< Mapisarema 66 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo. Pisarema. Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!
Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo. Pisarema. Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!
2 Imbirai mukurumbira wezita rake; murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!
Imbirai mukurumbira wezita rake; murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!
3 Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei! Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu vanodedera pamberi penyu.
Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei! Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu vanodedera pamberi penyu.
4 Nyika yose inokukotamirai; vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza, vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.” Sera
Nyika yose inokukotamirai; vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza, vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.” Sera
5 Uyai muone zvaitwa naMwari, mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!
Uyai muone zvaitwa naMwari, mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!
6 Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari.
Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari.
7 Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera
Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera
8 Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;
Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;
9 iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.
iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.
10 Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.
Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.
11 Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu.
Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu.
12 Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.
Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.
13 Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,
Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,
14 mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.
mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.
15 Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondobwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera
Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondobwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera
16 Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; ndikuudzei zvaakandiitira.
Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; ndikuudzei zvaakandiitira.
17 Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.
Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.
18 Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;
Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;
19 asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.
asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.
20 Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!
Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!