< Mapisarema 129 >

1 Rwiyo rworwendo. Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati,
上行之诗。 以色列当说:从我幼年以来, 敌人屡次苦害我,
2 “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda.
从我幼年以来,敌人屡次苦害我, 却没有胜了我。
3 Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu.”
如同扶犁的在我背上扶犁而耕, 耕的犁沟甚长。
4 Asi Jehovha akarurama, akandisunungura pamabote avakaipa.
耶和华是公义的; 他砍断了恶人的绳索。
5 Vose vanovenga Zioni ngavadzorerwe shure nenyadzi.
愿恨恶锡安的都蒙羞退后!
6 Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura;
愿他们像房顶上的草, 未长成而枯干,
7 mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo, uye anounganidza haangazadzi maoko ake.
收割的不够一把, 捆禾的也不满怀。
8 Vanopfuura nepo ngavarege kuti, “Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako; tinokuropafadza muzita raJehovha.”
过路的也不说: 愿耶和华所赐的福归与你们! 我们奉耶和华的名给你们祝福!

< Mapisarema 129 >