< Jobho 34 >

1 Ipapo Erihu akati:
厄里烏接著說:
2 “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo.
你們有智慧的人,請聽我言;你們明白人,請側耳聽我。
3 Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya.
原來耳朵是為辨別言語,有如口腔是為辨嘗食物。
4 Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi.
讓我們來檢討一下誰為正義,讓我們看看何者為善。
5 “Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira.
約伯說過:「我是無罪的,但我的理,卻為天主奪去。
6 Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, museve wake unobaya ronda risingarapiki.’
我雖無罪無辜,卻成了說謊者;我雖未行不義,卻受了不可醫治的創傷。」
7 Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura?
那有一人像約伯,肆口漫罵如飲水﹖
8 Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa.
他豈不是與作惡的人結夥,同壞人交結來往﹖
9 Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’
他豈不是說過:「盡心悅樂天主,為人能有什麼好處﹖」
10 “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.
為此,你們心地明白的人,請聽我說,天主決不行惡,全能者決無不義!
11 Anoripira munhu pane zvaanenge aita; anoisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.
他必照人的行為報答他,按他的品行對待他。
12 Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.
天主絕對不能作惡,全能者絕對不能顛倒是非。
13 Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?
誰委派他掌管大地,誰任命他治理普世﹖
14 Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake,
他若將自己的神魂收回,將氣息復歸於自己,
15 marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete, uye munhu aizodzokerazve kuguruva.
所有血肉的人必都消滅,世人都要歸於塵土。
16 “Kana uchinzwisisa teerera izvi; chinzwa zvandinoreva.
若你聰明,請聽這事,側耳傾聽我的話。
17 Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here? Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here?
憎恨正義的,豈能掌權﹖而你竟敢定那至公義者的罪﹖
18 Ko, haazi iye anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’ uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’
他能稱君王為歹徒,能稱官吏為壞人。
19 asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda, uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti vose ibasa ramaoko ake?
他對權貴不顧情面,亦不重富輕貧,因為都是他一手造成的。
20 Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
他們猝然在半夜死去,貴族能立即氣絕逝世;他剷除權貴者,無須人手。
21 “Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.
因為他的眼監視人的動作,觀察他的行徑。
22 Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri wakadzama, pangavanda vaiti vezvakaipa.
沒有黑暗,也沒有陰影,可將作惡的人掩蔽。
23 Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.
天主不必給人指定時間,為使人到他前去受審。
24 Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.
他粉碎權勢者,無須審察,即刻能派定別人代替他們。
25 Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku uye vanopwanyiwa.
他原知道他們的行為,一夜之間將他們推翻消滅。
26 Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose,
在眾目昭彰之下,鞭打他們有如罪犯。
27 nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.
因為他們遠離了他,不重視他一切的道,
28 Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, zvokuti akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.
致使窮人的哀號上達於他,使他聽到了受苦者的哀求。
29 Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,
他若安息,誰敢騷擾﹖他若掩面,誰敢窺視﹖他對國對人都予以監視,
30 kuti abvise munhu asina umwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo.
使凡欺壓人民的,不得為王。
31 “Ngatiti munhu oti kuna Mwari, ‘Ndine mhaka asi handichatadzazve.
如果惡人向天主說:「我受了欺騙,以後不再作惡。
32 Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona; kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’
我所看不透的,求你指教我;我若以前作了孽,不敢再做了。」
33 Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here, zvaunoramba kutendeuka? Unofanira kusarudza iwe, kwete ini; saka nditaurire zvaunoziva.
他施行報應,豈應隨你的心意﹖或者你能拒絕不受嗎﹖決定的是你,而不是我! 你若知道,儘管說罷!
34 “Imi vanhu vokunzwisisa taurai, vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri,
但是心地聰明,具有智慧,且聽我說話的人,必要對我說:「
35 ‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’
約伯所講的話毫無知識,他的話全不明智。」
36 Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira, nokuti anopindura somunhu akaipa!
為此,約伯還要受徹底的究察,因為他的答覆好似出自惡人之口,
37 Pachivi chake anowedzera kumukira; anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa, uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.”
因為他在罪上又加反叛,當著我們磨拳擦掌,講出許多相反天主的話。

< Jobho 34 >