< Asunasi Dunu Ilia Hou 28 >
1 Ninia bega: hahawane doaga: i. Amalalu, ninia da amo oga ea dio da Moloda nabi.
Takati tasvika zvakanaka kumahombekombe, takazoziva kuti chitsuwa ichi chainzi Marita.
2 Amo soge fi dunudafa da ninima asigi hamoi. Gibu da muni dabeba: le, ninia anegagi nabi. Be ilia lalu didilalu, nini huluane bagadewane fidisu.
Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora.
3 Bolo da lalu ifa gilisili, laluga ligisilaloba, medosu sania da gia: i nababeba: le, amo lalu ifaga gadili misini, Bolo ea lobo gasonaloba besega gagui.
Pauro akaunganidza svinga retutsotso. Paakanga ava kutuisa mumoto, nyoka, yanzwa kupisa kwomoto, yakanamatira paruoko rwake.
4 Dunudafa ilia da sania amo Bolo ea loboga gagulalebe ba: beba: le, gilisili amane sia: dasu, “Amabela: ? Amo dunu da fasu dunu. Be e da fo amola hano gafului, amoga hame bogoi. Be wali Osobo Bagade Ouligisu Hou da e medole legemusa: dawa: lala!”
Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pakati pavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.”
5 Be Bolo da ea lobo fofoga: beba: le, sania da laluma sa: i. Amola Bolo da hame oloi.
Asi Pauro akazunzira nyoka mumoto uye haana kurwara.
6 Ilia da e da hedolowane fofale, dafane, bogomu, amo ba: musa: ouesalu. Be sedagawane ouesalu, hou hisu da hame doaga: beba: le, ilia asigi dawa: su afadenene, amane sia: i, “E da ‘gode’ agoane!”
Vanhu vakanga vakatarisira kuti achazvimba kana kuwira pasi pakarepo ofa, asi vakati varindira kwenguva refu uye vakasaona chakaitika kwaari, vakashanduka vakati aiva mwari.
7 Amo sogebi gadenene, oga ouligisu dunu, ea dio amo Babaliase, e da ifabi gagui galu. E da nini hahawane yosia: le, ninima eso udiana agoane aowai.
Pakanga pano munda waiva pedyo ipapo wakanga uri waPabhuriosi, muchinda mukuru wechitsuwa icho. Akatigamuchira kumba kwake akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu.
8 Babaliase eda da asugi amola hagomo se oloiba: le, diaheda: su da: iya esalu. Bolo da ea diasu ganodini golili sa: ili, Godema sia: ne gadole, ea lobo ema ligisili, e uhinisi dagoi.
Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa.
9 Amo sia: nababeba: le, oloi dunu huluane amo oga ganodini esalu da Boloma misini, uhi dagoi ba: i.
Izvi zvakati zvaitika, vairwara vose vomuchitsuwa vakauya vakaporeswa.
10 Ilia da ninima liligi bagohame i. Ninia amo soge fisimusa: dawa: beba: le, ninia dusagai ganodini ilia ha: i manu amola liligi huluane, ninia ahoabe ouligima: ne defele ligisi.
Vakatikudza nenzira zhinji uye patakanga tagadzirira kukwira chikepe, vakatipa zvinhu zvataida.
11 Oubi udiana aligili, ninia da dusagai (amo da A: legesa: nadalia moilaiga misini, anegagi oubi ganodini Moloda oga amoga ouesalu. Dusagai ea dio amo da “‘gode’ Aduna Eso Afadafa Lalelegei.”) amo ganodini fila heda: le, yolesili asi.
Mwedzi mitatu yakati yapfuura, takaenda kugungwa tikakwira muchikepe chakanga chapedza mwaka wechando chiri pachitsuwa apa. Chakanga chiri chikepe chokuArekizandiria chakanga chine misoro miviri yavamwari mapatya, ivo Kasitori naPorukisi.
12 Asili, ninia da Silagiusi moilai bai bagadega doaga: le, eso udiana ouesalu.
Takaenda paSirakuse tikandogarapo kwamazuva matatu.
13 Yolesili asili, ninia Lidiame moilai bai bagadega doaga: i. Golale hahabe, fo da ga (south) mabe ba: beba: le, eso adunaga asili, Biudioli moilaiga doaga: i.
