< VaHebheru 2 >
1 Nekuda kweizvozvi tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, zvimwe tingakukurwa.
こういうわけだから、わたしたちは聞かされていることを、いっそう強く心に留めねばならない。そうでないと、おし流されてしまう。
2 Nokuti kana shoko rakataurwa nevatumwa rakange rakasimba, uye kudarika kwese nekusateerera kwakagamuchira kutsiva kwakarurama,
というのは、御使たちをとおして語られた御言が効力を持ち、あらゆる罪過と不従順とに対して正当な報いが加えられたとすれば、
3 isu tichapukunyuka sei kana tisina hanya neruponeso rukuru rwakadai? Irwo pakutanga rwakataurwa naIshe, rukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa,
わたしたちは、こんなに尊い救をなおざりにしては、どうして報いをのがれることができようか。この救は、初め主によって語られたものであって、聞いた人々からわたしたちにあかしされ、
4 Mwari achivapupurirawo zvese nezviratidzo nezvishamiso, nemasimba akasiyana-siyana, nezvipo zveMweya Mutsvene, zvichienderana nechido chake.
さらに神も、しるしと不思議とさまざまな力あるわざとにより、また、御旨に従い聖霊を各自に賜うことによって、あかしをされたのである。
5 Nokuti haana kuisa nyika inouya pasi pevatumwa, yatinotaura nezvayo.
いったい、神は、わたしたちがここで語っているきたるべき世界を、御使たちに服従させることは、なさらなかった。
6 Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Munhu chii, kuti mumurangarire? kana mwanakomana wemunhu, kuti muve nehanya naye?
聖書はある箇所で、こうあかししている、「人間が何者だから、これを御心に留められるのだろうか。人の子が何者だから、これをかえりみられるのだろうか。
7 Makamuderedza zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona nekubwinya nerukudzo, ndokumumisa pamusoro pemabasa emaoko enyu.
あなたは、しばらくの間、彼を御使たちよりも低い者となし、栄光とほまれとを冠として彼に与え、
8 Zvinhu zvese makaisa pasi petsoka dzake. Nokuti pane izvozvi wakaisa zvese pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi ikozvino tigere kuona zvinhu zvese zvakaiswa pasi pake.
万物をその足の下に服従させて下さった」。「万物を彼に服従させて下さった」という以上、服従しないものは、何ひとつ残されていないはずである。しかし、今もなお万物が彼に服従している事実を、わたしたちは見ていない。
9 Asi tinoona Jesu, akaderedzwa zvishoma kuvatumwa, nekuda kwedambudziko rerufu, akashongedzwa korona nekubwinya nerukudzo, kuti iye nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira wese.
ただ、「しばらくの間、御使たちよりも低い者とされた」イエスが、死の苦しみのゆえに、栄光とほまれとを冠として与えられたのを見る。それは、彼が神の恵みによって、すべての人のために死を味わわれるためであった。
10 Nokuti zvakange zvakamufanira, iye zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, uye kubudikidza naye zvese zviripo, pakuisa vanakomana vazhinji mukubwinya, apedzeredze mutungamiriri weruponeso rwavo kubudikidza nematambudziko.
なぜなら、万物の帰すべきかた、万物を造られたかたが、多くの子らを栄光に導くのに、彼らの救の君を、苦難をとおして全うされたのは、彼にふさわしいことであったからである。
11 Nokuti neanovaitisa vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vese vakabva kune umwe; nemhaka iyi haanyadziswi kuvaidza hama,
実に、きよめるかたも、きよめられる者たちも、皆ひとりのかたから出ている。それゆえに主は、彼らを兄弟と呼ぶことを恥とされない。
12 achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichakuimbirai rumbidzo.
すなわち、「わたしは、御名をわたしの兄弟たちに告げ知らせ、教会の中で、あなたをほめ歌おう」と言い、
13 Uyezve: Ini ndichavimba naye. Uyezve: Tarirai ini nevana Mwari vaakandipa.
また、「わたしは、彼により頼む」、また、「見よ、わたしと、神がわたしに賜わった子らとは」と言われた。
14 Naizvozvo sezvo vana vari vagovani venyama neropa, naiye pachake wakagovana navo izvozvi; kuti kubudikidza nerufu iye aparadze uyo ane simba rerufu, iye dhiabhorosi,
このように、子たちは血と肉とに共にあずかっているので、イエスもまた同様に、それらをそなえておられる。それは、死の力を持つ者、すなわち悪魔を、ご自分の死によって滅ぼし、
15 agosunungura avo vese kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda upenyu hwese.
死の恐怖のために一生涯、奴隷となっていた者たちを、解き放つためである。
16 Nokuti zvirokwazvo haazvitoreri vatumwa, asi wakazvitorera mbeu yaAbhurahama.
確かに、彼は天使たちを助けることはしないで、アブラハムの子孫を助けられた。
17 Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvese kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu.
そこで、イエスは、神のみまえにあわれみ深い忠実な大祭司となって、民の罪をあがなうために、あらゆる点において兄弟たちと同じようにならねばならなかった。
18 Nokuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiedzwa, anogona kubatsira vanoedzwa.
主ご自身、試錬を受けて苦しまれたからこそ、試錬の中にある者たちを助けることができるのである。