< Ezekieri 36 >
1 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pamakomo eIsraeri uti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raJehovha.
Ти, сине човечји, пророкуј горама Израиљевим, и реци: Горе Израиљеве, чујте реч Господњу.
2 Zvanzi naIshe Jehovha: Muvengi akati kwauri, “Toko waro! Nzvimbo dzakakwirira dzekare dzava dzedu.”’
Овако вели Господ Господ: Што непријатељ говори за вас: Ха ха! Вечне висине посташе наше наследство;
3 Naizvozvo profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti vakakuparadzai uye vakakudzingirai kumativi ose kusvikira mava vanhu vendudzi dzose uye nechinhu chinoshorwa navanhu, nechinorehwa,
Зато пророкуј и реци: Овако вели Господ Господ: Што вас пустоше и прождиру са свих страна, да постанете наследство осталим народима, и постасте прича и руг народима,
4 naizvozvo, imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata, kumatongo akaparadzwa okumaguta akasiyiwa akanga apambwa uye akasekwa nendudzi dzose dzakakupoteredzai,
Зато, горе Израиљеве, чујте реч Господа Господа; овако вели Господ горама Израиљевим и хумовима, потоцима и долинама, и пустим развалинама и градовима остављеним, које посташе грабеж и подсмех осталим народима унаоколо,
5 zvanzi naIshe Jehovha: Mumoto wokushingaira kwangu, ndakataura pamusoro pendudzi dzakasara, uye pamusoro peEdhomu yose, nokuti nomufaro uye negodo remwoyo yavo vakaita nyika yangu nhaka yavo kuitira kuti vapambe mafuro avo.’
Зато овако вели Господ Господ: У огњу ревности своје говорих против осталих народа и против све едомске, што освојише моју земљу радујући се из свега срца и ругајући се из душе да би је опленили.
6 Naizvozvo profita pamusoro penyika yeIsraeri uti kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata: ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndinotaura negodo nehasha dzangu nokuti makashorwa nendudzi.
Зато пророкуј за земљу Израиљеву, и реци горама и хумовима, потоцима и долинама: Овако вели Господ Господ: Ево, ја говорих у ревности својој и у јарости својој; што подносите срамоту од народа,
7 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndinopika noruoko rwakasimudzwa kuti ndudzi dzakakupoteredza naidzo dzichashorwawo.
Зато овако вели Господ Господ: Ја подигох руку своју да ће народи што су око нас носити срамоту своју.
8 “‘Asi imi, iyemi makomo eIsraeri, muchabudisa matavi nemichero yavanhu vangu ivo Israeri, nokuti vachakurumidza kudzokera kumusha.
А ви, горе Израиљеве, пуштаћете гране своје, и род свој носићете народу мом Израиљу, јер ће скоро доћи.
9 Ndine hanya newe uye ndichakutarira neziso rine tsitsi; ucharimwa ugodyarwa,
Јер ево ме код вас, и гледаћу вас, и бићете рађене и засеване.
10 uye ndichawanza vanhu pamusoro pako, kunyange iyo imba yose yaIsraeri. Maguta achagarwa uye matongo achavakwazve.
И умножићу у вама људе, дом Израиљев сав колики је, и градови ће се населити и пустолине саградити.
11 Ndichawedzera kuwanda kwavanhu nezvipfuwo pamusoro pako uye vachava nezvibereko vagowanda kwazvo. Ndichagarisa vanhu mauri sezvazvakanga zvakaita kare uye ndichaita kuti mubudirire kupfuura pakutanga. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
Умножићу у вама људе и стоку, и намножиће се и наплодити, и населићу вас како бисте пре; и учинићу вам добра више него пре; и познаћете да сам ја Господ.
12 Ndichaita kuti vanhu, ivo vanhu vangu Israeri, vafambe pamusoro pako. Vachakutora uye muchava nhaka yavo; hamuchazovatorerizve vana vavo.
И довешћу к вама људе, народ свој Израиља, и наследиће вас, и бићете им наследство, и нећете их више затирати.
13 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuti vanhu vanoti kwauri, “Iwe unodya vanhu uye unotorera rudzi rwako vana,”
Овако вели Господ Господ: Што вам говоре да сте земља која прождире људе и затире своје народе,
14 naizvozvo hauchazodyi vanhu kana kushayisa rudzi rwako vana, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Зато нећеш више прождирати људи, и народа својих нећеш више затирати, говори Господ Господ.
15 Handichazoiti kuti unzwe kutuka kwendudzi, hauchazoshorwi navanhu uye handichazoiti kuti rudzi rwako ruwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”
И нећу дати да се више у теби чује срамота од народа, и руга од народа нећеш више подносити, и нећеш више затирати својих народа, говори Господ Господ.
16 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Опет ми дође реч Господња говорећи:
17 “Mwanakomana womunhu, vanhu vaIsraeri pavaigara munyika yavo chaiyo, vakaisvibisa namaitiro avo uye namabasa avo. Maitiro avo akanga akaita sokusachena kwomukadzi ari kumwedzi pamberi pangu.
Сине човечји, дом Израиљев живећи у својој земљи оскврни је својим путем и својим делима; пут њихов беше преда мном као нечистота жене одвојене.
18 Saka ndakadurura hasha dzangu pamusoro pavo nokuti vakanga vateura ropa munyika uye nokuti vakanga vakaisvibisa nezvifananidzo zvavo.
Зато излих гнев свој на њих ради крви коју пролише на земљу и ради гадних богова њихових, којима је оскврнише.
19 Ndakavaparadzira pakati pendudzi, uye vakadzingirwa kunyika dzose; ndakavatonga zvakafanira mufambiro wavo namabasa avo.
И расејах их по народима, и разасуше се по земљама; по путевима њиховим и по делима њиховим судих им.
