< 2 Petro 1 >

1 Simoni Petro, muranda nemuapositori waJesu Kristu, kune avo vakawana rutendo rwunokosha rwakafanana nerwedu mukururama kwaMwari wedu neMuponesi wedu Jesu Kristu:
Shimon Kipha, a servant and apostle of Yeshua Meshikha, to those who have obtained a like precious faith with us in the righteousness of our God and Savior, Yeshua Meshikha:
2 Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri paruzivo rwaMwari nerwaJesu Ishe wedu.
Grace to you and peace be multiplied in the knowledge of God and of Yeshua our Lord,
3 Sesimba rake reuMwari rakatipa zvinhu zvese zveupenyu nekunamata Mwari kubudikidza neruzivo rwaiye wakatidana kubudikidza nekubwinya uye kunaka;
seeing that his divine power has granted to us all things that pertain to life and godliness, through the knowledge of him who called us by his own glory and virtue;
4 akatipa nazvo zvivimbiso zvikurusa uye zvinokosha; kuti naizvozvi muve vagovani vechizvarirwo cheuMwari, mapukunyuka kuora kuri panyika kubudikidza nekuchiva.
by which he has granted to us his precious and exceedingly great promises; that through these you may become partakers of the divine nature, having escaped from the corruption that is in the world by lust.
5 Zvino nekuda kweizviwo maita kushingaira kwese, wedzerai parutendo rwenyu kunaka, nepakunaka ruzivo,
Yes, and for this very cause adding on your part all diligence, in your faith supply moral excellence; and in moral excellence, knowledge;
6 neparuzivo kuzvidzora, nepakuzvidzora moyo murefu, nepamoyo murefu kunamata Mwari,
and in knowledge, self-control; and in self-control patience; and in patience godliness;
7 nepakunamata Mwari rudo rwehama, neparudo rwehama, rudo.
and in godliness brotherly affection; and in brotherly affection, love.
8 Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, uye zvichiwanda, hazvikuitii vasingashandi kana vanoshaiwa zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
For if these things are yours and abound, they make you to be not idle nor unfruitful to the knowledge of our Lord Yeshua Meshikha.
9 Nokuti asina zvinhu izvi, ibofu, anoonera pedo, wakanganwa kunatswa kwezvivi zvake zvekare.
For he who lacks these things is blind, seeing only what is near, having forgotten the cleansing from his old sins.
10 Naizvozvo, hama, shingairai zvikuru kusimbisa kudanwa nekusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita zvinhu izvi hamungatongogumburwi narinhi.
Therefore, brothers, be more diligent to make your calling and election sure. For if you do these things, you will never stumble.
11 Nokuti saizvozvo muchawedzerwa zvakanyanya kupinda muushe husingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. (aiōnios g166)
For thus you will be richly supplied with the entrance into the everlasting Kingdom of our Lord and Savior, Yeshua Meshikha. (aiōnios g166)
12 Naizvozvo handingashaiwi hanya nekukuyeudzirai zvinhu izvi nguva dzese, kunyange muchiziva, uye makasimbiswa pachokwadi chiripo.
Therefore I will be ready always to remind you of these things, though you know them, and are established in the present truth.
13 Uye ndinoona zvakanaka kuti kana ndichingori mutabhenakeri ino chete ndikumutsei nechiyeuchidzo;
I think it right, as long as I am in this tent, to stir you up by reminding you;
14 ndichiziva kuti kunokurumidza kubviswa kwetabhenakeri yangu, Ishe wedu Jesu Kristuwo sezvaakandiratidza.
knowing that the putting off of my tent comes swiftly, even as our Lord Yeshua Meshikha made clear to me.
15 Asi neni ndichashingaira kuti nguva dzese shure kwekuenda kwangu muve nechiyeuchidzo chezvinhu izvi.
Yes, I will make every effort that you may always be able to remember these things even after my departure.
16 Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nenjere patakakuzivisai simba nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takange tiri vakazvionera kubwinya kwake.
For we did not follow cunningly devised tales, when we made known to you the power and coming of our Lord Yeshua Meshikha, but we were eyewitnesses of his majesty.
17 Nokuti wakagamuchira kubva kuna Mwari Baba rukudzo nekubwinya, inzwi rakadai parakasvika kwaari pakubwinya kukuru-kuru richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodika, wandinofara maari ini;
For he received from God the Father honor and glory, when the voice came to him from the Majestic Glory, "This is my beloved Son, in whom I am well pleased."
18 uye inzwi iri isu takarinzwa richibva kudenga pataiva naye mugomo dzvene.
We heard this voice come out of heaven when we were with him on the holy mountain.
19 Uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchirichenjerera sekumwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu;
We have the more sure word of prophecy; and you do well that you heed it, as to a lamp shining in a dark place, until the day dawns, and the morning star arises in your hearts:
20 muchiziva izvi pakutanga, kuti hakuna chiporofita cherugwaro chinobva mududziro yemwene wacho.
knowing this first, that no prophecy of Scripture is of private interpretation.
21 Nokuti hakuna kumbouyiswa chiporofita nechido chemunhu, asi vanhu vatsvene vaMwari vakataura vachisundwa neMweya Mutsvene.
For no prophecy ever came by human will, but people spoke from God, being moved by the Rukha d'Qudsha.

< 2 Petro 1 >