< Gadili Asi 16 >

1 Isala: ili fi huluane da Ilimi soge yolesili, logoga asi. Ilia da Idibidi yolesili oubi aduna logoga asi. Eso ba: amo oubi ganodini, ilia da wadela: i hafoga: i soge amo Sini amoga doaga: i. La: di da Ilimi amola la: di da Sainai. Sini soge da mogoa dialu.
Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti.
2 Amogai, wadela: i soge amoga, ilia da Mousese amola Elane elama sia: ga gegene egai.
Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni.
3 Ilia da elama amane sia: i, “Hina Gode da nini huluane Idibidi soge ganodini medole legemu da defea galu. Amogai ninia da fili, hu amola ha: i manu eno, ninia hanai amo defele manusa: dawa: i galu. Be alia da nini amo wadela: i hafoga: i soge amoga ha: ga bogoma: ne oule misi dagoi.”
VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.”
4 Hina Gode da Mousesema amane sia: i, “Na da wali agoane hamomu. Ha: i manu da gibu agoane muagado dilima sanasimu. Dunu da eso huluane ilia amo esoga nasu defele ha: i manu lidimusa: masunu. Amasea, Na da ilia hou ado ba: mu. Ilia da Na sia: nabawane hamoma: bela: ?
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe vagounganidza zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira.
5 Eso gafe amoga, ilia da eso aduna defele ha: i manu diasuga gaguli misa: ma.”
Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pane mamwe mazuva.”
6 Amaiba: le, Mousese amola Elane da Isala: ili dunu huluane ilima amane sia: i, “Wali daeya dilia Hina Gode da dili Idibidi sogega fisili masa: ne asunasili, guiguda: oule misi, amo dilia da noga: le dawa: mu.
Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti,
7 Hahabe dilia da Hina Gode Ea hadigi sinenemigi bagade ba: mu. E da dilia Ema sia: ga egasu nabi dagoi. Dafawane! Amo egasu da Godema sia: ga gegesu. Ania da Ea sia: nabawane hamosu fawane.”
uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko, zvamunotipopotera?”
8 Amalalu, Mousese da amane sia: i, “Hina Gode da daeya hu dilima imunu amola hahabe agi dilia hanai defele amo dilima imunu. Bai E da dilia Ema egasu nabi dagoi. Dilia da anima sia: ga gegesea, dilia da dafawane Hina Gode Ema fawane sia: ga gegesa.”
Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.”
9 Mousese da Elanema amane sia: i, “Isala: ili dunu fi huluane misa: ne amola Gode ba: ma: ne leloma: ne sia: ma. Bai E da ilia egasu nabi dagoi.”
Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’”
10 Elane da Isala: ili dunu fi huluane ilima sia: noba, ilia da delegili wadela: i soge amoga ba: le, hedolowane Hina Gode Ea hadigi sinenemigi baligili bagadedafa mumobi ganodini dialebe ba: i.
Aroni achiri kutaura neungano yose yavaIsraeri vakatarisa kurenje vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore.
11 Hina Gode da Mousesema amane sia: i,
Jehovha akati kuna Mozisi,
12 “Na da Isala: ili dunu ilia egasu nabi dagoi. Ilia da daeya hu manu ba: mu amola hahabe agi ilia sadimusa: defele ba: mu, amo ilima adoma. Amasea, ilia da Na da ilia Hina Gode, amo dawa: mu.”
“Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’”
13 Daeya, sio fi ilia dio ‘gowa: ili’ amo wa: i bagadewane da misini amola ilia abula moilai dedeboi dagoi. Amola hahabe oubi baiya agoane ilia esalebe sogega sa: i dagoi ba: i.
Madekwana iwayo zvihuta zvakauya zvikafukidza musasa, uye mangwanani pakanga pane dova rakapoteredza musasa.
14 Oubi baiya da esoga hafoga: loba, liligi amo da sua: agi fonobahadi amo osoboga dialebe ba: i. Amo liligi da asaboi mugene o gagoma fage agoane ba: i.
