< Ayubu 21 >
Ipapo Jobho akapindura akati:
2 “Yasikilizeni maneno yangu kwa makini; hii na iwe faraja mnayonipa mimi.
“Teereresa mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwaunondipa.
3 Nivumilieni ninapozungumza, nami nikishazungumza, endeleeni kunidhihaki.
Ndiitire mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, urambe uchiseka hako.
4 “Je, kwani malalamiko yangu yanaelekezwa kwa mwanadamu? Kwa nini nisikose subira?
“Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana nomunhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo?
5 Niangalieni mkastaajabu; mkaweke mkono juu ya vinywa vyenu.
Nditarire ushamiswe; ufumbire muromo wako noruoko.
6 Ninapowaza juu ya hili, ninaogopa, nao mwili wangu unatetemeka.
Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu.
7 Kwa nini waovu wanaendelea kuishi, wakifikia umri wa uzee na kuendelea kuwa na nguvu?
Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?
8 Huwaona watoto wao wakithibitika wakiwa wamewazunguka, wazao wao mbele za macho yao.
Vanoona vana vavo vachikura ivo vachiri vapenyu, zvizvarwa zvavo pamberi pavo.
9 Nyumba zao zi salama wala hakuna hofu; fimbo ya Mungu haiko juu yao.
Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya; shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.
10 Madume yao ya ngʼombe huvyaza bila kushindwa kamwe; ngʼombe wao huzaa wala hawaharibu mimba.
Hando dzavo hadzikonewi kubereka, mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.
11 Huwatoa watoto wao nje kama kundi; wadogo wao huchezacheza.
Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai; vapwere vavo vanopembera vachitamba.
12 Huimba nyimbo kwa matari na kwa kinubi, nao huifurahia sauti ya filimbi.
Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira; vanofarira kurira kwenyere.
13 Huitumia miaka yao katika mafanikio nao hushuka kaburini kwa amani. (Sheol )
Vanopedza makore avo mukubudirira uye vanopinda muguva nenguva isipi. (Sheol )
14 Lakini humwambia Mungu, ‘Tuache sisi!’ Hatuna haja ya kufahamu njia zako.
Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu.
15 Mwenyezi ni nani hata tumtumikie? Tutapata faida gani kumwomba?
Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire? Tinowaneiko kana tikamunamata?’
16 Lakini kufanikiwa kwao hakupo mikononi mwao wenyewe, hivyo najitenga mbali na shauri la waovu.
Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo, naizvozvo ndinomira kure nerangano yevakaipa.
17 “Lakini ni mara ngapi taa ya waovu huzimwa? Ni mara ngapi maafa huwajia, yale yawapatayo ambayo Mungu huwapangia katika hasira yake?
“Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wevakaipa? Kanganiko vachiwirwa nenjodzi, magumo anotarwa naMwari mukutsamwa kwake?
18 Ni mara ngapi huwa kama majani makavu mbele ya upepo, kama makapi yachukuliwayo na dhoruba?
Vanofanana namakoto anopeperetswa nemhepo runganiko, sehundi inokukurwa nedutu?
19 Imesemekana, ‘Mungu huiweka akiba adhabu ya mtu kwa ajili ya wanawe.’ Mungu na amlipe mtu mwenyewe, ili apate kulijua!
Zvinonzi, ‘Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.’ Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva!
20 Macho yake mwenyewe na yaone maangamizi yake; yeye na ainywe ghadhabu ya Mwenyezi.
Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake; iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.
21 Kwani anajali nini kuhusu jamaa anayoiacha nyuma, miezi yake aliyopangiwa ifikapo mwisho?
Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure, mwedzi yaakagoverwa zvoyopera?
22 “Je, yuko mtu yeyote awezaye kumfundisha Mungu maarifa, iwapo yeye ndiye ahukumuye hata walio juu ya wote?
“Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari here, iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro?
23 Mtu mmoja hufa akiwa na nguvu zake kamili, akiwa salama na mwenye raha kamili,
Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere, akachengetedzeka uye akagadzikana,
24 mwili wake ukiwa umenawiri, nayo mifupa yake ikiwa imejaa mafuta ndani yake.
muviri wake wakagwinya, mapfupa ake azere nomwongo.
25 Mtu mwingine hufa katika uchungu wa nafsi, akiwa hajafurahia kamwe jambo lolote zuri.
Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo, asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka.
26 Hao wote hulala mavumbini, nao mabuu huwafunika wote.
Vanovata muguruva pamwe chete, uye honye dzinovafukidza vose.
27 “Ninayajua kikamilifu yale mnayoyafikiri, mipango ambayo kwayo mngenitendea mabaya.
“Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amungandikanganisa nawo.
28 Mwasema, ‘Iko wapi sasa nyumba ya huyo mtu mkuu, mahema ambayo watu waovu walikaa?’
Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’
29 Je, hamkuwahi kuwauliza hao wanaosafiri? Je, hamkutafakari taarifa zao:
Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nenhoroondo dzavo here,
30 kwamba mtu mwovu huepushwa kutoka siku ya maafa, kwamba huokolewa kutoka siku ya ghadhabu?
dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?
31 Ni nani hulaumu matendo yake mbele ya uso wake? Ni nani ampatilizaye kwa yale aliyoyatenda?
Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko anomuripira pane zvaakaita?
32 Hupelekwa kaburini, nao ulinzi ukawekwa kwenye kaburi lake.
Iye anotakurwa achiendeswa kuguva, uye rinda rake rinorindwa.
33 Udongo ulio bondeni ni mtamu kwake; watu wote watamfuata, nao umati wa watu usiohesabika umemtangulia.
Ivhu romunhika rinotapira kwaari; vanhu vose vanomutevera, uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki.
34 “Hivyo ninyi mnawezaje kunifariji kwa upuzi wenu? Hakuna kilichosalia cha majibu yenu isipokuwa uongo!”
“Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo? Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”