< Mapisarema 90 >

1 Munyengetero waMozisi munhu waMwari. Jehovha, imi makava ugaro hwedu kuzvizvarwa zvose.
BOOK IV A Prayer of Moses the man of God. Lord, Thou hast been our dwelling-place in all generations.
2 Makomo asati azvarwa uye musati mabudisa nyika nepasi rose, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.
Before the mountains were brought forth, or ever Thou hadst formed the earth and the world, even from everlasting to everlasting, Thou art God.
3 Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti, “Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.”
Thou turnest man to contrition; and sayest: 'Return, ye children of men.'
4 Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku.
For a thousand years in Thy sight are but as yesterday when it is past, and as a watch in the night.
5 Munokukura vanhu pakuvata kworufu; vakaita sebundo idzva ramangwanani,
Thou carriest them away as with a flood; they are as a sleep; in the morning they are like grass which groweth up.
6 kunyange richimera riri idzva mangwanani, nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.
In the morning it flourisheth, and groweth up; in the evening it is cut down, and withereth.
7 Tapera nokutsamwa kwenyu uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.
For we are consumed in Thine anger, and by Thy wrath are we hurried away.
8 Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, makaisa zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.
Thou hast set our iniquities before Thee, our secret sins in the light of Thy countenance.
9 Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu; tinopedza makore edu nokuchema.
For all our days are passed away in Thy wrath; we bring our years to an end as a tale that is told.
10 Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe, kana makumi masere, kana tiine simba; kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa, nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda.
The days of our years are threescore years and ten, or even by reason of strength fourscore years; yet is their pride but travail and vanity; for it is speedily gone, and we fly away.
11 Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu? Nokuti hasha dzenyu dzakakura sokutyiwa kwakakufanirai imi.
Who knoweth the power of Thine anger, and Thy wrath according to the fear that is due unto Thee?
12 Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka, kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.
So teach us to number our days, that we may get us a heart of wisdom.
13 Dzokai, imi Jehovha! Zvichadaro kusvikira riniko? Ivai netsitsi pamusoro pavaranda venyu.
Return, O LORD; how long? And let it repent Thee concerning Thy servants.
14 Tigutsei mangwanani norudo rwenyu rusingaperi, kuti tigoimba nomufaro tigofara mazuva edu ose.
O satisfy us in the morning with Thy mercy; that we may rejoice and be glad all our days.
15 Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, samakore mazhinji atakaona nhamo.
Make us glad according to the days wherein Thou hast afflicted us, according to the years wherein we have seen evil.
16 Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu, nokubwinya kwenyu kuvana vavo.
Let Thy work appear unto Thy servants, and Thy glory upon their children.
17 Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu; tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu, simbisai basa ramaoko edu.
And let the graciousness of the Lord our God be upon us; establish Thou also upon us the work of our hands; yea, the work of our hands establish Thou it.

< Mapisarema 90 >