< Mapisarema 103 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.
Zabbuli Ya Dawudi. Weebaze Mukama, ggwe emmeeme yange; ne byonna ebiri mu nze byebaze erinnya lye ettukuvu.
2 Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake yose,
Weebaze Mukama, ggwe emmeeme yange, era teweerabiranga birungi bye byonna.
3 iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose,
Asonyiwa ebibi byo byonna, n’awonya n’endwadde zo zonna.
4 anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,
Anunula obulamu bwo emagombe, n’akusaasira era n’akwagala n’okwagala okutaggwaawo.
5 anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.
Awa emmeeme yo ebintu ebirungi byeyagala; obuvubuka bwo ne budda buggya ng’empungu.
6 Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa.
Mukama asala mu butuukirivu ne mu bwenkanya, ensonga z’abo bonna abajoogebwa.
7 Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri:
Yamanyisa Musa ebyo by’ayagala, n’alaga abaana ba Isirayiri ebikolwa bye.
8 Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.
Mukama wa kisa era ajjudde okusaasira, tasunguwala mangu, era alina okwagala okutaggwaawo.
9 Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi;
Taasibenga busungu ku mwoyo, era tasunguwala kumala bbanga lyonna.
10 haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.
Tatukola ng’okwonoona kwaffe bwe kuli, wadde okutusasula ng’ebikolwa byaffe ebitali bya butuukirivu bwe biri.
11 Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;
Ng’eggulu bwe litumbidde ennyo waggulu w’ensi, n’okwagala kwe bwe kuli okunene bwe kutyo eri abo abamutya.
12 sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.
Ebibi byaffe abituggyako n’abitwala wala ng’ebuvanjuba bw’eri ewala okuva ebugwanjuba.
13 Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
Kitaawe w’abaana nga bw’asaasira abaana be, ne Mukama bw’atyo bw’asaasira abo abamutya.
14 nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.
Kubanga amanyi nga bwe twakolebwa era ng’ajjukira nti tuli nfuufu.
15 Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango;
Wabula omuntu, ennaku z’obulamu bwe ziri ng’omuddo; akula n’agimuka ng’ekimuli eky’omu nnimiro;
16 mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve.
empewo ekifuuwa, ne kifa; nga ne we kyali tewakyajjukirwa.
17 Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pane avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo,
Naye okwagala kwa Katonda eri abo abamutya tekuggwaawo emirembe gyonna, n’obulokozi bwe eri abaana b’abaana baabwe.
18 naavo vanochengeta sungano yake uye vanorangarira kuita zvaakatema.
Be bo abakuuma endagaano ye ne bajjukira okugondera amateeka ge.
19 Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga, uye ushe hwake hunotonga zvinhu zvose.
Mukama anywezezza entebe ye ey’obwakabaka mu ggulu, n’obwakabaka bwe bufuga ensi yonna.
20 Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake, nemi vane simba vanoita zvaakarayira, vanoteerera shoko rake.
Mwebaze Mukama mmwe bamalayika be, mmwe ab’amaanyi abakola ky’agamba, era abagondera ekigambo kye.
21 Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzose dzokudenga, imi varanda vake vanoita kuda kwake.
Mwebaze Mukama mmwe amaggye ge ag’omu ggulu, mmwe abaweereza be abakola by’ayagala.
22 Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose kwose kwose kuno umambo hwake. Rumbidza Jehovha, mweya wangu.
Mwebaze Mukama, mmwe ebitonde bye byonna ebiri mu matwale ge gonna. Weebaze Mukama, ggwe emmeeme yange.

< Mapisarema 103 >