20 Uye kwose kwose kwavakaenda pakati pendudzi, vakasvibisa zita rangu dzvene, nokuti zvakanzi pamusoro pavo, ‘Ava ndivo vanhu vaJehovha, asi vakatonzi vabve munyika yake.’
И кад дођоше међу народе, где год дођоше оскврнише свето име моје, а за њих се говораше да су Господњи народ и да су из земље његове изашли.
21 Ndakanga ndine hanya nezita rangu dzvene, rakanga rasvibiswa neimba yaIsraeri pakati pendudzi kwavakanga vaenda.
Али ми се сажали ради светог имена мог, које оскврни дом Израиљев у народима у које дође.
22 “Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakusi kuda kwenyu, imi imba yaIsraeri, kuti ndiite zvinhu izvi, asi imhaka yezita dzvene, ramakasvibisa pakati pendudzi kwamakaenda.
Зато реци дому Израиљевом: Овако вели Господ Господ: Нећу вас ради учинити, доме Израиљев, него ради светог имена свог, које оскврнисте у народима у које дођосте;
23 Ndicharatidza utsvene hwezita rangu guru, rakanga rasvibiswa pakati pendudzi, iro zita ramakasvibisa pakati pavo. Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ndini Jehovha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, panguva yandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo.
И посветићу име своје велико оскврњено у народима, које ви оскврнисте међу њима; и народи ће познати да сам ја Господ, говори Господ Господ, кад се посветим у вама пред њима.
24 “‘Nokuti ndichakubudisa pakati pendudzi; ndichakuunganidzai kubva kunyika dzose ndigokudzoserai munyika yangu chaiyo.
Јер ћу вас узети из народа, и покупићу вас из свих земаља, и довешћу вас у вашу земљу.
25 Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchava vakachena, ndichakunatsai patsvina yenyu yose napazvifananidzo zvenyu.
И покропићу вас водом чистом, и бићете чисти; ја ћу вас очистити од свих нечистота ваших и од свих гадних богова ваших.
26 Ndichakupai mwoyo mutsva nokuisa mweya mutsva mukati menyu, ndichabvisa mwoyo webwe mamuri ndigoisa mwoyo wenyama mukati menyu.
И даћу вам ново срце, и нов ћу дух метнути у вас, и извадићу камено срце из тела вашег, и даћу вам срце месно.
27 Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu uye ndichakuitai kuti mutevere mitemo yangu mugochenjerera kuchengeta mirayiro yangu.
И дух свој метнућу у вас, и учинићу да ходите по мојим уредбама и законе моје да држите и извршујете.
28 Muchagara munyika yandakapa madzitateguru enyu; imi muchava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wenyu.
И наставаћете у земљи коју сам дао оцима вашим, и бићете ми народ и ја ћу вам бити Бог.
29 Ndichakuponesai kubva pakusachena kwenyu kwose. Ndichadana zviyo ndigozviwanza uye handingauyisi nzara pamusoro penyu.
И опростићу вас свих нечистота ваших, и дозваћу жито и умножићу га, и нећу пустити на вас глади.
30 Ndichawanza zvibereko zvemiti uye nezvirimwa zveminda, kuitira kuti murege kuzoshorwazve pakati pendudzi nokuda kwenzara.
И умножићу род на дрветима и род на њиви, те нећете више подносити срамоте међу народима са глади.
31 Ipapo mucharangarira nzira dzenyu dzakaipa namabasa enyu akaipa, uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvivi zvenyu namabasa enyu anonyangadza.
И опоменућете се злих путева својих и дела својих која не беху добра, и сами ћете себи бити мрски за безакоња своја и за гадове своје.
32 Ndinoda kuti muzive kuti handisi kuita izvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Nyaraiwo uye munyadziswe nokuda kwamaitiro enyu, imi, imba yaIsraeri!
Нећу вас ради учинити, говори Господ Господ; знајте; посрамите се и постидите се путева својих, доме Израиљев.
33 “‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randinokunatsai pazvivi zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta enyu uye matongo achavakwazve.
Овако вели Господ Господ: Кад вас очистим од свих безакоња ваших, населићу градове, и пустолине ће се опет саградити.
34 Nyika yakanga yava dongo icharimwazve pachinzvimbo chokugara iri dongo pamberi pavose vanopfuura napo.
И пуста ће се земља радити, што је била пуста пред сваким који пролажаше.
35 Vachati, “Nyika iyi yakanga yaparara iye zvino yafanana nebindu reEdheni; maguta akanga ava matongo aparadzwa, zvino akomberedzwa uye ogarwa.”
И рећи ће се: Земља ова што беше пуста поста као врт едемски, и градови што беху пусти, разваљени и раскопани, утврдише се и населише се.
36 Ipapo ndudzi dzakasara, dzakakupoteredzai dzichaziva kuti ini Jehovha ndakavakazve zvakanga zvaparadzwa uye ndakadyarazve zvakanga zvaparadzwa. Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’
И народи који остану око вас познаће да ја Господ саграђујем разваљено и засађујем опустело. Ја Господ рекох, и учинићу.
37 “Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichagamuchirazve chikumbiro cheimba yaIsraeri ndigovaitira izvi: Ndichawanza kwazvo vanhu vavo sokuwanda kwamakwai,
Овако вели Господ Господ: још ће ме тражити дом Израиљев да им учиним, да их умножим људима као стадо.
38 sokuwanda kwakaita mapoka ezvipiriso paJerusarema panguva yemitambo yaro yakatarwa. Saka maguta akaparadzwa achazadzwa namapoka avanhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Као свето стадо, као стадо у Јерусалиму о празницима њиховим, тако ће пусти градови бити пуни стада људи, и познаће да сам ја Господ.