< 2 Pita 1 >

1 sima Bitru igra nivren u tondu yesu kristi ba yarson christi ni bi aw kikpa. yosron ni mi ti ndi ndi trsimbu ni yesu almasihu.
Simoni Petro, muranda nomupostori waJesu Kristu, kuna vaya vakagamuchira kutenda kunokosha sokwedu, kubudikidza nokururama kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu:
2 ni ndu ti ndindi ndu sisron bi nho nigon u toh ijri ni yesu bachiimbu.
Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu.
3 didi ikpi bi sisenri ndidima a nota ntu toh irji wadi a ota zu ni gbiresan u bima.
Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko.
4 ni tuki a yo nyu bi rigmar didima nita wu du khi kpande ubu ni irji. wa khi dju nimi memeteh u ibrji ni gbublua wa a ii ye u sorkpa
Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugotiza kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva.
5 ni tu naki bi ka ti mi gbengbene bi ni ndu tie ndi ndi ni tie ndindi ni yosron bi ndu nho.
Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva;
6 ni vutu ni tu yotutya bi be ka yotutya nivu sonyo ni mi vu sonro bi ka yotu ni hwu irji.
napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari;
7 ni mi hwu irji br ka yotu ni son bebeh umrivyayi ni tu son bebe u mrivayi ni tu son bebe u umrivayi be ka yoyu ni son kpabi.
napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo.
8 ikpi beyi ba ta he nimi bi; u ba gbronni mi bi indji ribi na kudjur na ni tui toh u irji bu yesu Almasihu sun ni krju ko ka sun hanma ni ngrji na ni toh bachrimbr yesu.
Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musashayiwa zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu.
9 indji wa a wabi kpi yi hanama ani ya ikpe wa ahe whiwhir mi gen kawa yar shishi. a kpa ri su andi ba ngwala rju ni mi min chiche latre mba
Asi kana munhu asina zvinhu izvi, anoona zviri pedyo uye ibofu, uye akanganwa kuti iye akanatswa pazvivi zvake zvakare.
10 nit kima mrivaye bi ka te ni gbegble bi wawu de toh ni yao bia ni chur bia beta ti kpi beyi be na kubuza na
Naizvozvo, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti muite kuti kudanwa kwenyu nokusanangurwa kwenyu kusimbe. Nokuti kana muchiita zvinhu izvi, hamungatongogumburwi,
11 naki u be ka sami ri ni ko irji bu wa a kpatata chuwoa yesu yesu almasihu (aiōnios g166)
nokuti muchagamuchirwa nomufaro mukuru muumambo husingaperi hwaIshe noMuponesi wedu Jesu Kristu. (aiōnios g166)
12 ni tu nakima me son si gbeh chachu de ti yi kaa ni yu kpi be yi me toh de be toh mba naki u be ka tigbegble ni najaaji u zezah.
Saka ndicharamba ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi, kunyange zvazvo muchizviziva uye makanyatsosimba muchokwadi chamunacho zvino.
13 ime me rimeren naki du mi chon yi du yi tika ni kpi be yi u me rihe ni mi kpayi.
Ndinofunga kuti zvakanaka kuti ndimutse ndangariro dzenyu ndichiri mutende romuviri uno,
14 mi toh ni vi nton tsa me mi ka ikpa yi don na wa yesu Almasihu a tsoro me.
nokuti ndinoziva kuti ndichakurumidza kuibvisa, sezvandakaratidzwa pachena naIshe wedu Jesu Kristu.
15 me ti ni gbegble mu chachu du yi kata tika ikpi beyi a u meta kayi don.
Uye ndichashingaira kuti ndione kuti shure kwokuenda kwangu mucharamba muchirangarira zvinhu izvi.
16 ni tu khita khi na hwu ibaltre u wuri mba na u khi hla ni yiwa gbegble ni ye irji bu yesu Almasihu u khta khto gbegble ma.
Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri patakakuudzai nezvesimba uye nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri zvapupu zvakaona kubwinya kwake.
17 na kima a kpah gibresan u bima ni irji ite bu niton wa nlan a ye ni mi gegble u gbiresan da tere e wayi wa weh a hi iveremu u sonmu wa ani sime sonro u njaaji.
Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.”
18 ki wo lan yirji shu niton wa ki na he baba ni tita u tsatsra.
Isu pachedu takanzwa inzwi iri rakabva kudenga patakanga tinaye mugomo dzvene.
19 khi he ni ilan tere wa khi toh ani ye njaaji khi ta yo soron ni mba ani he na ilu wa a ni kpah ni bua na tsitse wa ani kpah ni buu ble ani kpah ni mi sunron bi.
Uye tine shoko ravaprofita rakasimba kwazvo, uye muchaita zvakanaka kuti muriteerere, rakaita sechiedza chinovhenekera murima, kusvikira utonga hwatsvuka uye nyamasase ichibuda mumwoyo yenyu.
20 bika to wayi arjini mumla mu andi be toh kima ni mumlamu ba idi. wawuu a tozu na he ni tu kpeiri zan indji mla du toh ba hla itereri wa ani na ye ni kpakyeme u idi u idi tu tere
Pamusoro pazvo zvose, munofanira kunzwisisa kuti hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga.
21 ba nati bre tozu ni sonsron ni tu irji wa mba he niibrji u tsa indji na ni ndu he naki a hi a hi brji tsatsra mba ni yo ba ni ndu ba latre rii.
Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene.

< 2 Pita 1 >