< Mapisarema 15 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? Ndiani angagara pagomo renyu dzvene?
מזמור לדוד יהוה מי-יגור באהלך מי-ישכן בהר קדשך
2 Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,
הולך תמים ופעל צדק ודבר אמת בלבבו
3 uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye,
לא-רגל על-לשנו--לא-עשה לרעהו רעה וחרפה לא-נשא על-קרבו
4 anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza,
נבזה בעיניו נמאס-- ואת-יראי יהוה יכבד נשבע להרע ולא ימר
5 anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvi haangatongozungunuswi.
כספו לא-נתן בנשך-- ושחד על-נקי לא לקח עשה-אלה-- לא ימוט לעולם

< Mapisarema 15 >