< Числа 11 >

1 И быша людие ропщуще злая пред Господем: и слыша Господь и разгневася гневом, и разгореся в них огнь от Господа и потреби часть некую от полка.
Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa.
2 И возопиша людие к Моисею: и помолися Моисей к Господу, и преста огнь.
Vanhu vakati vachema kuna Mozisi, akanyengetera kuna Jehovha moto ukadzima.
3 И прозвася имя месту тому Запаление: яко разгореся в них огнь от Господа.
Saka nzvimbo iyo yakanzi Tabhera, nokuti moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo.
4 И общий народ иже в них похотеша похотением: и седше плакахуся сынове Израилевы и рекоша: кто ны напитает мясы?
Vatorwa vakanga vari pakati pavo vakatanga kupanga zvimwewo zvokudya, uyezve vaIsraeri vakatanga kuungudza vachiti, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye?
5 Помянухом рыбы, яже ядохом в земли Египетстей туне, и огурцы и дыни, лук и червленый лук и чеснок:
Tinorangarira hove dzataidya muIjipiti tisingatengi; magaka, manwiwa, hanyanisi huru, hanyanisi diki nemhiripiri.
6 ныне же душа наша изсохла, ничтоже точию манна пред очима нашима.
Asi zvino tafinhwa; hapana chimwe chinhu chatiri kuwana kunze kwemana iyi.”
7 Манна же бяше аки семя кориандрово, и вид ея яко вид кристалла:
Mana yakanga yakaita semhodzi yekorianda uye ichiratidzika samazambiringa akaoma. Vanhu vaitenderera vachiinhonga, uye, vaizoikuya paguyo kana kuidzvura muduri.
8 и исхождаху людие и собираху, и меляху в жерновах и толцаху в ступах, и варяху в горшках и творяху из нея потребники: и бяше вкус ея, яко вкус муки пряжены с елеем:
Vaiibika muhari kana kuita makeke. Uye yainaka kunge chinhu chakabikwa namafuta omuorivhi.
9 и егда схождаше роса на полк нощию, схождаше манна нань.
Dova raiti rawira pamusoro pomusasa usiku, mana yaiwawo.
10 И услыша Моисей плачущихся их в сонмех своих, коегождо их пред своими дверми: и разгневася Господь гневом зело, и пред Моисеом бяше зло.
Mozisi akanzwa vanhu vemhuri dzose vachiungudza, mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Jehovha akatsamwa kwazvo, uye Mozisi akatambudzika.
11 И рече Моисей ко Господу: вскую озлобил еси раба Твоего? И почто не обретох благодати пред Тобою, еже возложити устремление людий сих на мя?
Akabvunza Jehovha akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamuranda wenyu? Chiiko chandakaita chisingakufadzei zvokuti makaisa mutoro wavanhu ava vose pamusoro pangu?
12 Еда аз во утробе зачах вся люди сия? Или аз родих я? Яко глаголеши ми: возми их в недра твоя, якоже доилица носит доимыя, в землю, еюже клялся еси отцем их:
Ko, ndini ndakaita kuti vanhu vose ava vaumbwe here? Ko, ndini ndakavabereka here? Seiko muchindiita kuti ndivatakure mumaoko angu, somureri anotakura mwana mucheche kuti ndiende navo kunyika yamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo?
13 откуду мне мяса дати всем людем сим? Яко плачут на мя, глаголюще: даждь нам мяса, да ядим:
Ndingawanepiko nyama yandingapa vanhu vose ava? Vanoramba vachingondichemera vachiti, ‘Tipe nyama yokudya.’
14 не возмогу аз един водити людий сих, яко тяжко мне есть слово сие:
Handingatakuri vanhu ava vose ndoga; mutoro unondiremera kwazvo.
15 аще же тако Ты твориши мне, то убий мя убиением, аще обретох благодать пред Тобою, да не вижу озлобления моего.
Kana muchida kundiitira saizvozvo, ndiurayei henyu iye zvino, kana ndawana hangu nyasha pamberi penyu, uye musandirega ndichiona kuparara kwangu.”
16 И рече Господь к Моисею: собери Ми седмьдесят мужей от старец Израилевых, ихже ты сам веси, яко тии суть старцы людстии и книгочия их: и да приведеши я ко скинии свидения, и да станут тамо с тобою:
Jehovha akati kuna Mozisi, uya navakuru vavaIsraeri makumi manomwe vaunoziva savatungamiri namachinda pakati pavanhu. Uite kuti vauye kuTende Rokusangana, kuti vamire newe ipapo.
17 и сниду и возглаголю тамо с тобою, и уйму от Духа, иже в тебе, и возложу на ня: да подимут с тобою устремление людий, и не будеши водити их ты един:
Ini ndichaburuka ndigozotaura newe ipapo, uye ndichatora Mweya uri pamusoro pako ndigoisa Mweya iwoyo pamusoro pavo. Ivo vachakubatsira kutakura mutoro wavanhu kuitira kuti iwe urege kuutakura woga.
18 и людем речеши: очиститеся наутрие, и снесте мяса, яко плакастеся пред Господем, глаголюще: кто ны напитает мясы? Яко добро нам бысть во Египте: и даст Господь вам мяса ясти, и снесте мяса:
“Udza vanhu kuti: ‘Zvinatsei mugadzirire zvamangwana, pamuchadya nyama. Jehovha akakunzwai pamakaungudza muchiti, “Dai bedzi taiva nenyama yokudya! Takanga tiri nani muIjipiti!” Zvino Jehovha achakupai nyama, uye muchaidya.
