< Joshua 18 >

1 Ungano yose yavaIsraeri yakaungana paShiro vakadzikapo Tende Rokusangana. Nyika yakanga yava pasi pavo,
En ce temps-là, toute la synagogue des fils d'Israël se réunit à Silo; ils y dressèrent le tabernacle du témoignage, et la terre promise était subjuguée par eux.
2 Asi kwakanga kwasara marudzi manomwe avaIsraeri akanga asati agoverwa nhaka yawo.
Or, il y avait encore sept tribus des fils d'Israël qui ne s'étaient point mises en possession d'un héritage.
3 Saka Joshua akati kuvaIsraeri, “Muchamirira kusvika rinhiko musati matora nyika yamakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu?
Josué dit donc aux fils d'Israël: Jusqu'à quand diffèrerez-vous de partager la terre que vous a donné le Seigneur notre Dieu?
4 Zvitsaurirei varume vatatu kurudzi rumwe norumwe. Ndichavatuma kuti vanosora nyika uye kuti vagonyora vachirondedzera zvayakaita maererano nenhaka imwe neimwe. Ipapo vachadzoka kwandiri.
Choisissez parmi vous trois hommes par tribu; qu'ils partent, qu'ils parcourent la terre, qu'ils reviennent devant moi me la décrire et me dire comme il convient de la partager.
5 Munofanira kuganhura kuti iite zvikamu zvinomwe. Judha anofanira kuramba ari munyika yezasi uye imba yaJosefa munyika yokumusoro.
Et les hommes vinrent près de lui, et il leur fit sept parts, disant: Juda sera leur limite au midi, et les fils de Joseph au nord.
6 Mushure mokunge manyora rondedzero yezvikamu zvinomwe zvenyika, muuye nazvo kwandiri ndigokukandirai mujenya pamberi paJehovha Mwari wenyu.
Pour vous, partagez la terre en sept parties et revenez me faire ici votre rapport; ensuite, je vous désignerai vos parts, par la voie du sort, devant le Seigneur notre Dieu.
7 Kunyange zvakadaro hazvo, vaRevhi havawani mugove pakati penyu, nokuti uprista hwaJehovha ndihwo nhaka yavo. Uye Gadhi, Rubheni nehafu yorudzi rwaManase vakapiwa kare nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani. Mozisi muranda waJehovha ndiye akavapa nhaka iyoyo.”
Et il n'y aura point de part pour les fils de Lévi parmi vous; car le sacerdoce du Seigneur est leur partage. Quant à Gad, Ruben et la demi-tribu de Manassé, ils ont pris possession de leur héritage sur la rive orientale du Jourdain, telle que le leur a donne Moïse, serviteur de Dieu.
8 Varume vakati vaenda kundotara muganhu wenyika, Joshua akavarayira achiti, “Endai mundosora nyika mugonyora rondedzero yayo. Ipapo mugodzoka kwandiri, uye ndichakukandirai mujenya pano paShiro pamberi paJehovha.”
Les hommes se levèrent pour partir, et Josué leur prescrivit de parcourir toute la terre, disant: Allez, et parcourez la terre, et revenez vers moi, ici en Silo, où je vous désignerai vos parts, par la voie du sort, devant le Seigneur.
9 Saka varume vakaenda, vakafamba nenyika. Vakanyora rondedzero yayo mubhuku, guta neguta, muzvikamu zvinomwe, ndokudzokera kuna Joshua kumusasa paShiro.
Ils partirent, parcoururent et virent la terre dont ils firent la description en un livre, où ils indiquèrent sept parts, et qu'ils apportèrent à Josué.
10 Ipapo Joshua akavakandira mujenya muShiro pamberi paJehovha, ndokugovera vaIsraeri nyika ipapo maererano namarudzi avo.
Celui-ci tira leurs lots au sort à Silo, devant le Seigneur.
11 Rudzi rwaBhenjamini rwakapiwa mugove warwo, mhuri nemhuri. Nyika yavakagoverwa yakanga iri pakati pamarudzi aJudha neaJosefa:
Le lot de la tribu de Benjamin, par familles, fut désigné le premier; Josué leur donna des limites entre les fils de Juda et les fils de Joseph.
12 Kumusoro muganhu wavo waitangira paJorodhani, uchipfuura nokumusoro kwamateru eJeriko ndokunanga kumavirira okunyika yamakomo, uchindobuda kurenje reBheti Avheni.
