< 2 VaTesaronika 2 >

1 Zvino tinokukumbirisai, hama, maererano nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nekuunganira kwedu kwaari,
Now, brothers, concerning the coming of our Lord Yeshua Meshikha, and our gathering together to him, we ask you
2 kuti murege kukurumidza kuzununguswa mufungwa, kana kuvhunduswa, kana nemweya, kana neshoko, kana netsamba seinonyorwa nesu, sezvinonzi zuva raKristu ratosvika.
not to be quickly shaken in your mind, nor yet be troubled, either by spirit, or by word, or by letter as from us, saying that the day of the Lord had come.
3 Ngakurege kuva nemunhu anokunyengerai nemutoo upi neupi; nokuti harisviki kunze kwekuti kuwa kwatanga kusvika, uye munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa,
Let no one deceive you in any way. For it will not be, unless the rebellion comes first, and the man of lawlessness is revealed, the son of destruction,
4 anopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvese zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa, kusvikira agara mutembere yaMwari saMwari, achizviratidza kuti ndiMwari.
he who opposes and exalts himself against all that is called God or that is worshiped; so that he sits in the temple of God, setting himself up as God.
5 Hamurangariri here kuti ndichiri nemwi ndakakuudzai zvinhu izvi?
Do you not remember that, when I was still with you, I told you these things?
6 Asi ikozvino munoziva chinodzivirira kuti aratidzwe munguva yake pachake.
Now you know what is restraining him, to the end that he may be revealed in his own season.
7 Nokuti chakavanzika chekusava nemurairo chotoshanda; chete aripo anodzivirira ikozvino, kusvikira achibviswa pakati.
For the mystery of lawlessness already works. Only there is one who restrains now, until he is taken out of the way.
8 Ipapowo asina murairo acharatidzwa, Ishe waachapedza nemweya wemuromo wake, uye waachaparadza nekuonekwa kwekuuya kwake;
Then the lawless one will be revealed, whom the Lord will kill with the breath of his mouth, and destroy by the manifestation of his coming;
9 iye kuuya kwake kwakaita sekuita kwaSatani nesimba rese nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema,
even he whose coming is according to the working of Satana with all power and signs and lying wonders,
10 nepakunyengera kwese kwekusarurama mune vanoparara, nokuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi kuti vaponeswe.
and with all deception of wickedness for those who are perishing, because they did not receive the love of the truth, that they might be saved.
11 Uye nekuda kwaizvozvi Mwari achavatumira simba rekutsauka, kuti vatende nhema;
And because of this, God sends them a strong delusion, that they should believe the lie,
12 kuti vese varaswe vasina kutenda chokwadi, asi vakafara mukusarurama.
in order that all might be judged who did not believe the truth, but had pleasure in unrighteousness.
13 Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu, hama vadikanwi vaIshe, kuti Mwari kubva pakutanga wakakusarudzirai ruponeso pakuitwa vatsvene kweMweya nerutendo rwechokwadi;
But we are bound to always give thanks to God for you, brothers loved by the Lord, because God chose you from the beginning for salvation through sanctification of the Rukha and belief in the truth;
14 zvaakakudanirai neevhangeri yedu, pakuwana kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
to which he called you through our Good News, for the obtaining of the glory of our Lord Yeshua Meshikha.
15 Naizvozvo zvino, hama, mirai makasimba, mubatirire tsika dzamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.
So then, brothers, stand firm, and hold the traditions which you were taught by us, whether by word, or by letter.
16 Zvino Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, kunyange Baba vedu vakatida, vakapa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka munyasha, (aiōnios g166)
Now our Lord Yeshua Meshikha himself, and God our Father, who loved us and gave us everlasting comfort and good hope through grace, (aiōnios g166)
17 anyaradze moyo yenyu, nekukusimbisai pashoko rega-rega rakanaka nebasa.
comfort your hearts and establish you in every good work and word.

< 2 VaTesaronika 2 >