< Muparidzi 5 >

1 Chenjerera rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari. Enda pedyo undonzwa pano kuti upe chibayiro chamapenzi, vasingazivi kuti vanoita zvakaipa.
Keep thy foot when thou go to the house of God, for to draw near to hear is better than to give the sacrifice of fools. For they know not that they do evil.
2 Usakurumidza nomuromo wako, usakurumidza mumwoyo mako kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari. Mwari ari kudenga uye iwe uri pasi, saka mashoko ako ngaave mashoma.
Be not rash with thy mouth, and let not thy heart be hasty to utter anything before God. For God is in heaven, and thou upon earth. Therefore let thy words be few.
3 Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji.
For a dream comes with a multitude of business, and a fool's voice with a multitude of words.
4 Kana waita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa. Iye haafariri mapenzi; zadzisa mhiko yako.
When thou vow a vow to God, defer not to pay it, for he has no pleasure in fools. Pay that which thou vow.
5 Zviri nani kurega kupika pano kuita mhiko wozorega kuizadzisa.
Better is it that thou should not vow, than that thou should vow and not pay.
6 Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako?
Do not allow thy mouth to cause thy flesh to sin, nor say thou before the agent, that is was an error. Why should God be angry at thy voice, and destroy the work of thy hands?
7 Kurota kuzhinji namashoko mazhinji hazvina maturo. Naizvozvo mira utye Mwari.
For in the multitude of dreams there are vanities, and in many words. But fear thou God.
8 Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa mudunhu uye achinyimwa kururamisirwa nekodzero, usashamiswa nezvinhu zvakadai; nokuti mumwe mukuru anotarirwa nomumwe ari pamusoro pake, uye pamusoro pavo vose pane vamwe vakavakurirawo.
If thou see the oppression of a poor man, and the violent wresting of justice and righteousness in a province, marvel not at the matter. For a man higher than the high is observing, and there are higher men than they.
9 Zvinowanikwa kubva panyika zvinotorwa navose; iye mambo ane zvaanowana kubva kuminda.
Moreover the abundance of the land is for all. The king himself is served by the field.
10 Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana; ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana. Naizvozviwo hazvina maturo.
He who loves silver shall not be satisfied with silver, nor he who loves abundance, with increase. This also is vanity.
11 Nokuwanda kunoita pfuma, ndiko kuwanda kunoitawo vanoidya. Uye zvinobatsireiko kumuridzi wayo kunze kwokungogutsa meso ake nayo?
When goods increase, they are increased who eat them. And what advantage is there to the owner of it, except the beholding of them with his eyes?
12 Hope dzomushandi dzakanaka, hazvinei kuti adya zvishoma kana zvizhinji, asi kuwanda kwezvinhu zvomupfumi hakumuwanisi hope.
The sleep of a laboring man is sweet, whether he eats little or much, but the fullness of the rich will not allow him to sleep.
13 Ndakaona chinhu chakaipisisa pasi pezuva: pfuma inounganidzwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo,
There is a grievous evil which I have seen under the sun: Riches were kept by the owner of it to his hurt.
14 kana pfuma inorasika nokuda kwechinhu chakaipa chinomuwira, kuti kana abereka mwana mukomana anoshaya chaanomusiyira.
And those riches perish in a bad venture. And if he has begotten a son, there is nothing in his hand.
15 Munhu sezvaanobuda mudumbu ramai vake, uye sokuuya kwake, saizvozvowo anoenda. Haana chaanotakura chinobva pabasa rake, chaangaenda nacho muruoko rwake.
As he came forth from his mother's womb, naked shall he go again as he came, and shall take nothing for his labor, which he may carry away in his hand.
16 Ichi zvakare chinhu chakaipa kwazvo: Sokuuya kunoita munhu saizvozvowo anoenda, uye chii chaangawana, iye achishandira mhepo?
And this also is a grievous evil, that in all points as he came, so shall he go. And what profit has he that he labored for the wind?
17 Pamazuva ake ose anodyira murima, nokudzungaira kukuru, kutambudzika uye nehasha.
All his days also he eats in gloom, and he is greatly troubled, and has depression and anger.
18 Ipapo ndakaziva kuti zvakanaka uye zvakafanira kuti munhu adye uye anwe, uye kuti azviwanire kugutsikana mukushanda kwake kwaakabata pasi pezuva pamazuva ake mashoma oupenyu aakapiwa naMwari, nokuti uyu ndiwo mugove wake.
Behold, that which I have seen to be good and to be fitting is for a man to eat and to drink, and to enjoy good in all his labor in which he labors under the sun all the days of his life which God has given him, for this is his portion.
19 Pamusoro pezvo, Mwari paanopa munhu upi zvake mari nezvinhu, uye achiita kuti akwanise kuti afadzwe nazvo kuti agamuchire mugove wake uye kuti afadzwe nebasa rake, ichi chipo chinobva kuna Mwari.
Every man also to whom God has given riches and wealth, and has given him power to eat of it, and to take his portion, and to rejoice in his labor-this is the gift of God.
20 Haawanzofunga pamusoro poupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura zvinofadza mwoyo wake.
For he shall not much remember the days of his life, because God answers him in the joy of his heart.

< Muparidzi 5 >