a tre toyi: / Mie nu tsatsra mbalulu wa mi shirji ni Dauda.
Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti: “‘Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’
35 Nitu ki ala tre ni Zabura ri ngari ndi “Wuna du tsatsra me du toh gla na.'
Nokudaro zvinotaurwa pane rimwe pisarema kuti: “‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’
36 Niwa Dauda a kle ndu wa Irji a son niwu'a ni k'ba bi ngrjima, a ku kruna, e ba karhuu baba ba bachima, e k'ma ma a toh gla.
“Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora.
37 Ama wawu wa Irji a nzu lu'a ana toh gla na.
Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.
38 Niki bika toh, mri vayi, ndi, zu ni wo guyi, ba d'bu nihiwu, kpawruhle lahtre.
“Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri.
39 Zuni wu, ko nha wa a kpanyme ani kpa yandindi nitu wawu kpi wa doka Musa ana toh ya ndindi niwu na.
Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi.
40 Nikima, mla zren nitu kpi wa anabawa ba tre nituma duna hon nitu mbi na:
Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti:
41 Mla ya, biyi bi kpa wruhle, ni ya ni nyu ni w'ho, mle ni qu kado; Toh, mi nji ndu niye nimi vi mbi biyi, Ndu wa bina kpanyme niwu na, ko ndrjo ri nita d'bu bla yiwu.'”
“‘Tarirai imi vaseki, mushamiswe uye muparare, nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu chamusingazombotendi, kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’”
42 Niwa Bulus mba BArnaba ba lusi hi, ndji ba ba breba ni duba la tre lan tre ba ngari ni chachu Sati wu hu kima.
Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera.
43 Niwa ku son mba wu Synagogue a ye kle'a, yahudawa gbugbumba baba biwa ba kpanyme nda k'ma ni hu Irji mba ba hu Bulus mba Barnaba, e ba tre niba nda nron ba ndi duba kri gbangban ni nkon ndindi wu Irji.
Gungano rakati rapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.
44 Nivi Sati wa aka hu kima, igbua wawu ba ye zontu ki nitu duba wo lantre wu Bachi.
PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe.
45 Niwa Yahudawa ba ba toh kpaandi ba, ngu a shu ni sron mba, nda duba tre meme nitu kpi wa Bulus a tre'a, nda si mren'u.
VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro.
46 Ama Bulus mba Barnaba ba tre rju ni gbengble sron ndi “Abi wa du yi guchi wo bla lantre Irji. Ni toyi bi tru hle rjuni kpa mbi, ni ban kpambi ti wa bina mla wu kpa vri wa ana kle na, tooyi, ki k'ma hi nibi wa ba bi kora. (aiōnios g166)
Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi. (aiōnios g166)
47 Toki Bachi a mmhata gbangban ni tre ndi, 'Mi yoyi nji kpachuwo hi ni gbungblu nkankan wu meme wawuu.'”
Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti: “‘Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi, kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’”
48 Niwa bi kora'a ba wo tre yi, ba ngyiri nda nzu hon lantre wu Bachi. Wawu biwa a yoba yo ni duba kpa ivri wa ana kle na, ba kpanyme niwu. (aiōnios g166)
VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. (aiōnios g166)
49 Lantre Bachi a zren hi ni ngbran kima wawu.
Shoko raShe rakapararira mudunhu rose.
50 Ama Yahudawa ba ba chon mmba bi ninkon ndani kri gbangban ni hu'a, baba lilon bi tsro nkon wu hu ni gbu'a. Ba chon iya yo nitu Bulus mba BArnaba nda duba zuba vrarju ni ngbran kima.
Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo.
51 Ama Bulus mba Barnaba ba kpon meme zamba rju du hon tumba. Mle ba hi ni gbu Iconium.
Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu.
52 E mri ko bi hu ba ba shuni ngyiri mba ni Ruhu Tsatsra.
Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.

< Ndu Manzaniba 13 >