Takabvapo tikakwira chikepe tikandosvika kuRegiamu. Zuva rakatevera, mhepo yaibva zasi yakatanga kuvhuvhuta, uye pazuva rechipiri takazosvika paPuteori.
14 Amo moilaiga, ninia da eno Yesu Ea hou lalegagui dunu ba: i. Ilia da ninima sia: beba: le, nini da ili amola hi afadafa sigi esalu. Yolesili asili, ninia Louma moilai bai bagadega doaga: i.
Ipapo takawana hama uye dzakatikoka kuti tipedze vhiki imwe tinavo. Tichibva ipapo takaenda kuRoma.
15 Louma moilai bai bagadega, Yesu Ea hou lalegagui dunu da ninia doaga: be nababeba: le, Louma yolesili, mogili da A: biase Bidi Lama: ne diasu amola Ga Misi Dunu Diasu Udiana moilaiga nini yosia: la misi. Bolo da amo dunu ba: beba: le, Godema nodoi. Ea dogo da bagadewane denesi dagoi.
Hama dzaikoko dzakanga dzanzwa kuti takanga tichiuya, naizvozvo vakafamba kusvikira kuMusika weApio napaMahotera Matatu kuti vazosangana nesu. Pauro, paakaona varume ava, akavonga Mwari uye akakurudzirwa.
16 Ninia Louma moilaiga doaga: loba, Louma gamane dunu da sia: beba: le, Bolo da hisu diasu ganodini esalu. Dadi gagui dunu afadafa fawane da e sosodo aligisu.
Takati tasvika kuRoma, Pauro akatenderwa kuti agare oga, ane murwi aimuchengeta.
17 Eso udiana aligili, Bolo da Yu ouligisu dunu amo soge ganodini esalu, amo fofada: musa: misa: ne sia: i. Ilia da gilisibiba: le, e da ilima amane sia: i, “Na fi Isala: ili dunu! Na da ninia sema amo ninia aowalali olelei liligi, amo na da hamedafa wadela: lesi. Be Yelusaleme Yu fi dunu ilia hanaiba: le, Louma gamane dunu da na se dabe iasu diasu ganodini sali.
Mazuva matatu akati apfuura, akakoka vatungamiri vavaJudha. Vakati vaungana, Pauro akati kwavari, “Hama dzangu, kunyange ndisina kuita chinhu chakaipa kuvanhu vokwedu kana pamusoro petsika dzamadzitateguru edu, ndakasungwa muJerusarema ndikaiswa mumaoko avaRoma.
18 Louma gamane dunu ilia da nama fofada: nanu, na hou ganodini se imunusa: fofada: mu liligi hame ba: beba: le, na se dabe iasu diasu logo doasimusa: dawa: i galu.
Vakandibvunzisisa uye vakada kundisunungura, nokuti ndakanga ndisina mhosva ipi zvayo yaikodzera rufu.
19 Be Yu dunu da na se dabe iasu diasu logo doasimu higa: iba: le, ougiwane bu fofada: i. Amaiba: le, na da Louma gamane ouligisudafa fofada: mu, amo logo fawane ba: i. Be na da na fi dunu ilima diwaneya udidimu hamedei galebe.
Asi vaJudha vakati varamba ndakazvipira kuti ndizviise kuna Kesari, kwete kuti ndakanga ndine mhosva ipi zvayo nehama dzangu.
20 Amaiba: le, na da dili ba: mu amola dilima sia: sa: imusa: , dawa: i galu. Na da Dunu amo E hobea misunu Isala: ili dunu ilia da dafawane hamoma: beyale dawa: lusu, amo Ea hou dafawaneyale dawa: beba: le, na da amo sia: inega la: gi dagoi!”
Nokudaro ndakumbira hangu kuti ndikuonei uye nditaure nemi. Nokuda kwetariro yaIsraeri ndakasungwa nengetani iyi.”
21 Yu ouligisu dunu ilia da Boloma bu adole i, “Yudia soge fi dunu ilia da dia hou olelema: ne, ninima meloa hamedafa dedei. Amola ninia fi dunu da amo sogega misini, di da wadela: le hamoi, amo da hame sia: i.
Ivo vakati, “Hatina kumbogamuchira kana tsamba zvadzo dzichibva kuJudhea maererano newe, uye hakuna mumwe wehama dzakabvako akatizivisa kana kutaura chinhu chipi zvacho chakaipa pamusoro pako.
