< 3 Yohana 1 >
1 Rji ni nikoh bi i hi ni Gayus wa mi sub kpokpome.
Mukuru, kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi.
2 I suron mu, ni bre ni u, du lulu hi u me ni mi kpei wa u si ti'a wawu; ni si kpan, na Ruhu me a hei ni si.
Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako.
3 Isuron mu a ti kikla raime wadi mri vayi bari ba ye tre didi ni tu ni yo suron ni tu me na wa u si hu kon jaji.
Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi.
4 Ba kpei wa'a zan du suron mu ti kikla rai du me wo di mri mu ba si zran ni kon jaji.
Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.
5 Si suron vremu, u si ti du' a ni suron me riri, hi ni mri vayi, ni bi tsri.
Mudikani, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva.
6 Bi wa ba hla tre didi ni tu me ni bi koh Irji, a ni bi du zo ba, ni zo u si suron, ni kon wa a bi, ni bi hu Irji.
Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari.
7 Ni de mu ba rju, ba na kpan kpei ni wo ndi ba na.
Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni.
8 Na ki ki kpa iri ndi ba, ki hei kpa udu baba u jaji.
Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi.
9 Mi han vuvu hi ni tra Irji, ni ki Diyotariffis, wa a zan kohan wa ni kon ni mi ba, ana kpa ta na.
Ndakanyorera kukereke, asi Dhiotirefesi, iye anoda kuva mukuru, akati haagamuchiri zvatinotaura.
10 Na ki inde mi ye, mi nu mre ni tu du ma, ni wa a si ga de bu'a ni shishi de ba ni meme tre. Wa yi me a mia u na, na ki me a ni kama bubu kpa mri vayi, a zu bi wa ba su ti didi ma; a ni zu ba ni mi Irji.
Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke.
11 Isuron mu, na vu meme kpei na sei kpei didi ma, Idi wa a si ti kpei didi ma a hi u Irji, Inde 'a' a si ti kpei meme ma, a na toh Irji na.
Mudikani, usatevedzera zvakaipa asi zvakanaka. Ani naani anoita zvakanaka ndiye anobva kuna Mwari. Ani naani anoita zvakaipa haana kuona Mwari.
12 Dimitiriyas, ndi ba tre didi ma har ni jaji ni tu ma wu me utuh jaji tre bu, a jaji.
Dhemetriasi anopupurirwa zvakanaka navose, uye kunyange nechokwadi chaicho. Nesuwo tinotaura zvakanaka nezvake, uye munoziva kuti uchapupu hwedu ndohwechokwadi.
13 Mei hei ni kpie gbugbu u wa me han 'u' Na ki mina kpay'm di mi han ni u ni alkalami ba tawada na.
Ndine zvizhinji zvokukunyorera, asi handidi kuita izvozvi nechinyoreso neingi.
14 Mi you suran di mi toh tu lalo mu na ki ki tre shi shi. Du si suron sun ni wu. Kpukpan bu ba si chi'u hla ni bru kpukpan bu, ni de ba wa wu.
Ndinovimba kuti ndichakuonai nokukurumidza, uye tichazotaurirana chiso nechiso. Rugare kwamuri. Shamwari dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisai shamwari dziri ikoko namazita avo.