< ܪ̈ܗܘܡܝܐ 5 >
ܡܛܠ ܕܐܙܕܕܩܢ ܗܟܝܠ ܒܗܝܡܢܘܬܐ ܢܗܘܐ ܠܢ ܫܠܡܐ ܠܘܬ ܐܠܗܐ ܒܡܪܢ ܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ | 1 |
Naizvozvo, zvatinoruramisirwa nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,
ܕܒܗ ܐܬܩܪܒܢ ܒܗܝܡܢܘܬܐ ܠܛܝܒܘܬܐ ܗܕܐ ܕܒܗ ܩܝܡܝܢܢ ܘܡܫܬܒܗܪܝܢܢ ܒܤܒܪܐ ܕܬܫܒܘܚܬܗ ܕܐܠܗܐ | 2 |
watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi dzatakamira madziri zvino. Uye tinofara mutariro yokubwinya kwaMwari.
ܘܠܐ ܗܟܢܐ ܒܠܚܘܕ ܐܠܐ ܐܦ ܒܐܘܠܨܢܝܢ ܡܫܬܒܗܪܝܢܢ ܕܝܕܥܝܢܢ ܕܐܘܠܨܢܐ ܡܤܝܒܪܢܘܬܐ ܓܡܪ ܒܢ | 3 |
Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira,
ܘܡܤܝܒܪܢܘܬܐ ܒܘܩܝܐ ܘܒܘܩܝܐ ܤܒܪܐ | 4 |
kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro.
ܤܒܪܐ ܕܝܢ ܠܐ ܡܒܗܬ ܡܛܠ ܕܚܘܒܗ ܕܐܠܗܐ ܡܫܦܥ ܥܠ ܠܒܘܬܢ ܒܪܘܚܐ ܕܩܘܕܫܐ ܕܐܬܝܗܒܬ ܠܢ | 5 |
Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa.
ܐܢ ܕܝܢ ܡܫܝܚܐ ܡܛܠ ܟܪܝܗܘܬܢ ܒܙܒܢܐ ܗܢܐ ܚܠܦ ܪܫܝܥܐ ܡܝܬ | 6 |
Munoona, panguva chaiyo yakafanira, patakanga tisina simba, Kristu akafira vasingadi Mwari.
ܠܡܚܤܢ ܓܝܪ ܐܢܫ ܚܠܦ ܪܫܝܥܐ ܡܐܬ ܚܠܦ ܛܒܐ ܓܝܪ ܛܟ ܡܡܪܚ ܐܢܫ ܠܡܡܬ | 7 |
Hazviwanzoitika kuti munhu afire akarurama, kunyange zvazvo munhu angaedza kufira munhu akanaka.
ܗܪܟܐ ܡܚܘܐ ܐܠܗܐ ܚܘܒܗ ܕܠܘܬܢ ܕܐܢ ܟܕ ܚܛܝܐ ܐܝܬܝܢ ܗܘܝܢ ܡܫܝܚܐ ܚܠܦܝܢ ܡܝܬ | 8 |
Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.
ܟܡܐ ܗܟܝܠ ܝܬܝܪܐܝܬ ܢܙܕܕܩ ܗܫܐ ܒܕܡܗ ܘܒܗ ܢܬܦܨܐ ܡܢ ܪܘܓܙܐ | 9 |
Zvino sezvo takaruramisirwa neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari!
ܐܢ ܓܝܪ ܟܕ ܐܝܬܝܢ ܒܥܠܕܒܒܐ ܐܬܪܥܝ ܥܡܢ ܐܠܗܐ ܒܡܘܬܐ ܕܒܪܗ ܟܡܐ ܗܟܝܠ ܝܬܝܪܐܝܬ ܒܬܪܥܘܬܗ ܢܚܐ ܒܚܝܘܗܝ | 10 |
Nokuti kana, patakanga tiri vavengi vaMwari, takayananiswa naye kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza noupenyu hwake, kana tayananiswa!
ܘܠܐ ܗܟܢܐ ܒܠܚܘܕ ܐܠܐ ܐܦ ܢܫܬܒܗܪ ܒܐܠܗܐ ܒܝܕ ܡܪܢ ܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ ܕܒܗ ܗܘ ܗܫܐ ܩܒܠܢ ܬܪܥܘܬܐ | 11 |
Nokuti hazvisizvo bedzi, asi kuti tinofarawo muna Mwari nokuna Ishe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye kuyananiswa.
ܐܝܟܢܐ ܓܝܪ ܕܒܝܕ ܚܕ ܒܪܢܫܐ ܥܠܬ ܚܛܝܬܐ ܠܥܠܡܐ ܘܒܝܕ ܚܛܝܬܐ ܡܘܬܐ ܘܗܟܢܐ ܒܟܠܗܘܢ ܒܢܝ ܐܢܫܐ ܥܒܪ ܡܘܬܐ ܒܗܝ ܕܟܠܗܘܢ ܚܛܘ | 12 |
Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nechivi, uye nenzira iyi rufu rwakauya kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza,
ܥܕܡܐ ܓܝܪ ܠܢܡܘܤܐ ܚܛܝܬܐ ܟܕ ܐܝܬܝܗ ܗܘܬ ܒܥܠܡܐ ܠܐ ܚܫܝܒܐ ܗܘܬ ܚܛܝܬܐ ܡܛܠ ܕܠܝܬ ܗܘܐ ܢܡܘܤܐ | 13 |
nokuti murayiro usati wapiwa, chivi chakanga chava munyika. Asi chivi hachiverengwi kana pasina murayiro.
