< Uruyan Yuhana 22 +
1 Gono ka dura Kutelle dursoi kurawa nmen nlai, mmene kanang nofo crystal, mi wa din chum ici ti lisosin Kutelle nin Gono me
Zvino wakandiratidza rwizi rwemvura yeupenyu rwakachena, yakapenya sekrisitaro, ichibuda pachigaro cheushe chaMwari, necheGwayana.
2 nya kitik nlayi kipine, nya ko kome kurawe kuchan nlai wa yisinku, nin kumay ngangang udu likure nin na ba, anin macha kumal me ko uyemme upui. Afa na che anin nare ba shizinu nin ko mome nmin.
Pakati penzira yaro uye kurutivi urwu neurwu rwerwizi kune muti weupenyu unoita zvibereko gumi nezviviri, uchibereka zvibereko zvawo mwedzi umwe neumwe; nemashizha emuti aiva ekuporesa ndudzi.
3 Na iba se umon usunun nnuu ba, kiti lisosin Kutelle nin Gono me ba yi tu nya kipine, achin me ba su ngne kataa.
Zvino hakuchavizve nekutuka kwese; asi chigaro cheushe chaMwari necheGwayana zvichava mariri; uye varanda vake vachamushumira,
4 Iba yenu umuro me, lisa me ba yitu niting mine.
zvino vachaona chiso chake; nezita rake richava pahuma dzavo.
5 Kitik ba yi tu ba, na iba yitu nin su mmou kanang pitilaba sa uwwui bar ugo Kutelle nkanang mere ba yi tu na ti mine, iba so lisosin sa ligang. (aiōn )
Zvino usiku hahuchazovipo ipapo, uye havatsvaki mwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari anovapa chiedza; uye vachatonga kusvikira rinhi narinhi. (aiōn )
6 kadure wurei, to tigbulan ngne tin chiu kibineiyari tutung kiden nere, Chiki lare, Kutelle, nfunu uchine na nan kadura me, wa tuu unan kadura me adursu a chin me ile imon na iba dak na piit ba.
Zvino akati kwandiri: Mashoko awa akatendeka uye ndeechokwadi; uye Ishe, Mwari wevaporofita vatsvene, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.
7 Yene! Nnan na daa nene! Unan mmariari ule na awufu ligbulan lo na ana kadure na belin nya tagarde.
Tarira, ndinokurumidza kuuya. Wakaropafadzwa anochengeta mashoko echiporofita chebhuku iri.
8 Meng, Yohanna, mere na lanza idursai ile imone, ku bi ko na nwa lanza nyene, nno-o kutin nbun na bunu nnan kadure nzazin ngne, unan kadure na awa dursai ileli imone.
Zvino ini Johwani, ndini ndakaona zvinhu izvi uye ndakanzwa. Zvino ndakati ndanzwa nekuona, ndakawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzemutumwa wakandiratidza zvinhu izvi.
9 Aworei, “Na uwa su nani ba! Men wang udo lichinnari fo fewe, udu nin na lee na inun chifuno ulirume na ina yer tin nya tagarda me. Zazina Kutelle!”
Zvino akati kwandiri: Rega kudaro; nokuti ndiri muranda pamwe newe, newehama dzako vaporofita, newevanochengeta mashoko ebhuku iri; namata Mwari.
10 Aworei yenje, “Uwa yachu tipinpin na nan kadure nyan takarda ulele, ku be ndaa susut.
Zvino akati kwandiri: Usavharira nemucherechedzo mashoko echiporofita chebhuku iri, nokuti nguva yava pedo.
11 Ule na adi nin dinong, na ali ubun nin dinonong me, ule na adi alau, na ali ubun nin su ni le imon na idi lau. ule na adi lau, na ali ubun nin lau me.
Anoita zvisakarurama ngaagare achiita zvisakarurama; neane tsvina ngaagare ane tsvina; newakarurama ngaagare achiruramiswa; mutsvenewo ngaagare achiitwa mutsvene.
12 Yene nnan na daa susut. Ulada ningne di nin mi, nni ko ngna ku chot nin nile imon na ana su.
Zvino tarira, ndinouya nekukurumidza; uye mubairo wangu uneni, kuti ndiripire umwe neumwe sezvichava mabasa ake.
13 Mere Alfe mere Omega, Uchizinu nin ligang, Mere infinu me mere umalzinu.
Ini ndiri Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, Wekutanga neWekupedzisira.
14 Anan mmariari ale na ikusu alutuk mine bar iba kubi ili kumat kuchan lai inin piru nya kipin kane nibulun kining.
Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nekodzero yemuti weupenyu, vagopinda nepamasuwo muguta.
15 Ndasse ni nau wari, anan niyiu, anan kapul ndinong, anan molsu na nit, anan chil, nin le na adi ninsu nsu kinuu.
Asi kunze kune imbwa, nevaroyi, nemhombwe, nemhondi, nevanamati vezvifananidzo, nevese vanoda nhema vachidziita.
16 Me, Yisa, nna tuu unan kadura nin adurso minu ile imene bara atii alau. Mere liling ngne nin kuwunun Dauda, fiyini fi kanan nkwi din ding.”
Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kukupupurirai zvinhu izvozvi pamakereke. Ini ndiri mudzi nechizvarwa chaDhavhidhi, nyeredzi inopenya uye yemangwanani.
17 Ufunu ulau we nin gankishono nworo, “Daa!” Na ale ilanza woro, “Daa!” Ule na adi nin suu we, na ase mmen nlai ye sa ubiu.
Zvino Mweya nemwenga vanoti: Uya! Naiye anonzwa ngaati: Uya! Uye ane nyota ngaauye; neanoda ngaatore mvura yeupenyu pachena.
18 Ndursu vat nle na alanza tigbulan: Na nan nkpinaku, Kutelle ba kpin ngne ku aluba ale na iyertine nya ntagarda ulele.
Nokuti ndinopupura kune wese anonzwa mashoko echiporofita chebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri;
19 Wassa umen chaana tigbulan na nan kadura nyan ntakarda ulele, Kutelle ba kaluulada me nya kuchan lai nin nya kipin kilau, ile na ina yertin nyan takardaa ulele.
uye kana munhu akabvisa pamashoko ebhuku rechiporofita ichi, Mwari achabvisa mugove wake pabhuku reupenyu, nepaguta dzvene, nezvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.
20 Ule na udurso ile imone a woro, “E-eh! Ndin chinu nene.” Uso nani! Daa, Cikilari Yisa!
Anopupura zvinhu izvi anoti: Hongu, ndinouya nekukurumidza. Ameni. Hongu uyai, Ishe Jesu.
21 Na nshew nCikilari Yisa so nin ko ngna mine. Uso nani.
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.