Leur frontière septentrionale, partant du Jourdain, passe derrière Jéricho, au nord; puis, elle s'étend à l'occident, à travers les montagnes, et elle aboutit à Bethon de Mabdara.
13 Kubva ikoko wakayambukira kumateru ezasi kweRuzi (iro Bheteri) uchizoburukira kuAtaroti Adhari pagomo riri zasi kweBheti Horoni yezasi.
De ce lieu, la frontière passe au midi de Luza, la même que Bethel; ensuite, elle descend à Maatarob-Orech, vers les montagnes qui sont au midi de Bethoron-la-Basse.
14 Kubva pachikomo chakatarisana neBheti Horoni nechokumusoro, muganhu wakadzokera zasi kudivi rokumavirira ndokundobudira paKiriati Bhaari (iro Kiriati Jearimi), guta ravanhu veJudha. Iri ndiro raiva divi rokumavirira.
Après cela, elle traverse et côtoie le territoire qui regarde l'occident, et qui part, au midi, des montagnes en face de Bethoron-Sud. Elle aboutit à Cariath-Baal, la même que Cariathiarim, ville des fils de Juda. Tel est le côté de l'occident.
15 Rutivi rwezasi rwakatangira panogumira Kiriati Jearimi kumavirira, uye muganhu wakandobudira patsime remvura zhinji reNefitoa.
Au midi, la limite part du territoire de Cariath-Baal; elle traverse Gasin jusqu'à la fontaine des eaux de Naphtho.
16 Muganhu wakaburukira mujinga megomo rakatarisana nomupata weBheni Hinomi kumusoro kwomupata weRefaimi. Wakaramba uchidzika nokuMupata weHinomi mujinga memateru echezasi kweguta ravaJebhusi kusvikira kuEni Rogeri.
Ensuite, elle descend vers le territoire qui est vis-à-vis la forêt de Sonnam, située au nord d'Emec-Rhaphaïn; puis à Géenna, passant derrière Jébus au midi; puis, vers la fontaine Rhogel.
17 Ipapo wakazokombamira kumusoro uchienda kuEni Shemeshi, uchipfuurira mberi kuGeriroti yakatarisana noMupata weAdhumimi, ndokuburikira kuDombo raBhohani mwanakomana waRubheni.
Ensuite, elle traverse la fontaine Bethsamys; Puis, elle côtoie Galiloth, qui est en face de la hauteur d'Ethamim; elle descend vers la roche de Béon, fils de Ruben.
18 Wakaramba uchienda nokurutivi rwokumusoro kwamateru eBheti Arabha.
Elle passe au nord, derrière Bétharaba, et descend
19 Ipapo wakananga nechokumusoro kwamateru eBheti Hogira ndokubudira kumusoro kweGungwa roMunyu, pamuromo weJorodhani nechezasi. Uyu ndiwo wakanga uri muganhu wezasi.
de la frontière de Béthagla
20 Jorodhani ndirwo rwakanga rwuri muganhu kumabvazuva. Iyi ndiyo yakanga iri miganhu yairatidza nhaka yemhuri dzaBhenjamini kumativi ose.
Le Jourdain est sa limite du côté de l'orient; tel est l'héritage des fils de Benjamin, par familles; telles sont ses limites.
21 Rudzi rwaBhenjamini, mhuri nemhuri, rwakanga runa maguta anotevera anoti: Jeriko, Bheti Hogira, Emeki Kezizi,
Les villes des fils de Benjamin, par familles, sont: Jéricho, Béthégéo, Amécasis,
22 Bheti Arabha, Zamaraini, Bheteri,
Bétharaba, Saré, Bésana,
23 Avhimi, Para, Ofira,
Eïn, Pharé, Ephratha,
24 Kefari Amoni, Ofini, neGebha, maguta gumi namaviri pamwe chete nemisha yawo.
Carapha, Céphira, Moni et Gabaa: douze villes avec leurs villages;
25 Ghibheoni, Rama, Bheeroti,
Gabaon, Rhama, Béirotha.
26 Mizipa, Kefira, Moza,
Massima, Miron, Amocé,
27 Rekemu, Iripeeri, Tarara,
Phira, Caphan, Nacan, Sélécan, Thareila,
28 Zera, Haerefi guta ravaJebhusi, (iro Jerusarema) Gibhea neKiriati, maguta gumi namana pamwe chete nemisha yawo. Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yemhuri dzaBhenjamini.
Jébus, la même que Jérusalem, Gabaoth et Jarin: treize villes et leurs villages; tel est l'héritage des fils de Benjamin, par familles.

< Joshua 18 >