< Ndu Manzaniba 11 >
1 Zizan manzani ba, baba mri vayi wa bana he Yahudiya ba wo ndi bi kora ba ngame ba kpa lantre Rji.
Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari.
2 Niwa Bitrus a hon ye rhi ni Urushelima, biwa ba he ni grjhi bi hanbru'a ba tre ba;
Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye,
3 nda tre ndi, wuka zontu ni biwa bana hanbru na, ndi rhi ni ba!
vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.
4 Ama Bitrus alu kri mla bla kpi ba ni bawu ndi,
Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti:
5 Mi sia bre ni mi gbu Joppa, u Mi kri hra too ra, toh ekpe si grjhi ye, a rjuto kikle nk'ma bla wa basii chuwo si grji rji ni shulu, ba vuu nji ni nton nza ma. A grji ye ni me.
Ini ndakange ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri;
6 Mi ya'u nzrime ni rhimre nitu ma, Mi toh n'ma rju bi gbungblu meme, bi zren ni za nza, meme bi ki ni tsutsu miji, bi nha ni meme baba nchinche bi shulu.
wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.
7 Mle mi wo lan tre nda hla nimu ndi, “Lu kri, Bitrus, wuu ndi tan!”
Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye.
8 Mi tre ndi, “Ana toki na, Bachi, nitu ni son mu, meme kpe wu kpa ti meme na ri ninyumu na.”
Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nokuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu.
9 Ama ilan a k'ma sa nimu rji ni shulu ndi, 'Ekpe wa Irji k'ma ti sa'a, wuna yo ndi a ti rji na.
Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba.
10 Ikpe yi a zren ti nkpu tra, mle ba gbron k'ma hon hi ni shulu.
Uye izvi zvakaitika kusvikira katatu, zvese ndokukweverwazve kumusoro kudenga.
11 Bika mla toh, niki, ndji tra ba kri wruki ni kontra ko wa kina he nimi'a; ba ton ba ye nime rji ni Caesarea.
Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandakange ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya.
12 Ruhu a tre gbangban nime du mi huba hi, ni du mi na yaba ti nkan na. Mri vayi tanne biyi ba hume, u ki rihi nimiko igu'a.
Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisiri asina chokwadi nechinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu;
13 A vu bla ni tawu nitu wa a toh Maleka a kri ni koma nda hla wu ndi, “Ton ndji me hi ni Joppa du ba hi nji Siman ye, wa ba yo ndi Bitrus.
iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, anonzi Petro,
14 Ani tre niyi nitu lan tre wa ani kpayi chuwo, iwu baba bi kome!
achakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yese.
15 Niwa mi guchi si tre ni ba, Ruhu Tsatsra a kuni tumba, tsra ni wa a ku nita ni mumla'a.
Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavowo, sezvazvakaita pamusoro pedu pakutanga.
16 Mi tika ni lan tre Bachi, niwa a tre ndi “Yohana a tie batisma ni mma, ama biyi bi kpa batisma wu Ruhu Tsatsra.”
Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene.
17 Niki, Irji nita nuba kpe tsra niwa a nuta hamma ni du ta han, niwa ki kpanyme ni Bachi Yesu Kristi, me mi nha, wa mi kri sen nyu ni Irji?
Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari?
18 Niwa ba wo kpi biyi, bana sa tre ni tuma ngana, ama nda nzu nde Irji hon nda tre ndi, “Irji niu kma sron sran vri ni biwa ba bi kora'a ngame.”
Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu.
19 Zizan, biwa bana vra nitu iya wa a rirhi ni tu Istifanus, ba zren gbangban ka ri ni Phoenicia, Cyprus mba Antioch, ndani bla lan tre ni Yahudawa ba megen.
Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvikira paFenikia neSaipuresi neAndiyokiya, vasingatauri shoko kuna ani asi kuVaJudha chete.
20 Ama bari mba, ndji bi Cyprus mba Cyrene ba ye ni Antioch nda bla ni biwa ba Greek ngame, ndani d'bu ni bau, tre ndindi nitu Bachi Yesu.
Asi kwaiva nevamwe vavo, varume VaSaipuresi neVaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuVaHerenisiti, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu.
21 Iwo Bachi a he niba, gbugbu ndji ba kpanyme nda k'ma ye ni Bachi.
Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hukatendeukira kuna Ishe.
22 Itre ni tu mba aka ku ni ton ekklisiya ni Urushelima, u baka ton Barnabas du rju zren gbagban mu ka ri ni Antioch.
Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzeve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya;
23 Niwa a ye nda toh ti ndindi wu Irji, a ngri nda nronba duba kri ngbangba ni Bachi ni suron mba riri.
iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vese kuti varambire panaIshe nekuzvipira kwemoyo;
24 Nitu ana ndji wu ndindi suron, shuni Ruhu Tsatsra mba suron kri ngbangban, u ndji gbugbu ba ka nhani Bachi.
nokuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe.
25 Barnabas alu wruhi Tarsus nitu hi wa to Shawulu.
Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro.
26 Niwa a too'a, a njiwu ye ni Antioch, Aye heme ndi ba ki ni ekklisiya wu seri wawu, nda du ba gbrontu yo bubu riri nda zita tsro ndji gbugbu'u. A he ni Antioch mba ba guchi yo mri ko bi hu; a ndi Krista.
Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rese vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokiya.
27 Zizan ni vi biyi, anabawa bari ba grji ye ni Antioch, rji ni Urushelima.
Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokiya vachibva kuJerusarema.
28 Iri mba, ni nde Agabus, a lu kri, ni chon Ruhu Tsatsra, nda tre ndi mem yon ni ye ku ni ngbran meme wawu. Ekpe a ye he toki ni ba vi wu Claudius.
Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yese; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari.
29 Nikima, mri ko bi hu'a, tsra ni gbengblen ma, ba zontu nda tru izo mba hi ni mri vayi wa ba he ni Judiya.
Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;
30 Ba tie kpeyi, nda tru nklen hi ni bi ninkon'a zu jni wo Barnabas mba Shawulu.
zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro.