< Roma 3 >

1 Tutun iyari Ayahudawe na se? iyagnari tutun nmari nbowe?
Ko zvino muJudha ane pundutso yei, kana rubatsiro rwekudzingiswa nderwupi?
2 imone di gwardan kokome kusari. inchizune, iwayini nin ghnu ipuno ani fiseri Kutelle.
Zvizhinji nemutoo wese; nokuti pakutanga kuti vakabatiswa mashoko aMwari.
3 Andi among Ayahudawa di sa uyinu sa uyenu fa? Udirun nyinu mine mati uliru Kutelle yita imon filluah?
Nokuti ko kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kuchashayisa kutendeka kwaMwari maturo here?
4 Ko inyizi. Bara nani wang, na Kutelle yita unan kidegen, adi kogha di unan kinu. Naafo na idi nya niyerte, “ibayiru udi dert nan nya nagulang inlirufe, tutun uyisin gegeme uda in wusu wusu kidegen.”
Ngazvisadaro! Asi Mwari ngaave wechokwadi, asi munhu wese murevi wenhema, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kuti munzi makarurama pamashoko enyu, uye mukunde pakutongwa kwenyu.
5 Andi udirun dortu nimon ichine bit ndurso imon ichine Kutelle, tima woru ongyang? Na Kutelle dinin dirun sunimon ichine ba, ameh urika na adin puzunu tinanayi, amereh? Indi su uliru nafo unit usirene.
Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichati chii? Kuti Mwari haana kururama here anodurura hasha? (Ndinotaura semunhu.)
6 Na uwasonani. Bara nane, inyizari Kutelle, mawusu kidegen inye?
Ngazvisadaro! Kana zvakadaro Mwari angagozotonga nyika sei?
7 Andi kidegen Kutelle nuzu nan nya kinuni nan nya zazunu meh, inyagharita idin wusuzue kidegen nafo unan kulapi?
Nokuti kana chokwadi chaMwari chakawanzwa nenhema dzangu parumbidzo yake, ini ndichiri kutongerweiwo semutadzi?
8 Iyang ma wantinu iworo, nafo ubellubit kinu, tiworo, tutun among na yinin tiworo “Na ti su imon inan zan, bara imon ichine na dawa? Uwusu kidegen kitene mine chau.
Uye zvikasadaro tichapomerwa zvakaipa, uye sezvinotaura vamwe kuti tinoti: Ngatiite zvakaipa kuti zvakanaka zviuye? Kuraswa kwavo kunova kwakarurama.
9 Iyaghari tutun? Tidinin nimon bellua? Ko imon irum. Bari arikin mal vuru Ayahudawa nin Nawurmi, nwo idin nan nya nalapi,
Ko zvino? Tiri nani here? Kwete nepadiki pese; nokuti tambopa mhosva vese VaJudha neVaGiriki kuti vese vari pasi pechivi,
10 Nafo na udin nan nya niyerte, na unan fiwu Kutelle dikuba, na warun dikuba.
sezvazvakanyorwa zvichinzi: Hakuna wakarurama, kwete kunyange neumwe;
11 Na umondiku na adinin yinuba Na umonduku unan pizuru Kutelleba.
hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari;
12 Vat ina kpilin, vat inghnu so hem. Na umon duku na adin su nimon gegemeba kayi! Nawasame dukuba.
vese vakatsauka, vakava pamwe vasina maturo; hakuna anoita zvakanaka, hakuna kunyange neumwe;
13 Asholushok mine pun fang nafo nisek. Tilem so imon nrusuzu kiti. Timun niyii di nakpah tinumine.
huro yavo iguva rakashama; nendimi dzavo vakanyengera; uturu hwemhungu huri pasi pemiromo yavo;
14 Tinumine kulun nin nizogo nin gbagbai
vemuromo wavo uzere nekutuka nekuvava;
15 Abunu mine din tizu mas mas ngutuzunun nmii.
tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
16 Umusuzu nin niu di libau mine.
kuparadza nekutambudzika zviri munzira dzavo,
17 Na iyiru libau lisosin liman ba.
uye nzira yerugare havana kuiziva;
18 Na ulanzu feu Kutelle di niyizi mineba.”
kutya Mwari hakupo pamberi pemeso avo.
19 Nene tiyiru, vat imerika na ushara belle, nale na idin nan nya shara, inan tursu tinu vat, tutun vat uyi yita nin kwanu Kutelle.
Zvino tinoziva kuti zvese murairo zvaunoreva, unozvireva kune vari pasi pemurairo; kuti muromo umwe neumwe udzivirwe, nenyika yese ive nemhosva kuna Mwari;
20 Udinani bara na kidowo mase inchine libau katuwa niyizi sharaba. Bara nan nya sharawe uyinu kulapi da.
naizvozvo nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama pamberi pake; nokuti nemurairo kune ruzivo rwechivi.
21 Nene vat nin dirun sharawe ngegeme Kutelle puno kidowo, ushara nin nanan kadura Kutelle inso iyizi inba,
Asi ikozvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwemurairo, kuchipupurwa nemurairo nevaporofita;
22 usonani, ngegeme katuwa Kutelle nan nya yinnu sa uyenu, nan nya Yisa Kirsti vat kiti nale na iyinna. Na maferu feru dukuba.
ikowo kururama kwaMwari kubudikidza nerutendo rwaJesu Kristu kune vese nepamusoro pevese vanotenda; nokuti hapana musiyano;
23 Bara vat nati alapi inani na dari kitin ghantinu Kutelle,
nokuti vese vakatadza vakataira pakubwinya kwaMwari,
24 ita chaut hennani kitenen nbollu Kutelle nan nya kurtunu ulẹ na udin nan nya Yisa Kirsti.
vachinzi vakarurama pachena nenyasha dzake kubudikidza nerudzikunuro rwuri muna Kristu Jesu;
25 Bari urika na Kutellẹ natuu Yisa Kirsti unan bolu ari nan nya yinu sa uyenu, nan nya nmii mẹ: ana ni Kirsti ku bara apun nchaut mẹ tutun nin shawu nalapi alẹ nawa adi, bara ayi ashẹu me.
iye Mwari waakagadza kuva muripo wekuyananisa, nerutendo muropa rake, kuva chiratidzo chekururama kwake, nekusarangarira zvivi zvakaitwa kare mukuva nemoyo murefu kwaMwari;
26 Vat nani wa yita bara udursun ngegeme mẹ nan nya kokubẹ, anan dursọ litime chaut, akuru adurọ nwo amere din tizu anit chaut vat nalẹ na idinin yinnu sa uyenu nan nya Yisa.
kuti chive chiratidzo chekururama kwake panguva yaikozvino, kuti ave wakarurama uye kururamisa werutendo rwaJesu.
27 Unin fofigiri ndẹ? Ẹ kala unin. Kitene inyang? Kitene katwa? Nanare ba kitene inyinnu sa uyenu machas.
Naizvozvo kuzvikudza kuripi? Kwavharirwa kunze. Nemurairo upi? Wemabasa here? Kwete, asi nemurairo werutendo.
28 Bari nani, ti malzina nwo unit din sesu nchaut bari uyinnu sa uyenu na katwa inshara dukuba.
Naizvozvo tinogura kuti munhu anonzi wakarurama nerutendo, kunze kwemabasa emurairo.
29 Sa Kutellẹ kun Nayahudawari machàs? Sa na amẹ Kutellẹ Nawurmerẹ. wang ba? Aẹ, nin Nawurmẹ wang.
Kuti ndiMwari weVaJudha vega here? Haasi wevahedheniwo here? Hongu wevahedheniwo;
30 Andi Kutellẹ kurumari, ammati ubowe nan nya yinnu sa uyenu nchaut.
Mwari zvaari zvirokwazvo mumwe, achati kudzingiswa kwakarurama kubva parutendo, nevasina kudzingiswa nerutendo.
31 Iyanghri ti din bellẹ, ifilin usharawẹ bari uyinnu sa uyenwá? Na nanni wayita ba. Nin nani ti miin usharawe.
Naizvozvo tinoshayisa maturo murairo nerutendo here? Ngazvisadaro! Asi tinosimbisa murairo.

< Roma 3 >