< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4 >
1 Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.
わが愛する者よ、見よ、あなたは美しい、見よ、あなたは美しい。あなたの目は、顔おおいのうしろにあって、はとのようだ。あなたの髪はギレアデの山を下るやぎの群れのようだ。
2 Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa, ari kubva kundoshambidzwa. Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro, pasina rimwe riri roga zvaro.
あなたの歯は洗い場から上ってきた毛を切られた雌羊の群れのようだ。みな二子を産んで、一匹も子のないものはない。
3 Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Zvavovo zvako zviri mumumbure wako zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.
あなたのくちびるは紅の糸のようで、その口は愛らしい。あなたのほおは顔おおいのうしろにあって、ざくろの片われのようだ。
4 Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi yakavakwa zvinoyevedza. Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru, dzose dziri nhoo dzemhare.
あなたの首は武器倉のために建てたダビデのやぐらのようだ。その上には一千の盾を掛けつらね、みな勇士の大盾である。
5 Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara, mapatya emhara dzinofura pamwe chete pakati pemaruva.
あなたの両乳ぶさは、かもしかの二子である二匹の子じかが、ゆりの花の中に草を食べているようだ。
6 Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yotiza, ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuhwira.
日の涼しくなるまで、影の消えるまで、わたしは没薬の山および乳香の丘へ急ぎ行こう。
7 Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu; mauri hamuna kana chinongo.
わが愛する者よ、あなたはことごとく美しく、少しのきずもない。
8 Ngatibvei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu, ngatibvei tose kuRebhanoni. Buruka kubva pamusoro-soro peAmana, kubva pamusoro peSeniri, pamusoro-soro peHerimoni, kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.
わが花嫁よ、レバノンからわたしと一緒にきなさい、レバノンからわたしと一緒にきなさい。アマナの頂を去り、セニルおよびヘルモンの頂を去り、ししの穴、ひょうの山を去りなさい。
9 Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; wanditora mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.
わが妹、わが花嫁よ、あなたはわたしの心を奪った。あなたはただひと目で、あなたの首飾のひと玉で、わたしの心を奪った。
10 Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runofadza sei kukunda waini, uye kunhuhwira kwamafuta ako okuzora kunokunda zvose zvinonhuhwira.
わが妹、わが花嫁よ、あなたの愛は、なんと麗しいことであろう。あなたの愛はぶどう酒よりも、あなたの香油のかおりはすべての香料よりも、いかにすぐれていることであろう。
11 Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuhwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.
わが花嫁よ、あなたのくちびるは甘露をしたたらせ、あなたの舌の下には、蜜と乳とがある。あなたの衣のかおりはレバノンのかおりのようだ。
12 Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa.
わが妹、わが花嫁は閉じた園、閉じた園、封じた泉のようだ。
13 Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi,
あなたの産み出す物は、もろもろの良き実をもつざくろの園、ヘンナおよびナルド、
14 naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwira nemura negavakava, uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa.
ナルド、さふらん、しょうぶ、肉桂、さまざまの乳香の木、没薬、ろかい、およびすべての尊い香料である。
15 Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni.
あなたは園の泉、生ける水の井、またレバノンから流れ出る川である。
16 Muka, iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.
北風よ、起れ、南風よ、きたれ。わが園を吹いて、そのかおりを広く散らせ。わが愛する者がその園にはいってきて、その良い実を食べるように。