< Zvirevo 23 >

1 Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako,
Bir önderle yemeğe oturduğunda Önüne konulana dikkat et.
2 uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo.
İştahına yenilecek olursan, Daya bıçağı kendi boğazına.
3 Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera.
Onun lezzetli yemeklerini çekmesin canın, Böyle yemeğin ardında hile olabilir.
4 Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.
Zengin olmak için didinip durma, Çıkar bunu aklından.
5 Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo.
Servet göz açıp kapayana dek yok olur, Kanatlanıp kartal gibi göklere uçar.
6 Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;
Cimrinin verdiği yemeği yeme, Lezzetli yemeklerini çekmesin canın.
7 nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.
Çünkü yediğin her şeyin hesabını tutar, “Ye, iç” der sana, Ama yüreği senden yana değildir.
8 Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.
Yediğin azıcık yemeği kusarsın, Söylediğin güzel sözler de boşa gider.
9 Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.
Akılsıza öğüt vermeye kalkma, Çünkü senin sözlerindeki sağduyuyu küçümser.
10 Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera,
Eski sınır taşlarının yerini değiştirme, Öksüzlerin toprağına el sürme.
11 nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.
Çünkü onların Velisi güçlüdür Ve onların davasını sana karşı O yürütür.
12 Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.
Uyarıları zihnine işle, Bilgi dolu sözlere kulak ver.
13 Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.
Çocuğunu terbiye etmekten geri kalma, Onu değnekle dövsen de ölmez.
14 Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu. (Sheol h7585)
Onu değnekle döversen, Canını ölüler diyarından kurtarırsın. (Sheol h7585)
15 Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara;
Oğlum, bilge yürekli olursan, Benim yüreğim de sevinir.
16 mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama.
Dudakların doğru konuştuğunda Gönlüm de coşar.
17 Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi, asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha.
Günahkârlara imrenmektense, Sürekli RAB korkusunda yaşa.
18 Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparadzwi.
Böylece bir geleceğin olur Ve umudun boşa çıkmaz.
19 Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri, uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama.
Oğlum, dinle ve bilge ol, Yüreğini doğru yolda tut.
20 Usabatana navaya vanonwa waini zhinji, kunyange vaya vanokara nyama,
Aşırı şarap içenlerle, Ete düşkün oburlarla arkadaşlık etme.
21 nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve.
Çünkü ayyaş ve obur kişi yoksullaşır, Uyuşukluk da insana paçavra giydirir.
22 Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.
Sana yaşam veren babanın sözlerine kulak ver, Yaşlandığı zaman anneni hor görme.
23 Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.
Gerçeği satın al ve satma; Bilgeliği, terbiyeyi, aklı da.
24 Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.
Doğru kişinin babası coştukça coşar, Bilgece davranan oğulun babası sevinir.
25 Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo!
Annenle baban seninle coşsun, Seni doğuran sevinsin.
26 Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu,
Oğlum, beni yürekten dinle, Gözünü gittiğim yoldan ayırma.
27 nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.
Çünkü fahişe derin bir çukur, Ahlaksız kadın dar bir kuyudur.
28 Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.
Evet, soyguncu gibi pusuda bekler Ve birçok erkeği yoldan çıkarır.
29 Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
Ah çeken kim? Vah çeken kim? Kimdir çekişip duran? Yakınan kim? Boş yere yaralanan kim? Gözleri kanlı olan kim?
30 Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavhenganiswa.
İçmeye oturup kalkamayanlar, Karışık şarapları denemeye gidenlerdir.
31 Usatarisa waini kana yatsvuka, kana ichivaima iri mumukombe, kana ichidzika zvakanaka pakunwa!
Şarabın kızıl rengine, Kadehte ışımasına, Boğazdan aşağı süzülüvermesine bakma.
32 Pakupedzisira inoruma senyoka uye ine uturu semvumbi.
Sonunda yılan gibi ısırır, Engerek gibi sokar.
33 Meso ako achaona zvisakamboonekwa uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana.
Gözlerin garip şeyler görür, Aklından ahlaksızlıklar geçer.
34 Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa, kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe.
Kendini kâh denizin ortasında, Kâh gemi direğinin tepesinde yatıyor sanırsın.
35 Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara! Vakandirova asi handina kuzvinzwa! Ndichamuka rinhiko kuti ndigotsvakazve waini?”
“Dövdüler beni ama incinmedim, Vurdular ama farketmedim” dersin, “Yeniden içmek için ne zaman ayılacağım?”

< Zvirevo 23 >