19 не един день ясти будете, ни два, ни пять дний, ни десять дний, ниже двадесять дний:
Hamungaidyi kwezuva rimwe chete, kana mazuva maviri kana mashanu, gumi kana makumi maviri,
20 до месяца дний ясти будете, дондеже изыдет из ноздрий ваших: и будет вам в мерзость, яко не покористеся Господу, Иже есть в вас, и плакастеся пред Ним, глаголюще: вскую бе нам изыти из Египта?
asi kwomwedzi wose, kusvikira yabuda nomumhino dzenyu uye mukaisema, nokuti makaramba Jehovha, ari pakati penyu, uye maichema pamberi pake muchiti, “Takambobvireiko kuIjipiti?”’”
21 И рече Моисей: шесть сот тысящ пеших людий, в нихже Аз есмь, и Ты рекл еси: мяса им дам ясти, и будут ясти месяц дний:
Asi Mozisi akati, “Hezvi ndiri pakati pavanhu mazana matanhatu ezviuru vanofamba netsoka, zvino imi munoti, ‘Ini ndichavapa nyama kuti vadye kwomwedzi wose!’
22 еда овцы и волы заколются им, и доволно будет им? Или вся рыбы морския соберутся им, и доволно будет им?
Zvichavaringana here kana dai vakaurayirwa makwai nemombe? Zvichavaringana here kana dai vakabatirwa hove dzose dziri mugungwa?”
23 И рече Господь к Моисею: еда рука Господня не доволна будет? Ныне уразумееши, аще постигнет тя слово Мое, или ни.
Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Ko, ruoko rwaJehovha rwakapfupiswa here? Zvino uchaona kuti zvandinoreva zvichaitika here kana kuti kwete.”
24 И изыде Моисей и глагола людем словеса Господня: и собра седмьдесят мужей от старец людских, и постави я окрест скинии.
Saka Mozisi akabuda akandoudza vanhu zvakanga zvataurwa naJehovha. Akaunganidza vakuru vavo makumi manomwe akavaita kuti vamire vakapoteredza Tende.
25 И сниде Господь во облаце и глагола к нему: и уя от Духа, иже на нем, и возложи на седмьдесят мужей старец: егда же препочи Дух на них, и пророчествоваша, и ктому не приложиша.
Ipapo Jehovha akaburuka ari mugore akataura navo uye akatora Mweya wakanga uri pamusoro pake akaisa Mweya uyu pamusoro pavakuru makumi manomwe. Mweya wakati wagara pamusoro pavo vakaprofita, asi havana kuzopamhazve.
26 И осташася два мужа в полце: имя единому Елдад, и имя второму Модад: и препочи на них Дух. И сии беша от вписанных, и не приидоша ко скинии, и пророчествоваша в полце.
Kunyange zvakadaro, varume vaviri, vainzi Eridhadhi naMedhadhi, vakanga vasara mumusasa. Ivo vakanga vaverengwa pakati pavakuru, asi havana kubuda kuti vaende kuTende. Asi Mweya wakagarawo pamusoro pavo uye, vakaprofita vari mumusasa.
27 И притек юноша возвести Моисею, и рече, глаголя: Елдад и Модад пророчествуют в полцех.
Mumwe mujaya akamhanya akandoudza Mozisi akati, “Eridhadhi naMedhadhi vari kuprofita vari mumusasa.”
28 И отвещав Иисус Навин, предстояй Моисею избранный ему, рече господи мой Моисею, запрети им.
Joshua mwanakomana waNuni, uyo akanga ari mubatsiri waMozisi kubva paujaya hwake, akataura nesimba akati, “Mozisi, ishe wangu, vadzivisei!”
29 И рече ему Моисей: еда ревнуеши ты мне? И кто даст всем людем Господним (быти) пророки, егда даст Господь Духа Своего на них?
Asi Mozisi akapindura akati, “Ko, iwe une godo nokuda kwangu here? Ndinoshuva kuti dai vanhu vaJehovha vose vava vaprofita uye kuti dai Jehovha aisa Mweya wake pamusoro pavo!”
30 И иде Моисей в полк сам и старцы Израилтестии.
Ipapo Mozisi navakuru vavaIsraeri vakadzokera kumusasa.
31 И дух изыде от Господа, и изведе крастели из моря и наведе на полк день ходу отсюду и день ходу отюнуду, окрест полка яко на два лактя от земли.
Zvino mhepo yakabuda ichibva kuna Jehovha ikasunda zvihuta zvichibva kugungwa. Yakazvikanda pasi kumativi ose omusasa zvikaita murwi ungada kuita makubhiti maviri kubva pasi, kusvika pangafambwa rwendo rwezuva rimwe chete kumativi ose.
32 И воставше людие весь день и всю нощь, и весь день наутрие, и собраша крастели: иже мало, собра десять спуд: и иссушиша себе сушаницы окрест полка.
Zuva rose iroro nousiku hwose uye nezuva rose rakatevera vanhu vakabuda kundounganidza zvihuta. Hakuna akaunganidza zvaiva pasi pamahomeri gumi. Ipapo vakazviyanika vakapoteredza musasa.
33 И мяса бяху им еще в зубех их, прежде оскудения, и Господь разгневася зело на люди, и порази Господь люди язвою великою зело:
Asi nyama ichiri pakati pamazino avo uye isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavanhu, akavarova nehosha yakaipisisa.
34 и прозвася имя месту тому Гробы Похотения: яко тамо погребоша людий похотевших.
Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa kunzi Kibhuroti Hataavha, nokuti vakaviga vanhu vakanga vakarira zvimwewo zvokudya.
35 (И) воздвигошася людие от Гробов Похотения во Асироф, и быша людие во Асирофе.
Vanhu vakabva paKibhuroti Hataavha vakaenda kuHazeroti vakandogara ikoko.

< Числа 11 >