< ܓܠܝܢܐ 6 >

ܘܚܙܝܬ ܟܕ ܦܬܚ ܐܡܪܐ ܚܕ ܡܢ ܫܒܥܐ ܛܒܥܝܢ ܘܫܡܥܬ ܠܚܕܐ ܡܢ ܐܪܒܥ ܚܝܘܢ ܕܐܡܪܐ ܐܝܟ ܩܠܐ ܕܪܥܡܐ ܬܐ ܘܚܙܝ 1
Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chemicherechedzo, ndokunzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti, senzwi remutinhiro: Uya uone.
ܘܫܡܥܬ ܘܚܙܝܬ ܘܗܐ ܤܘܤܝܐ ܚܘܪܐ ܘܕܝܬܒ ܥܠܘܗܝ ܐܝܬ ܠܗ ܩܫܬܐ ܘܐܬܝܗܒ ܠܗ ܟܠܝܠܐ ܘܢܦܩ ܙܟܝ ܘܙܟܐ ܘܕܢܙܟܐ 2
Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva wakange ane uta; korona ndokupiwa kwaari, zvino akabuda achikunda, uye kuti akunde.
ܘܟܕ ܦܬܚ ܛܒܥܐ ܕܬܪܝܢ ܫܡܥܬ ܠܚܝܘܬܐ ܕܬܪܬܝܢ ܕܐܡܪܐ ܬܐ 3
Zvino rakati razarura mucherechedzo wechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.
ܘܢܦܩ ܤܘܤܝܐ ܤܘܡܩܐ ܘܠܕܝܬܒ ܥܠܘܗܝ ܐܬܝܗܒ ܠܗ ܠܡܤܒ ܫܠܡܐ ܡܢ ܐܪܥܐ ܕܠܚܕܕܐ ܢܢܟܤܘܢ ܘܐܬܝܗܒܬ ܠܗ ܚܪܒܐ ܪܒܬܐ 4
Zvino kwakabuda rimwe bhiza dzvuku; newakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, nokuti vaurayane; ndokupiwa kwaari munondo mukuru.
ܘܟܕ ܐܬܦܬܚ ܛܒܥܐ ܕܬܠܬܐ ܫܡܥܬ ܠܚܝܘܬܐ ܕܬܠܬ ܕܐܡܪܐ ܬܐ ܘܗܐ ܤܘܤܝܐ ܐܘܟܡܐ ܘܕܝܬܒ ܥܠܘܗܝ ܐܝܬ ܡܐܤܬܐ ܒܐܝܕܗ 5
Zvino rakati razarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Zvino ndikaona, uye tarira, bhiza dema, newakange akaritasva wakange ane chiyereso muruoko rwake.
ܘܫܡܥܬ ܩܠܐ ܡܢ ܒܝܬ ܚܝܘܬܐ ܕܐܡܪ ܩܒܐ ܕܚܛܐ ܒܕܝܢܪܐ ܘܬܠܬܐ ܩܒܝܢ ܕܤܥܪܐ ܒܕܝܢܪܐ ܘܠܚܡܪܐ ܘܠܡܫܚܐ ܠܐ ܬܗܪ 6
Zvino ndakanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: Chiyero chezviyo nedhenario, nezviyero zvitatu zvebhari nedhenario; nemafuta newaini usazvitadzira.
ܘܟܕ ܦܬܚ ܛܒܥܐ ܕܐܪܒܥܐ ܫܡܥܬ ܩܠܐ ܕܚܝܘܬܐ ܕܐܡܪܐ ܬܐ 7
Zvino rakati razarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.
ܘܚܙܝܬ ܤܘܤܝܐ ܝܘܪܩܐ ܘܫܡܗ ܕܗܘ ܕܝܬܒ ܥܠܘܗܝ ܡܘܬܐ ܘܫܝܘܠ ܢܩܝܦܐ ܠܗ ܘܐܬܝܗܒ ܠܗ ܫܘܠܛܢܐ ܥܠ ܪܘܒܥܗ ܕܐܪܥܐ ܕܢܩܛܠ ܒܚܪܒܐ ܘܒܟܦܢܐ ܘܒܡܘܬܐ ܘܒܚܝܘܬܐ ܕܐܪܥܐ (Hadēs g86) 8
Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newakange akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika. (Hadēs g86)
ܘܟܕ ܦܬܚ ܠܛܒܥܐ ܕܚܡܫܐ ܚܙܝܬ ܠܬܚܬ ܡܢ ܡܕܒܚܐ ܠܢܦܫܬܐ ܕܐܬܩܛܠ ܡܛܠ ܡܠܬܐ ܕܐܠܗܐ ܘܡܛܠ ܤܗܕܘܬܐ ܕܝܫܘܥ ܗܝ ܕܐܝܬ ܗܘܐ ܠܗܘܢ 9
Zvino rakati razarura mucherechedzo wechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yevakange vaurawa nekuda kweshoko raMwari, uye nekuda kweuchapupu hwavaiva nahwo.
