< Joshua 16 >

1 Mugove waJosefa waitangira paJorodhani paJeriko kumabvazuva kwemvura zhinji yeJeriko, ndokukwidza uchibva ikoko nomugwenga uchienda kunyika yezvikomo yeBheteri.
约瑟的子孙拈阄所得之地是从靠近耶利哥的约旦河起,以耶利哥东边的水为界:从耶利哥上去,通过山地的旷野,到伯特利;
2 Waienderera mberi uchibva paBheteri (iro Ruzi), ndokuyambukira kunyika yavaAriki muAtaroti,
又从伯特利到路斯,接连到亚基人的境界,至亚他绿;
3 ndokuburukira kumabvazuva kunyika yavaJafereti uchindosvika kunyika yeBheti Horoni reZasi nokuGezeri, uchigumira pagungwa.
又往西下到押利提人的境界,到下伯·和 的境界,直到基色,通到海为止。
4 Saka Manase naEfuremu zvizvarwa zvaJosefa, vakagamuchira nhaka yavo.
约瑟的儿子玛拿西、以法莲就得了他们的地业。
5 Iyi ndiyo yaiva nyika yaEfuremu, mhuri nemhuri: Muganhu wenhaka yavo waibvira paAtaroti Adhari kumabvazuva uchisvika kuBheti Horoni yoKumusoro
以法莲子孙的境界,按着宗族所得的,记在下面:他们地业的东界是亚他绿·亚达到上伯·和 ;
6 uye uchindosvika kugungwa, kubva kuMikimetati nechokumusoro waikombamira kumabvazuva uchindosvika paTaanati Shiro, ndokupfuura ipapo wakananga kuJanoa nechokumabvazuva.
往西通到北边的密米他,又向东绕到他纳·示罗,又接连到雅挪哈的东边;
7 Ipapo wakadzika uchibva kuJanoa uchienda kuAtaroti nokuNaara, ndokundobata Jeriko, ndokubudira paJorodhani.
从雅挪哈下到亚他绿,又到拿拉,达到耶利哥,通到约旦河为止;
8 Kubva paTapuwa muganhu waienda kumavirazuva kuRwizi rweKana uchindogumira pagungwa. Iyi ndiyo yaiva nhaka yorudzi rwavaEfuremu mhuri nemhuri.
从他普亚往西,到加拿河,直通到海为止。这就是以法莲支派按着宗族所得的地业。
9 Waisanganisirawo maguta ose nemisha yawo yakanga yakatsaurirwa vaEfuremu pakati penhaka yavaManase.
另外在玛拿西人地业中得了些城邑和属城的村庄。这都是分给以法莲子孙的。
10 Havana kudzinga vaKenani vakanga vagere muGezeri; nanhasi vaKenani vagere pakati pavaEfuremu asi vanoshandiswa mabasa echibharo.
他们没有赶出住基色的迦南人;迦南人却住在以法莲人中间,成为做苦工的仆人,直到今日。

< Joshua 16 >