< Yosiua 1 >

1 Hina Gode Ea hawa: hamosu dunu Mousese da bogoi dagoloba, Hina Gode da Mousese ea fidisu dunu amo Yosiua (Nane egefe) ema sia: i.
Zvino shure kwokufa kwaMozisi muranda waJehovha, Jehovha akataura naJoshua mwanakomana waNuni, muranda waMozisi achiti,
2 E amane sia: i, “Na hawa: hamosu dunu Mousese da bogoi dagoi. Defea! Di amola Isala: ili dunu huluane, dilia liligi momagele, Yodane Hano degele, soge amo Na da dilima iaha amo ganodini golili sa: ima.
“Mozisi muranda wangu afa. Zvino iwe navanhu ava chigadzirirai kuyambuka rwizi rweJorodhani mupinde munyika yandava kupa vana vaIsraeri.
3 Na da Mousesema sia: i defele, Na da di amola Na fi dunu huluane dilima soge huluane dilia osa: gimu, amo dilima imunu.
Ndakupai nzvimbo yose yose yamuchatsika netsoka dzenyu, sezvandakavimbisa Mozisi.
4 Dilia soge alalo da wadela: i hafoga: i soge ga (south) diala amoga asili Lebanone Goumi ga (north) doaga: mu. Eso mabadi la: idi Iufala: idisi Hano amoga asili dilia Hidaide dunu ilia soge huluane lale, eso dabe la: idi Medidela: inia Hano Wayabo Bagade amoga doaga: mu.
Nyika yenyu ichabva kugwenga ichisvika kuRebhanoni, uye ichabva kurwizi rukuru, Yufuratesi, nenyika yose yavaHiti, ichisvika kuGungwa Guru riri kumavirazuva.
5 Yosiua! Di esalea, eno dunu da di hasalimu hamedei ba: mu. Na da Mousese fidi, amo defele eso huluane di fidimu. Na da di hamedafa fisimu.
Hakuna achagona kurwisana newe kwamazuva ose oupenyu hwako. Sezvandaiva naMozisi, ndichava newe; handizokusiyi kana kukurasa.
6 Di gasa bagade mae beda: iwane esaloma. Na fi dunu da soge, Na da ilia aowalali ilima imunu ilegele sia: i, amo gesowale fisia, di da ilima bisili ahoasu ouligisu dunu esalumu.
“Simba utsunge mwoyo, nokuti uchatungamirira vanhu ava kuti vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndivape senhaka yavo.
7 Be di gasa bagade mae beda: iwane esaloma. Hamoma: ne sia: i huluane Na hawa: hamosu dunu Mousese da dima i, amo nabawane hamoma. Dia hou huluane hahawane ba: ma: ne, amo hamoma: ne sia: i huluane noga: le fa: no bobogema.
Simba ushinge kwazvo. Chenjerera kuti uteerere mirayiro yose yawakapiwa naMozisi muranda wangu; usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire kwose kwose kwaunoenda.
8 Dilia da Nama nodone sia: ne gadosea, eso huluane amo sema buga idima. Eso amola gasi, ea bai hogole ba: ma. Liligi huluane amo ganodini dedei noga: le nabima. Amasea, dilia da bagade gagui amola hou huluane didili hamone, hahawane ba: mu.
Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.
9 Mae gogolema! Na da di gasa bagade amola mae beda: iwane hamoma: ne sia: i. Mae da: i dioma amola mae beda: ma! Bai Na, dilia Hina Gode, Na da dilia ahoabe huluane amo sigi ahoa.
Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda.”
10 Amalalu, Yosiua da Isala: ili fi ouligisu dunu ilima amane sia: i,
Ipapo Joshua akarayira vatungamiri vavanhu achiti,
11 “Abula diasu gilisisu amo ganodini asili, Isala: ili dunuma amane sia: ma, ‘Ha: i manu momagema. Bai eso udiana asili dilia da Yodane Hano degele, soge amo dilia Hina Gode da dilima iaha amo gesowale fimu.’
“Pindai mumusasa mutaurire vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu. Mukati memazuva matatu muchayambuka Jorodhani urwu kuti mupinde mutore nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu.’”
12 Yosiua da fi mogili amo Liubene, Ga: de amola Eso Mabadi la: idi Mana: se fi ilima amane sia: i,
Uye Joshua akati kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase,
13 “Dawa: ma! Hina Gode Ea hawa: hamosu dunu Mousese da dilia Hina Gode da soge Yodane Hano dilia wali lela amo eso mabadi la: idi amo, dili fima: ne dilima imunu sia: i.
“Rangarirai shoko ramakapiwa naMozisi muranda waJehovha achiti: ‘Jehovha Mwari wenyu anokupai zororo uye akupai nyika iyi.’
14 Dilia uda, mano amola ohe fi da guiguda: esaloma. Be dilia dadi gagui dunu ilia gegesu liligi gaguli, dilia eno na: iyado Isala: ili dunu amo fidima: ne, ilima bisili hano degema.
Vakadzi venyu, vana venyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara munyika yamakapiwa naMozisi kudivi rino reJorodhani, asi varume venyu vose vehondo, vakabata zvombo, vanofanira kuyambukira mhiri mberi kwehama dzenyu. Munofanira kubatsira hama dzenyu
15 Ilia da Yodane Hano eso dabe la: idi soge amo dilia Hina Gode da ilima i, amo gesowale fima: ne dilia fidima. Ilia da amo soge lai dagosea, dilia buhagili, soge Yodane Hano eso mabadi la: idi amo Hina Gode Ea hawa: hamosu dunu Mousese da dilima i, amo ganodini fima.”
kusvikira Jehovha avapa zororo, sezvaakakuitirai, uye kusvikira vatorawo nyika yavari kupiwa naJehovha Mwari wavo. Mushure maizvozvo, munogona kudzokera munogara munyika yenyu, yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha iri kumabvazuva kweJorodhani.”
16 Isala: ili dunu da Yosiuama bu adole i, “Defea! Ninia da dia sia: i huluane hamomu. Dia adi sogega nini asunahoasea, ninia da amogai masunu.
Ipapo vakapindura Joshua vachiti, “Chipi nechipi chamuchatirayira tichaita, uye kwose kwose kwamuchatituma tichaenda.
17 Ninia da Mousese ea sia: nabasu, amo defele dia sia: nabimu. Amola dia Hina Gode da Mousese fidi amo defele E da di fidimu da defea.
Tichakuteererai zvizere sokuteerera kwatakaita Mozisi. Chete, Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi sezvaaiva naMozisi.
18 Nowa da dia sia: hame nabasea, amo dunu ninia da medole legemu. Be di gasa bagade amola mae beda: iwane hamoma!”
Ani naani achamukira shoko renyu uye asingateereri mashoko enyu, kana chipi nechipi chamungavarayira, achaurayiwa. Asi simbai mutsunge mwoyo!”

< Yosiua 1 >