Dova rakati rapera, mahwendefa matete akanga akaita samazaya echando akaonekwa pasi murenje.
15 Isala: ili dunu da amo ba: loba, amo ea hou hame dawa: beba: le, amane gilisili sia: dasu, “Goe adila: ?” (‘ma: na’ dawa: loma: ne da “Goe adila: ?”) Mousese da ilima bu adole i, “Amo da ha: i manu Hina Gode da dilima i dagoi.
VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.
16 Hina Gode da agoane sia: sa. Dili da dili manu defele amo liligi lidima. Dunu amola uda amola mano afae afae ofodo fonobahadi (‘lida’ aduna defei agoane) amo defele lama: mu.”
Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha achiti, ‘Mumwe nomumwe anofanira kuunganidza zvinomukwanira. Utorere munhu mumwe nomumwe waunaye mutende rako omeri rimwe chete.’”
17 Isala: ili dunu da Mousese ea sia: defele hamoi. Oda da bagade lidi, oda da fonobahadi lidi.
VaIsraeri vakaita sezvavakaudzwa; vamwe vakaunganidza zvakawanda, vamwe zvishoma.
18 Be lidi liligi ea defei ba: loba, dunu da bagade lidi da baligili lai dagoi hame ba: i amola nowa da fonobahadi lidi amo ea lai da defele ba: i dagoi. Dunu huluane da e sadima: ne lai dagoi ba: i.
Uye pavakayera neomeri, uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira.
19 Mousese da ilima amane sia: i, “Amo ha: i manu aya manusa: mae ligisima.”
Ipapo Mozisi akati kwavari, “Hakuna munhu anofanira kusara nezvimwe kusvikira mangwanani.”
20 Be oda da Mousese ea sia: mae nabawane, ha: i manu mogili aya manusa: ligisi. Be aya hahabe amo da dasaiba: le gaha bagade nabi amola ifidi amoga nabai ba: i. Amo ba: beba: le, Mousese da ilima ougi galu.
Kunyange zvakadaro, vamwe vavo havana kuteerera kuna Mozisi, vakachengeta zvimwe zvacho kusvikira mangwanani, asi zvakanga zvazara nehonye uye zvatanga kunhuhwa. Saka Mozisi akavatsamwira.
21 Hahabe huluane, dunu huluane da e sadima: ne, ‘ma: na’ lidi dagoi. Amola eso da gia: noba, hame lidi liligi osoboga dialu da daeane ebelei ba: i.
Mangwanani oga oga munhu mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira, uye zuva parakanga ropisa, zvakanyungudika.
22 Eso gafe amoga ilia da eso aduna moma: ne defele dunu afae afae da ofodo fonobahadi aduna lidi (‘lida’ biyadu agoane). Isala: ili asigilai ouligisu ilia da Mousesema amo hou adola misi.
Pazuva rechitanhatu, vakaunganidza zviyero zviviri, maomeri maviri pamunhu mumwe nomumwe, uye vatungamiri veungano vakauya vakazivisa izvi kuna Mozisi.
23 Amola e da ilima amane sia: i, “Hina Gode da amane sia: sa, ‘Aya eso fesu eso da Ema dawa: ma: ne helefisu eso ganumu.’ Wali eso dilia hanaiga ha: i manu gobema amola gia: ma. Ha: i manu hame mai diala amo aya manusa: ligisima.”
Iye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: ‘Mangwana izuva rokuzorora, Sabata dzvene kuna Jehovha. Saka bikai zvamunofanira kubika uye muvidze zvamunofanira kuvidza. Chengetai zvose zvinenge zvasara, mugozvichengeta kusvikira mangwanani.’”
24 Ilia da Mousese ea sia: defele hamoi. Ha: i manu hame mai dialu ilia da aya manusa: ligisi. Amo da hame dasai amola ifidi da amoga hame sa: i.
Saka vakazvichengeta kusvikira mangwanani, sezvavakarayirwa naMozisi, uye hazvina kunhuhwa kana kuva namakonye mazviri.
