< اَلْمَزَامِيرُ 21 >
لِإِمَامِ ٱلْمُغَنِّينَ. مَزْمُورٌ لِدَاوُدَ يَارَبُّ، بِقُوَّتِكَ يَفْرَحُ ٱلْمَلِكُ، وَبِخَلَاصِكَ كَيْفَ لَا يَبْتَهِجُ جِدًّا! | ١ 1 |
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu. Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa!
شَهْوَةَ قَلْبِهِ أَعْطَيْتَهُ، وَمُلْتَمَسَ شَفَتَيْهِ لَمْ تَمْنَعْهُ. سِلَاهْ. | ٢ 2 |
Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake, uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake. Sera
لِأَنَّكَ تَتَقَدَّمُهُ بِبَرَكَاتِ خَيْرٍ. وَضَعْتَ عَلَى رَأْسِهِ تَاجًا مِنْ إِبْرِيزٍ. | ٣ 3 |
Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma, uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena.
حَيَاةً سَأَلَكَ فَأَعْطَيْتَهُ. طُولَ ٱلْأَيَّامِ إِلَى ٱلدَّهْرِ وَٱلْأَبَدِ. | ٤ 4 |
Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva mazhinji, nokusingaperi-peri.
عَظِيمٌ مَجْدُهُ بِخَلَاصِكَ، جَلَالًا وَبَهَاءً تَضَعُ عَلَيْهِ. | ٥ 5 |
Kubudikidza nokukunda kwamakamupa, kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa.
لِأَنَّكَ جَعَلْتَهُ بَرَكَاتٍ إِلَى ٱلْأَبَدِ. تُفَرِّحُهُ ٱبْتِهَاجًا أَمَامَكَ. | ٦ 6 |
Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi, mukamufadza nomufaro pamberi penyu.
لِأَنَّ ٱلْمَلِكَ يَتَوَكَّلُ عَلَى ٱلرَّبِّ، وَبِنِعْمَةِ ٱلْعَلِيِّ لَا يَتَزَعْزَعُ. | ٧ 7 |
Nokuti mambo anovimba naJehovha; nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro, iye haangazungunuswi.
تُصِيبُ يَدُكَ جَمِيعَ أَعْدَائِكَ. يَمِينُكَ تُصِيبُ كُلَّ مُبْغِضِيكَ. | ٨ 8 |
Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose; ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu.
تَجْعَلُهُمْ مِثْلَ تَنُّورِ نَارٍ فِي زَمَانِ حُضُورِكَ. ٱلرَّبُّ بِسَخَطِهِ يَبْتَلِعُهُمْ وَتَأْكُلُهُمُ ٱلنَّارُ. | ٩ 9 |
Panguva yokuonekwa kwenyu muchavaita sevira romoto. Jehovha achavamedza nehasha dzake, uye moto wake uchavaparadza.
تُبِيدُ ثَمَرَهُمْ مِنَ ٱلْأَرْضِ وَذُرِّيَّتَهُمْ مِنْ بَيْنِ بَنِي آدَمَ. | ١٠ 10 |
Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika, vana vavo kubva pakati pavanhu.
لِأَنَّهُمْ نَصَبُوا عَلَيْكَ شَرًّا. تَفَكَّرُوا بِمَكِيدَةٍ. لَمْ يَسْتَطِيعُوهَا. | ١١ 11 |
Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyu nokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira;
لِأَنَّكَ تَجْعَلُهُمْ يَتَوَلَّوْنَ. تُفَوِّقُ ٱلسِّهَامَ عَلَى أَوْتَارِكَ تِلْقَاءَ وُجُوهِهِمْ. | ١٢ 12 |
nokuti muchaita kuti vafuratire, pamuchavananga nouta hwakawemburwa.
ٱرْتَفِعْ يَارَبُّ بِقُوَّتِكَ. نُرَنِّمْ وَنُنَغِّمْ بِجَبَرُوتِكَ. | ١٣ 13 |
Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu; tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.