< 2 Sa:miuele 6 >

1 Da: ibidi da bu Isala: ili dadi gagui dunu noga: i amo gilisimusa: bu wele sia: i. Ilia idi da dunu 30,000 agoane.
Dhavhidhi akaunganidza zvakare varume veIsraeri vakanga vasarudzwa, vaisvika makumi matatu ezviuru.
2 E da ili bisili, Ba: ila agolo, Yuda soge ganodini, amoga oule asi. Ilia da Gode Ea Gousa: su Sema Gagili (amoga da Hina Gode Bagadedafa Ea Dio gala. Ea Fisu da `selabimi’ amoga gadodili ba: sa, ) amo bu gaguli misa: ne asi.
Akasimuka akaenda navanhu vose vaakanga anavo kuBhaara reJudha, kundotora areka yaMwari kubva ikoko, iyo inodanwa neZita, iro zita raJehovha Wamasimba Ose, agere pakati pamakerubhi ari pamusoro peareka.
3 Ilia da Gode Ea Gousa: su Sema Gagili amo Abinada: be ea diasu agolo da: iya galu amoga lale, gaguli fula ahoasu gaheabolo bulamagauga hiougima: ne, amo da: iya ligisi. Asa amola Ahaiou (Abinada: be egefela) da amo gaguli fula ahoasu ea ahoabe amo adonana ahoanu.
Vakaisa areka yaMwari mungoro itsva uye vakauya nayo kubva kumba kwaAbhinadhabhu, pachikomo. Uza naAhio, vanakomana vaAbhinadhabhu, ndivo vakanga vachifambisa ngoro itsva iyi
4 Ahaiou da bisili ahoanu.
areka yaMwari iri pamusoro payo, uye Ahio akanga achifamba mberi kwayo.
5 Da: ibidi amola Isala: ili dunu huluane da Hina Gode Ea nodoma: ne, gogosa: amola gesami hea: sa ahoanebe ba: i. Ilia da sani baidama, ilibu, gesolo dabi, amola gisanidulu amo dudududaha ahoasu.
Dhavhidhi neimba yose yeIsraeri vakapemberera Jehovha nesimba ravo rose, vachiimba nokuridza zviridzwa zvamarudzi ose zvomusipuresi, rudimbwa, mbira, matambureni, ngoma dzamatare namakandira.
6 Ilia da Na: igone widi dadabisu sogebi doaga: loba, bulamagau da didigaboi. Asa da ea lobo ligiagale, Gousa: su Sema Gagili mae sa: ima: ne banene gagui.
Vakati vasvika paburiro raNakoni, Uza akatambanudza ruoko rwake ndokubata areka yaMwari, nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa.
7 Amogaluwane hedolo, Hina Gode da Asama ougi. E da Asa fane legei. Bai e da Gode Ea Gousa: su Sema Gagili amoma nodoiba: le, e da hame beda: i. Asa da amogawi Gousa: su Sema Gagili dafulili bogoi dagoi.
Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro paUza nokuda kwokutadza kwake; naizvozvo Mwari akamuuraya ipapo parutivi peareka yaMwari.
8 Amaiba: le, amogainini amo sogebi ea dio da `Bilese Asa’ dialu. (Amo ea dawa: loma: ne da “Asa ea se Iasu”). Hina Gode da ougili Asa medole legeiba: le, Da: ibidi amola da ougi bagade ba: i.
Ipapo Dhavhidhi akatsamwa nokuti Jehovha akanga atsamwira Uza, nokudaro kusvika zvino nzvimbo iyi inodaidzwa kuti Perezi Uza.
9 Amalalu, Da: ibidi da Hina Godeba: le beda: i galu. E da amane sia: i, “Na da habodane Gousa: su Sema Gagili amo bu gaguli masa: bela: ?”
Dhavhidhi akatya Jehovha pazuva iri uye akati, “Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?”
10 Amaiba: le, e da amo Yelusaleme moilai bai bagadega hame gaguli masunu dawa: i. E da logo yolesili, dunu ea dio amo Oubede Idome (Ga: de moilai bai bagade dunu) amo ea diasuga Gousa: su Sema Gagili gaguli asi.
Haana kuda kutora areka yaJehovha kuti aende nayo kuGuta raDhavhidhi. Asi akaitsautsira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
11 Gousa: su Sema Gagili amo da amogawi oubi udiana dialu. Amola Hina Gode da Oubede Idome amola ea sosogo fi ilima hahawane dogolegele hamoi.
Areka yaJehovha yakagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti kwemwedzi mitatu, Jehovha akamuropafadza, iye neimba yake yose.
12 Hina Da: ibidi da Oubede Idome amola ea sosogo fi da Gousa: su Sema Gagili ouligibiba: le, Hina Gode Ea ilima amola ilia gagui amoma hahawane dogolegele hamosu, amo nabi. Amaiba: le, e da gilisisu bagade hamone, Gousa: su Sema Gagili amo Oubede Idome ea diasuga lale, bu Yelusaleme moilai bai bagadega gaguli asi.
