< Gesami Hea:su 56 >

1 Gode! Nama asigiba: le, fidima! Bai nama ha lai dunu da nama doagala: sa. Ilia da eso huluane, nama se iaha.
Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva paMiouki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati. Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni.
2 Hahabe asili daeya mae fisili, ilia da nama doagala: sa. Nama gegebe dunu da bagohamedafa.
Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.
3 Hina Gode Bagadedafa! Na da beda: i galea, na da Dima dafawaneyale dawa: mu.
Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.
4 Na da Godema dafawaneyale dawa: beba: le, hame beda: sa. Na da Ea hamomusa: ilegei amo ba: beba: le, Ema nodosa. Be osobo bagade dunu da na wadela: lesimu hame dawa:
Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?
5 Nama ha lai dunu da hahabe asili daeya amo na se nabima: ne, bidi hamosu hamonana. Ilia da esoha huluane mae fisili, na se nabima: ne ilegelala.
Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza.
6 Ilia da wamoaligisu sogebi amo ganodini gilisili, na hamobe huluane ba: lala. Ilia da na medole legemu hanai.
Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya.
7 Gode! Ilia wadela: i hou hamobeba: le, ilima se dabe ima. Dia amo dunuma ougili hasalima.
Ngavasapunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.
8 Na se nabasu huluane, amo Di dawa: Di da na disa si hano amo idili dedena sa: i diala. Amo da Dia buga ganodini dedei diala.
Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?
9 Esoha amoga na da Dima wele sia: sea, nama ha lai dunu da sinidigili, sefasi dagoi ba: mu. Amo na dawa: Bai Gode da namagai gala.
Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure pandinodanidzira kuti ndibatsirwe. Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
10 E da Hina Godedafa amola na da Ea sia: i ilegei amoma nodosa.
Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,
11 Na da Ema dafawaneyale dawa: sa. Amaiba: le, na da hame beda: mu! Amola osobo bagade dunu da na wadela: lesimu hamedeidafa.
muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu. Ko, munhu angandiitei?
12 Gode! Na da Dima imunusa: ilegei liligi amo Dima dafawane imunu. Na da Dia nodoma: ne gobele salasu amo Dima imunu.
Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari; ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.
13 Bai Dia da na mae bogoma: ne, na gaga: i dagoi. Amola nama ha lai ilia na mae hasalima: ne hamoi. Amaiba: le na da Gode Ea midadi, hadigi amo da esalebe dunuma diga: be, amo ganodini lala.
Nokuti makandirwira parufu, uye netsoka dzangu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi penyu muchiedza choupenyu.

< Gesami Hea:su 56 >