ܘܩܥܘ ܒܩܠܐ ܪܒܐ ܘܐܡܪܝܢ ܥܕܡܐ ܠܐܡܬܝ ܡܪܝܐ ܩܕܝܫܐ ܘܫܪܝܪܐ ܠܐ ܕܝܢܬ ܘܬܒܥܬ ܕܡܢ ܡܢ ܥܡܘܪܝܗ ܕܐܪܥܐ 10
Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvikira rinhi, Tenzi, mutsvene uye wechokwadi, regai kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika?
ܘܐܬܝܗܒܬ ܠܟܠܚܕ ܚܕ ܡܢܗܘܢ ܐܤܛܠܐ ܚܘܪܬܐ ܘܐܬܐܡܪ ܕܢܬܬܢܝܚܘܢ ܥܕ ܥܕܢ ܙܒܢ ܙܥܘܪ ܥܕܡܐ ܕܡܫܬܡܠܝܢ ܐܦ ܟܢܘܬܗܘܢ ܘܐܚܝܗܘܢ ܐܝܠܝܢ ܕܥܬܝܕܝܢ ܠܡܬܩܛܠܘ ܐܝܟ ܕܐܦ ܗܢܘܢ 11
Zvino kwakapiwa umwe neumwe nguvo refu chena, zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chidiki kusvikira vamwewo varanda pamwe navo nehama dzavo dzaiva dzoda kuurawa saivowo vakwaniswa.
ܘܚܙܝܬ ܟܕ ܦܬܚ ܛܒܥܐ ܕܫܬܐ ܘܢܘܕܐ ܪܒܐ ܗܘܐ ܘܫܡܫܐ ܐܝܟ ܤܩܐ ܕܤܥܪܐ ܐܘܟܡ ܗܘܐ ܘܤܗܪܐ ܟܠܗ ܗܘܐ ܠܗ ܐܝܟ ܕܡܐ 12
Zvino ndakaona parakange razarura mucherechedzo wechitanhatu, uye tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye zuva rakasviba sesaga remvere, nemwedzi ukaita seropa;
ܘܟܘܟܒܐ ܕܫܡܝܐ ܢܦܠܘ ܥܠ ܐܪܥܐ ܐܝܟ ܬܬܐ ܕܫܕܝܐ ܦܩܘܥܝܗ ܡܢ ܪܘܚܐ ܥܫܝܢܬܐ ܡܐ ܕܡܬܬܙܝܥܐ 13
nenyeredzi dzedenga dzakawira panyika, semuonde unowisa maonde awo eshure, uchizuzwa nemhepo huru.
ܘܫܡܝܐ ܐܬܦܪܫ ܘܐܝܟ ܟܬܒܐ ܐܬܟܪܟܘ ܘܟܠ ܛܘܪ ܘܟܠ ܓܙܪܬܐ ܡܢ ܕܘܟܬܗܘܢ ܐܬܬܙܝܥܘ 14
Zvino denga rakabva serugwaro rwakapetwa; negomo rega-rega nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
ܘܡܠܟܐ ܕܐܪܥܐ ܘܪܘܪܒܢܐ ܘܪܝܫܝ ܐܠܦܐ ܘܥܬܝܪܐ ܘܚܝܠܘܬܐ ܘܟܠ ܥܒܕܐ ܘܒܢܝ ܚܐܪܐ ܛܫܝܘ ܢܦܫܗܘܢ ܒܡܥܪܐ ܘܒܫܘܥܐ ܕܛܘܪܐ 15
Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, nevafumi, nevatungamiriri vehondo, nevane simba, nevaranda vese, nevakasununguka vese vakanozvivanza mumapako nemumabwe emakomo,
ܘܐܡܪܝܢ ܠܛܘܪܐ ܘܫܘܥܐ ܕܦܠܘ ܥܠܝܢ ܘܛܫܘ ܠܢ ܡܢ ܩܕܡ ܐܦܘܗܝ ܕܐܡܪܐ 16
zvino vakati kumakomo nekumabwe: Wirai pamusoro pedu, mutivige pachiso chaiye anogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana;
ܡܛܠ ܕܐܬܐ ܝܘܡܐ ܪܒܐ ܕܪܘܓܙܗܘܢ ܘܡܢܘ ܡܫܟܚ ܠܡܩܡ 17
nokuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani anogona kumira?

< ܓܠܝܢܐ 6 >