25 Mousese da amane sia: i, “Amo ha: i manu wali wega moma. Bai wali da Sa: bade eso, amo helefisu eso Hina Godema dawa: ma: ne hamoi. Dilia diasu gadili ha: i manu hame ba: mu.
Mozisi akati, “Muzvidye iye nhasi, nokuti nhasi iSabata kuna Jehovha. Hamuzombowani chimwe chazvo pasi iye nhasi.
26 Dilia da eso gafeyale gala amoga ha: i manu lidima. Be eso fesu amoga, amo da helefisu eso, amola dilia da ha: i manu hame ba: mu.”
Muzviunganidze kwamazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe, iSabata, hakuzombovi nechinhu.”
27 Be eso fesu amoga, dunu mogili da gadili ha: i manu hogola asi. Be amo ilia hame ba: i.
Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vanhu vakabuda kundounganidza nezuva rechinomwe, asi havana chavakawana.
28 Amalalu, Hina Gode da Mousesema amane sia: i, “Isala: ili fi da habogala gasa fi hou fisili Na sia: noga: le nabima: bela: ?
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muchasvika riniko muchiramba kuchengeta mirayiro yangu nezvandakakurayirai?
29 Mae gogolema! Na, Hina Gode, da dilima helefisu eso i dagoi. Amaiba: le, Na da eso gafeyale amoga mae fisili dilima ha: i manu eso adunaga moma: ne defele dilima imunu. Dunu huluanedafa da eso fesu amoga hi diasu mae fisili, helefima: ne esaloma: mu.
Rangarirai kuti Jehovha akakupai Sabata; ndokusaka pazuva rechitanhatu achikupai chingwa chamazuva maviri. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuramba agere paari ipapo pazuva rechinomwe; hakuna anobuda kunze.”
30 Amaiba: le, Isala: ili dunu da eso fesu amoga hawa: hame hamosu.
Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe.
31 Isala: ili dunu da amo ha: i manu ‘ma: na’ dio asuli. E da fage ahea: ya: i fonobahadi agoane ba: i. Ea gamini nasu da agi gobei amola agime hano gilisi agoane ba: i.
Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa chine uchi.
32 Mousese da amane sia: i, “Hina Gode da ninima amane sia: i, ‘Ma: na’ mogili diligaga fi ba: ma: ne la: didili ligisima. Ilia ha: i manu amo Hina Gode da dilia Idibidi sogega gadili oule asili, wadela: i soge amoga dilia moma: ne i, amo ilia ba: mu da defea.”
Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Mutore omeri yemana mugoichengetera zvizvarwa zvinotevera, kuti vagoona chingwa chandakakupai kuti mudye muri murenje pandakakubudisai kubva munyika yeIjipiti.’”
33 Amalalu, Mousese da Elanema amane sia: i, “Di ofodo agoai osoboga hamoi ‘lida’ aduna defei agoane amo lale, ‘ma: na’ amo ganodini salima. Amalalu, Hina Gode ba: ma: ne noga: le ligisima. Amasea, fa: no ninigaga fi da amo liligi ba: mu.”
Saka Mozisi akati kuna Aroni, “Tora mudziyo ugoisa omeri yemana imomo. Ipapo ugozviisa pamberi paJehovha kuti zvichengeterwe zvizvarwa zvinotevera.”
34 Hina Gode da Mousesema sia: i amo defele, Elane da amo lale, dialoma: ne Gode Ea Gousa: su Sema Gagili ea ba: le gaidiga ligisi.
Sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi, Aroni akaisa mana pamberi peChipupuriro, kuti ichengetwepo.
35 Isala: ili dunu da ode 40 eno amoga ‘ma: na’ nasu. Amogainini ilia Ga: ina: ne sogega doaga: le esalu.
VaIsraeri vakadya mana kwamakore makumi mana, kusvikira vasvika kunyika yaiva navanhu; vakadya mana kusvikira vasvika pamuganhu weKenani.
36 (Amo esoga, hafoga: i sema defei ilegei da 20 ‘lida’ agoane ba: i.)
(Omeri ndiro chegumi cheefa.)

< Gadili Asi 16 >