ܐܠܐ ܐܡܠܟ ܡܘܬܐ ܡܢ ܐܕܡ ܘܥܕܡܐ ܠܡܘܫܐ ܐܦ ܥܠ ܐܝܠܝܢ ܕܠܐ ܚܛܘ ܒܕܡܘܬܐ ܕܥܒܪ ܢܡܘܤܗ ܕܐܕܡ ܗܘ ܕܐܝܬܘܗܝ ܕܡܘܬܐ ܕܗܘ ܕܥܬܝܕ | 14 |
Asi rufu rwakabata ushe kubva panguva yaAdhamu kusvikira panguva yaMozisi, kunyange pamusoro paavo vasina kutadza nokudarika murayiro, sezvakaitwa naAdhamu, akanga ari mufananidzo wouyo akanga achazouya.
ܐܠܐ ܠܐ ܗܘܐ ܐܝܟ ܫܘܪܥܬܐ ܗܟܢܐ ܡܘܗܒܬܐ ܐܢ ܓܝܪ ܡܛܠ ܫܘܪܥܬܗ ܕܚܕ ܤܓܝܐܐ ܡܝܬܘ ܟܡܐ ܗܟܝܠ ܝܬܝܪܐܝܬ ܛܝܒܘܬܗ ܕܐܠܗܐ ܘܡܘܗܒܬܗ ܡܛܠ ܚܕ ܒܪܢܫܐ ܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ ܒܤܓܝܐܐ ܬܬܝܬܪ | 15 |
Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomunhu mumwe, zvikuru sei nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, dzakadururirwa kuvazhinji!
ܘܠܐ ܐܝܟ ܤܟܠܘܬܐ ܕܚܕ ܗܟܢܐ ܡܘܗܒܬܐ ܕܝܢܐ ܓܝܪ ܕܗܘܐ ܡܢ ܚܕ ܠܚܘܝܒܐ ܗܘܐ ܡܘܗܒܬܐ ܕܝܢ ܡܢ ܚܛܗܐ ܤܓܝܐܐ ܗܘܬ ܠܟܐܢܘ | 16 |
Uye chipo chaMwari hachina kufanana nomubayiro wechivi chomunhu mumwe akatadza: Nokuti kutongwa kwakauya nechivi chomunhu mumwe kuti vave nemhosva, asi chipo chokungopiwa chakatevera kudarika kuzhinji uye chikauyisa kururamisirwa.
ܐܢ ܓܝܪ ܡܛܠ ܤܟܠܘܬܐ ܕܚܕ ܐܡܠܟ ܡܘܬܐ ܝܬܝܪܐܝܬ ܐܝܠܝܢ ܕܢܤܒܘ ܤܘܓܐܐ ܕܛܝܒܘܬܐ ܘܕܡܘܗܒܬܐ ܘܕܟܐܢܘܬܐ ܒܚܝܐ ܢܡܠܟܘܢ ܒܝܕ ܚܕ ܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ | 17 |
Nokuti, kana nokudarika kwomunhu mumwe, rufu rwakabata ushe kubudikidza nomunhu iyeye, ko, kuzoti vaya vakagamuchira nyasha zhinji dzaMwari uye nechipo chokungopiwa chokururama, vachabata ushe zvikuru sei muupenyu kubudikidza nomunhu mumwe, iye Jesu Kristu.
ܐܟܙܢܐ ܗܟܝܠ ܕܡܛܠ ܤܟܠܘܬܐ ܕܚܕ ܗܘܐ ܚܘܝܒܐ ܠܟܠܗܘܢ ܒܢܝܢܫܐ ܗܟܢܐ ܡܛܠ ܟܐܢܘܬܐ ܕܚܕ ܬܗܘܐ ܙܟܘܬܐ ܠܚܝܐ ܠܟܠܗܘܢ ܒܢܝܢܫܐ | 18 |
Naizvozvo, nokuda kwokudarika kwomunhu mumwe mhosva yakapiwa kuvanhu vose, saka naizvozvowo nokuda kwechiito chimwe chokururama, kururamisirwa kunouyisa upenyu kwakavapo kuvanhu vose.
ܐܝܟܢܐ ܓܝܪ ܕܡܛܠ ܠܐ ܡܫܬܡܥܢܘܬܗ ܕܚܕ ܒܪܢܫܐ ܚܛܝܐ ܤܓܝܐܐ ܗܘܘ ܗܟܢܐ ܐܦ ܡܛܠ ܡܫܬܡܥܢܘܬܗ ܕܚܕ ܤܓܝܐܐ ܟܐܢܐ ܗܘܝܢ | 19 |
Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi kubudikidza nokusateerera kwomunhu mumwe, saka naizvozvowo vazhinji vachaitwa vakarurama kubudikidza nokuteerera kwomunhu mumwe.
ܡܥܠܢܐ ܕܝܢ ܕܗܘܐ ܠܢܡܘܤܐ ܕܬܤܓܐ ܚܛܝܬܐ ܘܟܪ ܕܤܓܝܬ ܚܛܝܬܐ ܬܡܢ ܐܬܝܬܪܬ ܛܝܒܘܬܐ | 20 |
Murayiro wakaiswawo kuti kudarika kuwande. Asi panowanda chivi, nyasha dzinowanda zvikuru nokupfuurisa,
ܕܐܝܟ ܕܐܡܠܟܬ ܚܛܝܬܐ ܒܡܘܬܐ ܗܟܢܐ ܬܡܠܟ ܛܝܒܘܬܐ ܒܟܐܢܘܬܐ ܠܚܝܐ ܕܠܥܠܡ ܒܝܕ ܡܪܢ ܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ (aiōnios ) | 21 |
kuitira kuti sokubata ushe kwakaita chivi murufu, naizvozvowo nyasha dzibate ushe kubudikidza nokururama, kuti dziuyise upenyu husingaperi kubudikidza naJesu Kristu, Ishe wedu. (aiōnios )