Zvino Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaanazvo, nokuda kweareka yaMwari.” Saka Dhavhidhi akaburuka akandotora areka yaMwari kubva muimba yaObhedhi-Edhomu akakwidza nayo kuGuta raDhavhidhi achipembera nomufaro.
13 Da: ibidi da dunu amo da Gousa: su Sema Gagili gaguli ahoasu, ilia da emo gafeyale osa: le gale aligima: ne sia: i. Amalalu, e da bulamagau gawali amola sefena bulamagau mano Godema gobele sali.
Zvino avo vakanga vakatakura areka yaJehovha vaiti vakafamba nhambwe nhanhatu, vobayira nzombe nemhuru yakakodzwa.
14 Da: ibidi da ahea: iai abula buluale gale banene idiniginisi. E da Hina Godema nodone, ea gasa defele bagadewane giginisa lai.
Dhavhidhi, akapfeka efodhi yomucheka, akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose,
15 Amola e amola Isala: ili dunu huluane ilia da nodone wele sisa: ne amola `dalabede’ fulabolalu, ilia da Gousa: su Sema Gagili Yelusaleme moilai bai bagadega gaguli asi.
iye neimba yaIsraeri yose vakakwidza neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.
16 Ilia da Gousa: su Sema Gagili amo Yelusaleme ganodini gaguli ahoanoba, Solo idiwi Maiga: le da fo misa: ne agenesi amoga gadili ba: lu, hina bagade Da: ibidi giginisa lalebe amola soagala: ga gadolalebe ba: beba: le, e higale ba: i.
Areka yaJehovha payakanga yopinda muGuta raDhavhidhi, Mikari mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye paakaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumwoyo make.
17 Ilia da Gousa: su Sema Gagili amo gaguli misini, abula diasu amo Da: ibidi ea hamoi, amo ganodini ligisi. Amalalu, Da: ibidi da Hina Godema gobele salasu amola Hahawane Gilisili olofole Iasu amo hamoi.
Vakasvika neareka yaJehovha vakaigadzika panzvimbo yayo mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, uye Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.
18 E da gobele salasu hamoi dagoloba, e da Hina Gode Bagadedafa Ea Dioba: le, ea fi dunuma hahawane dogolegele sia: i.
Zvino akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha Wamasimba Ose.
19 Amola e da ili huluane ilima ha: i manu sagoi. E da Isala: ili dunu amola uda huluane afae afae ilima agi ga: gi afae amola hu damui gobele gala: i afae amola fofogai waini fage mogili ilima sagoi. Amalalu, dunu huluane da ilia diasuga buhagi.
Ipapo akazotorazve chingwa, keke ramadheti nekeke ramazambiringa akaomeswa akazvipa kuno mumwe nomumwe weungano yose yavaIsraeri, varume navakadzi. Uye vanhu vose vakaenda kudzimba dzavo.
20 Amogalu fa: no, Da: ibidi da hi diasu ea sosogo fi gousa: musa: ahoanoba, Maiga: le da gadili e ba: la misi. E amane sia: i, “Isala: ili hina bagade da wali eso ea dio gaguia gadoma: ne hidale bagade hamoi! E da gagaoui dunu agoane, ea ouligisu dunu ilia hawa: hamosu a: fini ba: ma: ne, ea abula gisa: le fasi!”
Dhavhidhi paakadzokera kumba kuti andoropafadza veimba yake, Mikari mwanasikana waSauro akabuda kundosangana naye akati, “Mambo weIsraeri azvisimudzira sei nhasi, zvaabvisa nguo dzoushe pamberi pavarandakadzi vavaranda vake sezvinoitwa nebenzi ripi zvaro.”
21 Da: ibidi da bu adole i, “Na da Hina Godema nodone gigini. Bai E da dia ada, ea sosogo amo fisili, na Ea fi Isala: ili ouligima: ne ilegei dagoi. Amola na da mae yolesili, Hina Godema nodoma: ne bu gigininimu.
Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndazviita pamberi paJehovha, iye akandisarudza pachinzvimbo chababa vako kana mumwe munhu upi zvake muimba yake uye akandiita kuti ndive mutongi wavanhu vaJehovha, vaIsraeri; naizvozvo ndichapembera pamberi paJehovha.
22 Amola bu gogosiasu ba: mu. Di da na da hamedei dunu dawa: mu. Be amo ouligisu dunu ilia hawa: hamosu a: fini da na nodone ba: mu.”
Ndichazvideredza kupfuura izvi, uye ndichazvininipisa pachangu. Asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.”
23 Solo idiwi Maiga: le da gebewane aligime esalu.
Uye Mikari mwanasikana waSauro haana kubereka vana kusvikira pazuva rokufa kwake.

< 2 Sa:miuele 6 >