22 Be dunu huluane da dia gilisisu (Yesu Ea fa: no bobogesu fi) ilima halalewane sia: beba: le, ninia dia hou nabimu hanai gala!”
Asi tinoda kunzwa kuti pfungwa dzako ndedzei, nokuti tinoziva kuti kwose kwose vanhu vanotaura zvakaipa pamusoro peboka iri.”
23 Amaiba: le ilia amola Bolo da fofada: mu eso ilegele, amo esoga dunu bagohame da Bolo ea esalebe diasuga misi. Hahabe muni olelesa asili, amoganini gasi, e da Gode Ea Hinadafa Hou ilima olelei. Ilia da Yesu Ea hou dafawaneyale dawa: ma: ne, e da Mousese ea Sema amola balofede dunu ilia dedei, amo ilima olelei.
Vakaronga kuzosanganazve naPauro pane rimwe zuva, uye vakauya kwaakanga ari vari vazhinji kwazvo. Kubvira mangwanani kusvikira madekwana akavatsanangurira uye akavapupurira zvoumambo hwaMwari, uye achiedza kwazvo kuti vatende nezvaJesu kutanga paMurayiro waMozisi kusvikira kuvaprofita.
24 Mogili da ea sia: nababeba: le, dafawaneyale dawa: i galu. Be eno da higabeba: le, dafawaneyale hame dawa: i.
Vamwe vakatendeswa nezvaaireva, asi vamwe havana kutenda.
25 Amaiba: le, ilia fisili asili, mogisu sia: gilisili sia: dasu. Be Bolo da hidadea sia: afadafa fawane sia: i galu, amane, “Dafawane! Gode Ea A: silibu Hadigidafa Gala da ninia aowalalima Aisaia ea lafidili dafawane sia: i.
Havana kutenderana pakati pavo ndokubva vatanga kuenda, shure kwokunge Pauro ataura mashoko okupedzisira okuti: “Mweya Mutsvene akataura chokwadi kumadzitateguru enyu paakataura nomuromo waIsaya muprofita achiti:
26 E amane sia: i, ‘Masa! Amo dunuma agoane sia: ma. Dilia da gega nabalumu be hamedafa dawa: mu. Dilia da siga hogoi helelalumu be hame ba: mu.
“‘Enda kuvanhu ava uti, “Mucharamba muchinzwa asi musingatongonzwisisi; mucharamba muchiona asi musingaonesesi.”
27 Bai amo dunu ilia asigi dawa: su da igi agoai gala. Ilia ge ilisu ga: i dagoi. Ilia si ilisu da dofoi dagoi. Agoane hame hamoi ganiaba, ilia si da ba: la: loba, ilia ge da nabana: noba, ilia asigi dawa: su da dawa: la: loba, amola ilia da Nama sinidigili, Na da ili uhinisila: loba, Gode da sia: sa.’
Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu; havanzwisisi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvimwe vangaona nameso avo, vanganzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vagotendeuka, ndigovaporesa.’
28 Bolo da sia: dagomusa: amane sia: i, “Dilia noga: le dawa: ma! Gode da Ea Sia: Ida: iwane gala amo osobo bagade dunuma gaga: su sia: , Dienadaile dunuma iasi dagoi. Dienadaile dunu da nabimu!”
“Naizvozvo ndinoda kuti muzive kuti ruponeso rwaMwari rwatumirwa kune veDzimwe Ndudzi, uye vachanzwa!”
29 Bolo da amo sia: sia: beba: le, Yu dunu da gilisili sia: ga gegenanu, yolesili asi.
Shure kwokunge ataura izvi, vaJudha vakabva, vachikakavadzana zvikuru pakati pavo.
30 Amalalu, ode aduna amoga Bolo da amo diasu ganodini esalu. Amogawi esaloma: ne, e da bidi i. Amola dunu huluane amo da ema gousa: musa: mabeba: le, e da hahawane yosia: su.
Pauro akagara ikoko kwamakore maviri ose ari muimba yake yaairipira uye aigamuchira vose vaiuya kuzomuona.
31 E da mae beda: iwane, Gode Ea Hinadafa Hou amola Hina Gode Yesu Gelesu Ea hou gasawane amola halegalewane olelelalu. Sia: Ama Dagoi
Akaparidza zvoumambo hwaMwari asingatyi, asingadziviswi uye akadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu.